Enda pane zvauri kuda

Kutsanangurwa Kwemavhesi

Batsirwa kunzwisisa zvinorehwa nemavhesi uye mashoko emuBhaibheri anofarirwa nevanhu vakawanda. Verenga mashoko akapoteredza kuti unzwisise kuti zviri kutaurwa mumavhesi acho zvinonyatsorevei. Shandisa mashoko emuzasi nemamwe mavhesi anoenderana nevhesi iyoyo kuti uwedzere kuinzwisisa.

Genesisi 1:1 Inotsanangurwa—“Pakutanga Mwari Akasika Denga Nenyika”

Zvinhu zvipi zviviri zvechokwadi zvinokosha zvinoratidzwa nemashoko aya ekutanga eBhaibheri?

Eksodho 20:12 Inotsanangurwa—“Kudza Baba Vako Naamai Vako”

Pane zvakanaka zvaizoitika kwavari kana vaizoteerera murayiro uyu.

Joshua 1:9 Inotsanangurwa—“Shinga, Usimbe”

Ungava sei neushingi nesimba paunotarisana nezvinhu zvakaoma zvinoita sezvisingakundiki?

Kutsanangurwa kwaPisarema 23:4—“Kunyange Ndichifamba Mumupata Werima Gobvu Rerufu”

Vanamati vaMwari vanodzivirirwa sei naye kunyange pavanenge vaine matambudziko akakura?

Pisarema 37:4 Inotsanangurwa​—“Farai Kwazvo Muna TENZI”

Pisarema iri rinotibatsira sei kuti tive neuchenjeri hunoita kuti tive vanhu vanofarirwa naMwari?

Kutsanangurwa kwaZvirevo 3:5, 6—‘Rega Kuzendamira Panjere Dzako’

Ungaratidza sei kuti unovimba naMwari kwete kunyanya kuzvivimba?

Zvirevo16:3 Inotsanangurwa—“Turira Mabasa Ako Ose Kuna TENZI”

Ndezvipi zvikonzero zviviri zvinofanira kuita kuti vanhu vatsvage kutungamirirwa naMwari pavanenge vachiita zvisarudzo?

Kutsanangurwa kwaZvirevo 17:17—“Shamwari Ishamwari Nguva Dzose”

Vhesi iyi inonyatsotsanangura chinonzi shamwari yechokwadi.

Zvirevo 22:6—“Rovedza Mwana Nzira Yaanofanira Kufamba Nayo”

“Nzira” iri kunzi mwana afambe nayo ndeipi? Munhu mumwe nemumwe ane nzira yake yakasiyana neyevamwe here?

Muparidzi 3:11 Inotsanangurwa—“Akaita Chinhu Chimwe Nechimwe Chakanaka Nenguva Yacho”

Mabasa aMwari akanaka haangogumiri pazvinhu zvaakasika. Kuziva izvozvo kunokubatsira sei?

Kutsanangurwa kwaIsaya 26:3—“Muchachengeta Murugare Rukuru Munhu Ano Mwoyo Wakasimba”

Zvinoita here kuti munhu anyatsonzwa aine rugare mumwoyo nemupfungwa? Zvinorevei kuva nemwoyo wakasimba?

Isaya 40:31 Inotsanangurwa—“Vaya Vanotarisira Kuna Jehovha Vachawanazve Simba”

Nei Magwaro achienzanisa munhu anopiwa simba naMwari negondo riri kubhururuka?

Isaya 41:10 Inotsanangurwa—“Usatya, Nekuti Ndinewe”

Jehovha akadzokorora pfungwa imwe chete katatu kuti anyatsosimbisa kuti achavabatsira.

Isaya 42:8 Inotsanangurwa—“Ndini TENZI”

Mwari akazvipa zita rekuti chii?

Kutsanangurwa kwaJeremiya 11:11—“Ndichauyisa Zvakaipa Pamusoro Pavo”

Mwari akauyisa “zvakaipa” pavanhu vake here, kana kuti akangozvibvumira?

