Enda pane zvauri kuda

Misangano Yeungano yeZvapupu zvaJehovha

Inzwa zvakawanda nezvemisangano yedu. Tsvaga nzvimbo iri pedyo newe inoitirwa misangano.

Tsvaga Nzvimbo Iri Pedyo Newe (opens new window)

Misangano yeZvapupu zvaJehovha Inoitwa Sei?

Zvapupu zvaJehovha zvinoungana kuti zvinamate kaviri pavhiki. (VaHebheru 10:​24, 25) Pamisangano iyi, munhu wese akasununguka kuuya. Tinoongorora zvinotaurwa neBhaibheri uye kuti tingashandisa sei zvarinodzidzisa muupenyu hwedu.

Pamisangano yedu, vateereri vanowana mikana yokutaurawo, sezvinoitwa mukirasi. Hapana anomanikidzwa kupindura. Misangano inotangwa uye inogumiswa nerwiyo uye munyengetero.

Hazvirevi kuti unofanira kutanga wava mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti uzopinda misangano yedu. Tinokoka munhu wese anoda. Munhu unogara pawada uye haubhadhari. Hapana ndiro yemari inofambiswa.