Tsamba Yekutanga Kuna Timoti 2:1-15
2 Saka ndinotanga nekukurudzira kuti munyengeterere vanhu vakasiyana-siyana muchiteterera nekuvakumbirira nekuonga,
2 kusanganisira madzimambo nevaya vese vane zvinzvimbo zvepamusoro,+ kuti tirambe tichirarama upenyu hwakadzikama uye hune runyararo, takanyatsozvipira kuna Mwari uye tichiita zvinhu nemwoyo wese.+
3 Izvi zvakanaka uye zvinogamuchirika pamberi peMuponesi wedu, Mwari,+
4 uyo anoda kuti vanhu vakasiyana-siyana vaponeswe+ uye vasvike pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.
5 Nekuti kuna Mwari mumwe chete,+ nemurevereri mumwe chete+ pakati paMwari nevanhu,+ ariwo munhu, Kristu Jesu,+
6 uyo akazvipa kuti ave rudzikinuro runoenzanirana nevanhu vese;*+ izvi ndizvo zvichapupurirwa nezvazvo panguva yacho chaiyo.
7 Nekuda kweuchapupu uhwu,+ ndakagadzwa kuti ndive muparidzi uye muapostora,+ (ndiri kutaura chokwadi, handisi kunyepa), mudzidzisi wemamwe marudzi+ panyaya yekutenda uye yechokwadi.
8 Saka ndinoda kuti munzvimbo dzese dzamunoungana, varume varambe vachinyengetera, vachisimudza maoko akavimbika,+ vasingaiti hasha+ uye nharo.+
9 Vakadzi vanofanirawo kupfeka zvipfeko zvine mutsigo,* zvinoratidza kuva nemwero uye pfungwa dzakanaka, kwete kuruka bvudzi negoridhe kana nemaparera kana kupfeka zvinhu zvinonyanya kudhura,+
10 asi ngavapfeke nenzira inokodzera vakadzi vanozvipira kuna Mwari,+ nemabasa akanaka.
11 Mukadzi ngaadzidze akanyarara* achinyatsozviisa pasi.+
12 Handibvumiri mukadzi kuti adzidzise kana kuti atonge murume, asi anofanira kuramba akanyarara.*+
13 Nekuti Adhamu akatanga kuumbwa, kukazotevera Evha.+
14 Uyewo Adhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi ndiye akanyengerwa kwazvo,+ akava mutadzi.
15 Asi achachengetedzwa nekubereka vana,+ ndokunge aramba ari* mukutenda nemurudo nemuutsvene aine pfungwa dzakanaka.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “vakasiyana-siyana.”
^ Kana kuti “zvinoremekedzeka.”
^ Kana kuti “akadzikama.”
^ Kana kuti “akadzikama.”
^ ChiGir., “varamba vari.”