Jeremiya 29:11 Inotsanangurwa—“Ndinoziva Urongwa Hwandiinahwo Pamusoro Penyu”

Zvese zvinoitika muupenyu hwemunhu zvakatorongwa naMwari here?

Kutsanangurwa kwaJeremiya 33:3—“Shevedzera Kwandiri, Uye Ini Ndichakupindura”

Mwari akavimbisa kuratidza “zvinhu zvikuru nezvisingagoni kunzwisiswa” kune vaya vaizonyengetera kwaari. Zvinhu zvipi izvozvo? Ndizvo zvaachiri kuitawo here nanhasi?

Kutsanangurwa kwaMika 6:8—“Famba naMwari Wako Wakazvininipisa”

Vhesi iyi inotaura zvatinotarisirwa kuti tiite naMwari.

Kutsanangurwa kwaMateu 6:33—‘Tangai Kutsvaka Umambo hwaMwari’

Jesu aireva here kuti vaKristu havafaniri kushanda kuti vawane zvekurarama nazvo?

Mateu 6:34 Inotsanangurwa—“Musambozvidya Mwoyo Pamusoro Pezuva Rinotevera”

Jesu akanga asiri kurambidza vanhu kuti varonge ramangwana ravo.

Kutsanangurwa kwaMateu 11:28-30—“Uyai Kwandiri, . . . Uye Ndichakupai Zororo”

Jesu aireva here kuti aizobvisa kudzvinyirirwa kwese ipapo ipapo?

Mako 1:15 Inotsanangurwa—“Umambo hwaMwari Hwaswedera”

Jesu aireva here kuti Umambo hwakanga hwatotanga kutonga?

Mako 11:24 Inotsanangurwa—“Zvose Zvamunokumbira Mukunyengetera, Tendai Kuti Mazvigamuchira”

Zano rakapiwa naJesu panyaya yekunyengetera ringatibatsira sei kukunda matambudziko mazuva ano?

Kutsanangurwa kwaRuka 1:37—“Nokuti Hakuna Chinhu Chisingagoni Kuitwa naMwari”

Hapana chinotadzisa Mwari Wemasimbaose kuzadzisa zvaanenge avimbisa. Mashoko aya anokukurudzira sei?

Ruka 2:14—“Rugare Panyika Nokuvanhu Vaanofarira”

Mashoko aya angarevei kuvanhu mazuva ano?

Johani 1:1 Inotsanangurwa—“Pakutanga Shoko Rakanga Riripo”

Vhesi iyi inotiudza nezveupenyu hwaJesu asati auya panyika.

Johani 3:16 Inotsanangurwa—“Nekuti Mwari Akada Nyika Kwazvo”

Jehovha Mwari akaratidza sei kuti anoda mumwe nemumwe wedu uye kuti anoda kuti tirarame nekusingaperi?

Kutsanangurwa kwaJohani 14:6—“Ndini Nzira Nechokwadi Neupenyu”

Nemhaka yei munhu anoda kunamata Jehovha achifanira kuziva basa rinokosha rina Jesu?

Kutsanangurwa kwaJohani 14:27—“Ndinokusiyirai Rugare”

Jesu akapa vateveri vake vechokwadi rugare rwakaita sei? Tingawana sei rugare irworwo?

Kutsanangurwa kwaJohani 15:13—“Hakuna Rudo Runopfuura Urwu”

Vateveri vaJesu vangaitei kuti vatevedzere rudo rwaaiva narwo?

Kutsanangurwa kwaJohani 16:33—“Ini Ndakakunda Nyika”

Mashoko aJesu akabatsira sei vateveri vake kuti vazive kuti naivowo vanokwanisa kufadza Mwari?

Kutsanangurwa kwaMabasa 1:8—“Muchapiwa Simba”

Jesu akavimbisa vateveri vake kuti aizovapa simba rei uye raizovabatsirei?

