Bhuku Rekutanga raSamueri 31:1-13

  • Kufa kwaSauro nevanakomana vake vatatu (1-13)

31  Zvino vaFiristiya vakanga vachirwa nevaIsraeri.+ Varume veIsraeri vakatiza vaFiristiya, uye vakawanda vakaurayiwa muGomo reGiribhoa.+  VaFiristiya vakaramba vakati name name naSauro nevanakomana vake, uye vaFiristiya vakauraya Jonatani,+ Abhinadhabhi, naMariki-shua, vanakomana vaSauro.+  Hondo yacho yakanga yava kupisa ichiomera Sauro, uye vaya vaipfura neuta vakamuwana vakamukuvadza zvakaipisisa.+  Sauro akabva ati kumutakuri wezvombo zvake: “Vhomora bakatwa rako undibaye naro, kuti varume ava vasina kuchecheudzwa+ varege kuuya kuzondibaya, vondiitira utsinye.” Asi mutakuri wezvombo zvake akanga asingadi kumubaya, nekuti aitya chaizvo. Saka Sauro akatora bakatwa racho, akawira pariri.+  Mutakuri wezvombo zvake paakaona kuti Sauro akanga afa,+ iyewo akabva awira pabakatwa rake akafa pamwe chete naye.  Saka Sauro nevanakomana vake vatatu, nemutakuri wezvombo zvake, nevarume vake vese, vakafa zuva iroro.+  VaIsraeri vaiva munharaunda yebani nevaiva munharaunda yeJodhani pavakaona kuti varume vaIsraeri vakanga vatiza uye kuti Sauro nevanakomana vake vakanga vafa, vakatanga kubuda mumaguta acho vachitiza;+ vaFiristiya vakabva vauya vakaatora.  Mangwana acho, vaFiristiya pavakauya kuzotora zvipfeko nezvimwe zvinhu zvevanhu vakanga vaurayiwa, vakawana Sauro nevanakomana vake vatatu vakafa muGomo reGiribhoa.+  Saka vakadimbura musoro wake, vakatora zvipfeko zvake zvehondo, vakatumira shoko munyika yese yevaFiristiya kuti vasvitse mashoko acho+ mudzimba* dzezvidhori+ zvavo nekuvanhu. 10  Vakabva vaisa zvipfeko zvake zvehondo muimba yezvifananidzo zvaAshtoreti, vakaroverera chitunha chake parusvingo rweBheti-shani.+ 11  Vagari vekuJabheshi-giriyedhi+ pavakanzwa zvakanga zvaitirwa Sauro nevaFiristiya, 12  varwi vese vakabva vasimuka, vakafamba usiku hwese, vakanobvisa mutumbi waSauro nemitumbi yevanakomana vake parusvingo rweBheti-shani. Vakadzokera kuJabheshi, vakapisa mitumbi yacho ikoko. 13  Vakabva vatora mapfupa avo+ vakaaviga pasi pemuti wemutamarisiki waiva muJabheshi,+ vakatsanya kwemazuva 7.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mutemberi.”