Tsamba Yekutanga yaJohani 3:1-24

  • Tiri vana vaMwari (1-3)

  • Vana vaMwari nevana vaDhiyabhorosi (4-12)

    • Jesu achaparadza mabasa aDhiyabhorosi (8)

  • Dananai (13-18)

  • Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu (19-24)

3  Onai kuti Baba vakatiratidza rudo rwakakura zvakadii+ nekuita kuti tinzi vana vaMwari!+ Uye ndizvo zvatiri. Ndokusaka nyika isingatizivi,+ nekuti haisati yasvika pakumuziva.+  Vadiwa, iye zvino tava vana vaMwari,+ asi zvatichazova hazvisati zvaratidzwa.+ Tinoziva kuti paacharatidzwa tichafanana naye, nekuti tichamuona sezvaari chaizvo.  Iye akachena, saka munhu wese ane tariro iyi anozvichenesawo.+  Munhu wese anogara achiita chivi anenge achitotyorawo mutemo, uye chivi kusateerera mutemo.  Munozivawo kuti Jesu akaratidzwa pachena kuti abvise zvivi zvedu,+ uye iye haana chivi.  Munhu wese anoramba ari pamwe naye haarambi achiita chivi;+ hapana munhu anogara achiita chivi akamuona kana akasvika pakumuziva.  Vana vangu, ngapasava neanokutsausai; uyo anoramba achiita zvakarurama akarurama, sezvo iyewo* akarurama.  Munhu anoramba achiita chivi anobva kuna Dhiyabhorosi, nekuti Dhiyabhorosi agara achitadza kubvira pakutanga.*+ Ndokusaka Mwanakomana waMwari akaratidzwa pachena, kuti aputse* mabasa aDhiyabhorosi.+  Munhu wese akaberekwa naMwari haarambi achiita chivi,+ nekuti mbeu* yaMwari inoramba iri mumunhu akadaro, uye hazviiti kuti arambe achiita chivi, nekuti akaberekwa naMwari.+ 10  Vana vaMwari nevana vaDhiyabhorosi vanoonekwa neizvi: Munhu wese asingarambi achiita zvakarurama haabvi kuna Mwari, uye ndizvo zvimwe chetewo nemunhu asingadi hama yake.+ 11  Nekuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubvira pakutanga, rekuti tinofanira kudanana;+ 12  hatifaniri kuita saKaini uyo akabva kune akaipa, akaponda munin’ina wake.+ Akamuponderei? Nekuti mabasa ake akanga akaipa,+ asi emunin’ina wake akanga akarurama.+ 13  Hama musashamiswa kuti nyika inokuvengai.+ 14  Tinoziva kuti takabva murufu tikava vapenyu,+ nekuti tinoda hama dzedu.+ Uyo asingadi hama yake anoramba ari murufu.+ 15  Munhu wese anovenga hama yake muurayi,+ uye munoziva kuti hapana muurayi anoramba aine upenyu husingaperi.+ 16  Takasvika pakuziva rudo, nekuti iye akapa upenyu hwake* nekuda kwedu,+ uye isu tinotofanirawo kupa upenyu hwedu* nekuda kwehama dzedu.+ 17  Asi munhu ane zvekurarama nazvo zvenyika ino akaona hama yake ichishayiwa, oramba kuinzwira tsitsi, angati anoda Mwari here?+ 18  Vana vangu, hatifaniri kungodanana neshoko kana nerurimi chete,+ asi nezviito+ nechokwadi.+ 19  Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti tine chokwadi, uye tichaita kuti mwoyo yedu ive nechokwadi* pamberi pake 20  pamusoro pezvinhu zvese izvo mwoyo yedu ingatipa mhosva, nekuti Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvese.+ 21  Vadiwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tine rusununguko rwekutaura naMwari;+ 22  uye anotipa zvinhu zvese zvatinomukumbira,+ nekuti tiri kuchengeta mirayiro yake uye tiri kuita zvinomufadza. 23  Chokwadi, uyu ndiwo murayiro wake: wekuti titende muzita reMwanakomana wake Jesu Kristu+ uye tidanane,+ sekutirayira kwaakaita. 24  Uyewo, munhu anochengeta mirayiro yake anoramba ari pamwe naye, uye iye anoramba ari pamwe nemunhu akadaro.+ Uye nemweya waakatipa tinoziva kuti anoramba ari pamwe nesu.+

Mashoko Emuzasi

Kureva, Jesu.
Kana kuti “aparadze.”
Kana kuti “kubvira paakatanga.”
Kureva, mbeu inobereka.
Kana kuti “mweya wake.”
Kana kuti “mweya yedu.”
Kana kuti “ibvume; igutsikane.”