Kutsanangurwa kwaVaRoma 5:8—“Patakanga Tichiri Vatadzi, Kristu Akatifira”

Sezvo vanhu vachifunga nekuita zvinhu zvisingaenderani nemitemo yaMwari yakarurama, tingaitei kuti tive shamwari dzaMwari iye zvino uye nekusingaperi?

VaRoma 6:23 Inotsanangurwa​—“Mubayiro weChivi Ndirwo Rufu Asi Chipo chaMwari Chokungopiwa Ndihwo Upenyu Husingaperi”

Hapana munhu anogona kushandira kuti awane ruponeso asi tinogona kuwana chipo chaMwari cheupenyu husingaperi. Tinozviita sei?

VaRoma 10:13 Inotsanangurwa—“Dana Kuzita raIshe”

Mwari anopa vanhu vese mukana wekuti vaponeswe uye vawane upenyu husingaperi, pasinei nekuti ndeverudzi rupi kana kuti vane upenyu hwakaita sei.

Kutsanangurwa kwaVaRoma 12:2—“Pfungwa Dzenyu Ngadzishandurwe, Kuti Muve Vatsva”

Mwari anomanikidza vanhu kuti vachinje mararamiro avo here?

Kutsanangurwa kwaVaRoma 12:12—“Farai Mutariro, Tsungirirai Pakutambudzika, Rambai Muchinyengetera”

VaKristu vangaramba sei vakatendeka pasinei nekutambudzwa uye mamwe matambudziko avanosangana nawo?

Kutsanangurwa kwaVaRoma 15:13—“Mwari Wetariro Ngaakuzadzei Nemufaro Wose Norugare”

Mufaro nerugare zvinobatana papi netariro nemweya mutsvene?

1 VaKorinde 10:13 Inotsanangurwa—“Mwari Akatendeka”

Kutendeka kwaMwari kunotibatsira sei kunyanya patinosangana nemiedzo?

Kutsanangurwa kwa2 VaKorinde 12:9—“Nyasha Dzangu Kwauri Dzakakwana”

Muapostora Pauro akabatsirwa sei nenyasha dzaMwari? Isu tinobatsirwawo sei?

Kutsanangurwa kwaVaFiripi 4:6, 7—“Musazvidya Mwoyo Nezvechinhu Chero Chipi Zvacho”

Minyengetero yakaita sei ingapiwa nevanamati vaMwari kuti vasanyanye kunetseka uye kuti vawane rugare mumwoyo mavo?

VaFiripi 4:13 Inotsanangurwa—“Ndinogona Kuita Zvinhu Zvese Nekuda kwaKristu”

Muapostora Pauro airevei paakanyora kuti aizopiwa simba “rekuita zvinhu zvese”?

Kutsanangurwa kwaVaKorose 3:23—“Zvose Zvamunoita, Muzviite Nomwoyo Wose”

Maitiro anoita muKristu basa rake akabatana papi nekunamata kwaanoita Mwari?

Kutsanangurwa kwa2 Timoti 1:7—“Mwari Haana Kutipa Mweya Wokutya”

Mwari angabatsira sei munhu kuti akurire kutya ova neushingi hwekuita zvakarurama?

Kutsanangurwa kwaVaHebheru 4:12—“Shoko raMwari Ibenyu Uye Rine Simba”

Uri kuita kuti shoko raMwari rishande muupenyu hwako here? Izvi zvinoratidza kuti uri munhu akaita sei?

1 Petro 5:6, 7 Inotsanangurwa—“Muzvininipise, . . . Kandai Pamusoro Pake Kufunganya Kwenyu Kwose”

Zvinorevei ‘kukanda’ kuzvidya mwoyo kwedu pana Mwari, uye izvozvo zvinogona kutizorodza sei?

Kutsanangurwa kwaZvakazarurwa 21:1—“Denga Idzva Nenyika Itsva””

Zvii zvinotaurwa muBhaibheri zvinotibatsira kunzwisisa vhesi iyi?

Kutsanangurwa kwaZvakazarurwa 21:4—“Achapukuta Misodzi Yese”

Vhesi iyi ine vimbiso yakanaka chaizvo yeramangwana.