Tsamba Yechipiri yaPetro 3:1-18

  • Vaseki vanoti kuparadzwa hakusi kuuya (1-7)

  • Jehovha haanonoki (8-10)

  • Fungai kuti munofanira kuva vanhu vakadii (11-16)

    • Matenga matsva nenyika itsva (13)

  • Ngwarirai kuti musatsauswa (17, 18)

3  Vadiwa, iyi yava tsamba yechipiri yandiri kukunyorerai ndichikukurudzirai kuti pfungwa dzenyu dzirambe dzichishanda, ndichiita zvekukuyeuchidzai sezvandakaita mutsamba yekutanga,+  kuti muyeuke mashoko akambotaurwa* nevaprofita vatsvene uye murayiro waIshe, iye Muponesi, wakataurwa pachishandiswa vaapostora venyu.  Chekutanga, zivai kuti mumazuva ekupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachiita zvavanoda,+  vachiti: “Ko zvaakanzi achavapo, zvino ari kupi?+ Nekuti kubvira pazuva rakarara madzitateguru edu murufu, zvinhu zvese zviri kungoramba zvakaita sezvazvakanga zviri kubvira pakatanga kusikwa zvinhu.”+  Nekuti vanofuratira chokwadi chekuti kare kare kwaiva nedenga nenyika yainge yakamira zvakasimba mumvura, iri pakati pemvura, zvichiitwa neshoko raMwari;+  uye pachishandiswa izvi, nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura.+  Asi neshoko rimwe chete iroro matenga nenyika zviripo iye zvino zvakachengeterwa moto uye zviri kusiyiwa zviripo kusvikira pazuva rekutongwa nerekuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.+  Zvisinei, musakanganwa izvi vadiwa kuti zuva rimwe chete kuna Jehovha* rakaita semakore ane chiuru uye makore ane chiuru akaita sezuva rimwe chete.+  Jehovha* haanonoki kuita zvaakavimbisa+ sezvinofungwa nevamwe kuti anononoka, asi ane mwoyo murefu nemi nekuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike pakutendeuka.+ 10  Asi zuva raJehovha*+ richauya sembavha,+ uye zuva iroro matenga achapfuura+ achitinhira, asi zvinhu zviri mumatenga nepanyika izvo zvichange zvichipisa kwazvo zvichanyungudutswa, uye nyika nemabasa ari mairi zvichava pachena.+ 11  Sezvo zvinhu zvese izvi zvichanyungudutswa kudaro, fungai kuti munofanira kuva vanhu vakadii pamararamiro enyu matsvene nepamabasa ekuzvipira kuna Mwari, 12  pamuri kumirira uye kuramba muchifunga* nezvekuvapo kwezuva raJehovha,*+ iro richaparadza matenga+ nemoto, zvinhu zviri mumatenga nepanyika zvichinyungudutswa nekupisa kwacho kukuru! 13  Asi kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira sekuvimbisa kwaakaita,+ uye imomo muchagara muine kururama.+ 14  Saka vadiwa, sezvo makamirira zvinhu izvi, itai zvese zvamunogona kuti pakupedzisira muwanikwe naye musina ruvara kana pakasviba, muine rugare.+ 15  Uyewo onai mwoyo murefu waShe wedu seruponeso, sezvamakanyorerwawo naPauro hama yedu inodiwa maererano neuchenjeri hwaakapiwa,+ 16  achitaura pamusoro pezvinhu izvi sezvaanoitawo mutsamba dzake dzese. Zvisinei, zvimwe zvinhu zviri mutsamba dzacho zvakaoma kunzwisisa, uye vaya vasina chavanoziva* uye vasina kusimba pakutenda vanozvimonyanisa, sezvavanoita mamwe Magwaro ese, uye izvozvo zvichaita kuti vaparadzwe. 17  Saka imi vadiwa, zvamunoziva zvinhu izvi zvichaitika, ngwarirai kuti musatsauswa nedzidziso dzenhema dzevanhu ivavo vasingateereri mutemo, mozununguswa pakutenda kwenyu.+ 18  Musatsauswa, asi rambai muchiwedzera kuwana nyasha uye ruzivo pamusoro paIshe, iye Muponesi wedu Jesu Kristu. Iye ngaakudzwe iye zvino uye nekusingaperi. Ameni.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “muyeuke zvinhu zvakagara zvataurwa.”
ChiGir., “muchikurumidzisa.”
Kana kuti “vasina kudzidziswa.”