Isaya 41:1-29

  • Munhu wekumabvazuva uyo anokunda (1-7)

  • Israeri anosarudzwa kuti ave mushumiri waMwari (8-20)

    • “Shamwari yangu Abrahamu” (8)

  • Vamwe vanamwari vanonzi varatidze kuti ndivanamwari (21-29)

41  “Nditeererei makanyarara,* imi zvitsuwa;Marudzi ngaawanezve simba rawo. Ngaaswedere pedyo; uye ngaataure.+ Ngatiunganei kuzotongwa.   Ndiani aita kuti pave nemumwe munhu anobva kumabvazuva?+ Achimushevedza mukururama kuti auye patsoka dzake,*Kuti aise marudzi mumaoko akeUye kuti amuite kuti akunde madzimambo?+ Ndiani anoaita kuti asare ava guruva pamberi pebakatwa rake,Semashanga ari kupeperetswa nemhepo, pamberi peuta hwake?   Anoatevera achipfuura pasina chinomuvhiringidza,Achifamba nemumakwara asina kumbofambwa netsoka dzake.   Ndiani abata basa iri, achiita izvi,Achishevedza zvizvarwa kubvira pakutanga? Ini Jehovha, ndini Wekutanga;+Uye kuzvizvarwa zvekupedzisira ndinongova iye mumwe chete.”+   Zvitsuwa zvakazviona zvikatya. Migumo yenyika yakatanga kudedera. Inoswedera pedyo youya pamberi.   Mumwe nemumwe anobatsira shamwari yake,Oti kuhama yake: “Simba.”   Saka mhizha inosimbisa mupfuri wesimbi;+Munhu anorova nesando achiita kuti zvienzaneAnosimbisa uya anopfura achishandisa pekupfurira. Anoti nezvekubatanidza simbi: “Dzaitwa zvakanaka.” Mufananidzo wacho unobva wabatanidzwa nezvipikiri kuti urege kudonha.   “Asi iwe, haiwa Israeri, uri mushumiri wangu,+Iwe Jakobho wandakasarudza,+Vana* veshamwari yangu Abrahamu,+   Iwe wandakatora kumigumo yenyika,+Uye iwe wandakashevedza kubva kumativi ayo ari kure chaizvo. Ndakati kwauri, ‘Uri mushumiri wangu;+Ndakusarudza; handina kukuramba.+ 10  Usatya, nekuti ndinewe.+ Usanetseka, nekuti ndiri Mwari wako.+ Ndichakusimbisa, chokwadi ndichakubatsira,+Chokwadi ndicharamba ndakakubata neruoko rwangu rwerudyi rwekururama.’ 11  Inzwa! Vaya vese vari kukutsamwira chaizvo vachanyadziswa voninipiswa.+ Vaya vanorwa newe vachasara vasiri chinhu uye vachaparara.+ 12  Uchatsvaga varume vari kurwa newe, asi hauzovawani;Varume vari kukurwisa vachaita sevasipo, sechinhu chisingabatsiri.+ 13  Nekuti ini Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rwerudyi,Uye ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ndichakubatsira.’+ 14  Usatya Jakobho, iwe honye,*+Imi varume veIsraeri, ini ndichakubatsirai,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, iye Mudzikinuri wenyu,+ Mutsvene waIsraeri. 15  “Inzwa! Ndakuita chirei chekupurisa,+Mudziyo wekupurisa mutsva une mazino anocheka nekwese. Uchatsika-tsika makomo woaputsaWoita kuti zvikomo zviite sehundi. 16  Uchazviurutsa,Uye mhepo ichazvitakura;Dutu richazviparadzira. Uchafara muna Jehovha,+Uye uchazvirumbidza pamusoro peMutsvene waIsraeri.”+ 17  “Varombo nevanoshayiwa vari kutsvaga mvura, asi vari kuishaya. Rurimi rwavo rwakaoma nenyota.+ Ini Jehovha ndichavapindura.+ Ini Mwari waIsraeri, handizovasiyi.+ 18  Ndichaita kuti nzizi dziyerere muzvikomo zvisina chinhu+Nezvitubu mumapani.+ Ndichaita kuti renje rive dziva remvura rine tsanga zhinjiUye kuti nyika isina mvura ive zvitubu zvemvura.+ 19  Mugwenga ndichadyara musidhari,Mubayamhondoro nemukute nemuti wemupaini.+ Murenje ndichadyara mujunipa,Pamwe chete nemufiri nemusaipresi,+ 20  Kuti vanhu vese vaone uye vazive,Vateerere uye vanzwisise,Kuti ruoko rwaJehovha rwaita izvi,Uye kuti iye Mutsvene waIsraeri azviunza.”+ 21  “Taurai nyaya yenyu,” anodaro Jehovha. “Ipai uchapupu hwenyu,” anodaro Mambo waJakobho. 22  “Ipai uchapupu uye tiudzei zvinhu zvichaitika. Tiudzei zvinhu zvekare,*Kuti tifunge nezvazvo,* toziva kuti zvichaguma nei. Kana kuti tizivisei zvinhu zviri kuuya.+ 23  Tiudzei zvichaitika mune ramangwana,Kuti tizive kuti muri vanamwari.+ Itai chimwe chinhu, chakanaka kana kuti chakaipa,Kuti tishamiswe patinochiona.+ 24  Inzwai! Muri chinhu chisipo,Uye zvamakaita hazvibatsiri.+ Chero anokusarudzai anosemesa.+ 25  Ndaita kuti pave neanobva kuchamhembe, uye achauya,+Iye anobva kumabvazuva,+ uyo achadana zita rangu. Achatsika-tsika vatongi* sekunge kuti ivhu,+Semuumbi anotsika-tsika ivhu nyoro. 26  Ndiani akataura pamusoro peizvi kubvira pakutanga, kuti tizive,Kana kuti kubvira panguva yakapfuura, kuti titi, ‘Iye akarurama’?+ Chokwadi hapana akazvizivisa! Hapana akazvitaura! Hapana ane chaakanzwa kwamuri!”+ 27  Ndini ndakatanga kuti kuZiyoni: “Tarisai muone! Hezvino zvichaitika!”+ Uye ndichatumira munhu anoenda nemashoko akanaka kuJerusarema.+ 28  Asi ndakaramba ndakatarisa, uye pakanga pasina munhu;Pakati pavo pakanga pasina anopa mazano. Uye ndakaramba ndichivaudza kuti vapindure. 29  Onai! Vese chinhu chisipo. Mabasa avo haabatsiri. Mifananidzo yavo yesimbi* imhepo uye haisi yechokwadi.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Rambai makanyarara pamberi pangu.”
Kureva kuti auye kuzomushumira.
ChiHeb., “Mbeu.”
Kureva kuti asingagoni kuzvidzivirira uye akaderera.
ChiHeb., “zvekutanga.”
Kana kuti “tiise mwoyo yedu pazviri.”
Kana kuti “vatevedzeri vevatongi.”
Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”