Tsamba Yekutanga kuvaKorinde 10:1-33

  • Kuyambirwa kwatinoitwa nenhoroondo yevaIsraeri (1-13)

  • Kuyambirwa nezvekunamata zvidhori (14-22)

    • Tafura yaJehovha, tafura yemadhimoni (21)

  • Rusununguko uye kufungawo vamwe (23-33)

    • “Itai zvinhu zvese kuti Mwari akudzwe” (31)

10  Hama, ndinoda kuti muzive kuti madzitateguru edu ese akanga ari pasi pegore+ uye ese akapfuura nemugungwa+  uye ese akabhabhatidzwa muna Mozisi negore uye negungwa,  uye ese akadya zvekudya zvemweya zvakafanana+  uye ese akanwa zvekunwa zvemweya zvakafanana.+ Nekuti akanwa mvura yakabuda padombo remweya raiatevera, uye dombo iroro raireva* Kristu.+  Kunyange zvakadaro, Mwari haana kufadzwa nevakawanda vavo, saka vakaurayiwa murenje.+  Saka zvinhu izvi zvakava mienzaniso kwatiri, kuti tirege kuda zvinhu zvakaipa, sezvavakaita ivo.+  Musanamatawo zvidhori, sezvakaita vamwe vavo; sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Vanhu vakagara pasi vakatanga kudya nekunwa. Vakabva vasimuka vakatanga kufara.”+  Ngatiregeiwo kuita upombwe,* sevamwe vavo vakaita upombwe,* vakazofa, 23 000 musi mumwe chete.+  Ngatiregeiwo kuedza Jehovha,*+ sevamwe vavo vakamuedza, vakazoparadzwa nenyoka.+ 10  Regaiwo kugunun’una, sevamwe vavo vakagunun’una,+ vakazoparadzwa nemuparadzi.+ 11  Zvinhu izvi zvakaitika kwavari kuti uve muenzaniso kwatiri, uye zvakanyorwa kuti tiyambirwe isu+ tasvikirwa nemugumo wenyika ino.* 12  Saka anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa.+ 13  Hapana muedzo wakauya pamuri kunze kweyagara ichisangana nevanhu.+ Asi Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira,+ asi pamwe chete nemuedzo achaitawo nzira yekubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.+ 14  Saka vadiwa vangu, tizai kunamata zvidhori.+ 15  Ndiri kutaura nemi ndichiziva kuti muri vanhu vakachenjera; zvionereiwo mega zvandiri kutaura. 16  Kapu yatinonyengeterera kuti ikomborerwe, hairevi kuti tiri kubatsirwa neropa raKristu here?+ Chingwa chatinomedura, hachirevi kuti tiri kubatsirwa nemuviri waKristu here?+ 17  Sezvo paine chingwa chimwe chete, kunyange zvazvo isu takawanda, tiri muviri mumwe chete,+ nekuti tese tiri kudya chingwa chimwe chete ichocho. 18  Fungai nezvevaIsraeri panyama: Vaya vanodya zvibayiro vanenge vasingagovane neatari yacho here?+ 19  Saka ndiri kutii? Ndiri kureva here kuti chinobayirwa kuchidhori chinokosha, uye kuti chidhori chinokosha? 20  Aiwa; asi ndinoti zvinhu zvinobayirwa nemarudzi, anozvibayira kumadhimoni, kwete kuna Mwari;+ uye handidi kuti mubatane nemadhimoni.+ 21  Hamugoni kunwira mukapu yaJehovha* uye mukapu yemadhimoni; hamugoni kudyira “patafura yaJehovha”*+ uye patafura yemadhimoni. 22  ‘Tiri kuda kuti Jehovha* ave negodo here’?+ Ko isu tine simba kumupfuura here? 23  Zvinhu zvese zvinobvumirwa, asi hazvisi zvinhu zvese zvinobatsira. Zvinhu zvese zvinobvumirwa, asi hazvisi zvinhu zvese zvinovaka.+ 24  Mumwe nemumwe ngaarege kuramba achitsvaga zvinobatsira iye chete, asiwo zvinobatsira mumwe.+ 25  Idyai chero zvinenge zvichitengeswa pamusika wenyama, musingabvunzi nemhaka yehana yenyu, 26  nekuti “nyika nezvese zviri mairi ndezvaJehovha.”*+ 27  Kana mukakokwa nemunhu asingatendi uye muchida kuenda, idyai chero zvaanoisa pamberi penyu, musina chamunobvunza nekuda kwehana yenyu. 28  Asi kana mumwe munhu akati kwamuri, “Ichi chakapiwa sechibayiro,” musadya nemhaka yemunhu akuudzai uye nemhaka yehana.+ 29  Handisi kureva hana yenyu, asi yemunhu wacho. Nekuti nei rusununguko rwangu ruchifanira kutongwa nehana yemumwe munhu?+ 30  Kana ndichidya nekuonga, nei ndichifanira kutukwa nekuda kwezvinhu zvandinoonga pamusoro pazvo?+ 31  Saka mungava muri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu, itai zvinhu zvese kuti Mwari akudzwe.+ 32  Musava zvinhu zvinogumbura kuvaJudha pamwe chete nevaGiriki neungano yaMwari,+ 33  kungofanana neni ndiri kuedza kufadza vanhu vese muzvinhu zvese, ndisingatsvagi zvinobatsira ini chete,+ asi zvinobatsira vakawanda, kuti vaponeswe.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “raiva.”
Kana kuti “wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.