Tsamba Yekutanga Kuna Timoti 2:1-15

  • Kunyengeterera vanhu vakasiyana-siyana (1-7)

    • Mwari mumwe chete, murevereri mumwe chete (5)

    • Rudzikinuro runoenzanirana nevanhu vese (6)

  • Kurayirwa kwevarume nevakadzi (8-15)

    • Kupfeka zvinoratidza kuva nemwero (9, 10)

2  Saka ndinotanga nekukurudzira kuti munyengeterere vanhu vakasiyana-siyana muchiteterera nekuvakumbirira nekuonga,  kusanganisira madzimambo nevaya vese vane zvinzvimbo zvepamusoro,+ kuti tirambe tichirarama upenyu hwakadzikama uye hune runyararo, takanyatsozvipira kuna Mwari uye tichiita zvinhu nemwoyo wese.+  Izvi zvakanaka uye zvinogamuchirika pamberi peMuponesi wedu, Mwari,+  uyo anoda kuti vanhu vakasiyana-siyana vaponeswe+ uye vasvike pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.  Nekuti kuna Mwari mumwe chete,+ nemurevereri mumwe chete+ pakati paMwari nevanhu,+ ariwo munhu, Kristu Jesu,+  uyo akazvipa kuti ave rudzikinuro runoenzanirana nevanhu vese;*+ izvi ndizvo zvichapupurirwa nezvazvo panguva yacho chaiyo.  Nekuda kweuchapupu uhwu,+ ndakagadzwa kuti ndive muparidzi uye muapostora,+ (ndiri kutaura chokwadi, handisi kunyepa), mudzidzisi wemamwe marudzi+ panyaya yekutenda uye yechokwadi.  Saka ndinoda kuti munzvimbo dzese dzamunoungana, varume varambe vachinyengetera, vachisimudza maoko akavimbika,+ vasingaiti hasha+ uye nharo.+  Vakadzi vanofanirawo kupfeka zvipfeko zvine mutsigo,* zvinoratidza kuva nemwero uye pfungwa dzakanaka, kwete kuruka bvudzi negoridhe kana nemaparera kana kupfeka zvinhu zvinonyanya kudhura,+ 10  asi ngavapfeke nenzira inokodzera vakadzi vanozvipira kuna Mwari,+ nemabasa akanaka. 11  Mukadzi ngaadzidze akanyarara* achinyatsozviisa pasi.+ 12  Handibvumiri mukadzi kuti adzidzise kana kuti atonge murume, asi anofanira kuramba akanyarara.*+ 13  Nekuti Adhamu akatanga kuumbwa, kukazotevera Evha.+ 14  Uyewo Adhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi ndiye akanyengerwa kwazvo,+ akava mutadzi. 15  Asi achachengetedzwa nekubereka vana,+ ndokunge aramba ari* mukutenda nemurudo nemuutsvene aine pfungwa dzakanaka.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “vakasiyana-siyana.”
Kana kuti “zvinoremekedzeka.”
Kana kuti “akadzikama.”
Kana kuti “akadzikama.”
ChiGir., “varamba vari.”