Mabasa Evaapostora 17:1-34

  • Pauro naSirasi muTesaronika (1-9)

  • Pauro naSirasi muBheriya (10-15)

  • Pauro muAtene (16-22a)

  • Mharidzo yaPauro paAreyopago (22b-34)

17  Vakapfuura nemuAmfiporisi nemuAporoniya, vakasvika kuTesaronika,+ kwaiva nesinagogi revaJudha.  Saka Pauro akapinda mavaiva sezvaaiwanzoita,+ uye akakurukura navo achivabatsira kunzwisisa Magwaro kwemasabata matatu,+  achitsanangura uye achiratidza nezvakanyorwa kuti Kristu aifanira kutambura+ uye kumuka kuvakafa,+ achiti: “Jesu uyu wandiri kukuzivisai nezvake ndiye Kristu.”  Izvi zvakaita kuti vamwe vavo vave vatendi, ndokubatana naPauro naSirasi,+ uye vanhu vakawanda vechiGiriki vainamata Mwari pamwe chete nevamwe vakadzi vakati wandei vakakurumbira, vakabatanawo navo.  Asi vaJudha vakanzwa godo,+ vakaunganidza vanhu vakaipa vaingofamba-famba pamusika ndokuita kuti muguta muve nemhomho yaikonzera mhirizhonga. Vakapinda mumba maJasoni nechisimba, vachida kuti Pauro naSirasi vabudiswe panze varwiswe nemhomho.  Pavakavashaya, vakazvuzvurudzira Jasoni nedzimwe hama kuvatongi veguta, vachishevedzera kuti: “Varume vaya vari kunyonganisa nyika yese vari munowo,+  uye vanotova vaenzi vaJasoni. Varume ava vese vanoita zvinopesana nemirayiro yaKesari, vachiti kune mumwe mambo, anonzi Jesu.”+  Vanhu vese nevatongi veguta vakashamiswa pavakanzwa mashoko aya;  uye vakasunungura Jasoni nevamwe vake pashure pekuvabvisisa mari yechibatiso. 10  Hama dzakabva dzakurumidza kuendesa Pauro naSirasi kuBheriya usiku. Pavakasvika, vakapinda musinagogi revaJudha. 11  Ava vakanga vaine pfungwa dzakanaka kupfuura vekuTesaronika, nekuti vakagamuchira shoko nechido, vachinyatsoongorora Magwaro zuva nezuva kuti vaone kana zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi. 12  Saka vakawanda vavo vakava vatendi, uye vakadzi vazhinji vechiGiriki vakakurumbira nevamwe varume vakavawo vatendi. 13  Asi vaJudha vekuTesaronika pavakanzwa kuti shoko raMwari raiziviswawo muBheriya naPauro, vakaenda ikoko kunofurira mhomho yevanhu kuti iite mhirizhonga.+ 14  Hama dzakabva dzakurumidza kuendesa Pauro kugungwa,+ asi Sirasi naTimoti vakasara imomo. 15  Vaya vaiperekedza Pauro vakamusvitsa kuAtene, vakadzokera pashure pekunge avaudza kuti Sirasi naTimoti+ vakurumidze kuuya kwaari. 16  Pauro paakanga akavamirira muAtene, zvakamurwadza zvikuru paakaona kuti guta racho rakanga rakazara nezvidhori. 17  Saka akatanga kukurukura nevaJudha musinagogi nevamwe vanhu vainamata Mwari uye mazuva ese aikurukura nevaaiwana pamusika. 18  Asi vamwe vachenjeri vechiEpikuro nevechiStoiki vakatanga kumuitisa nharo, uye vamwe vaiti: “Ari kutiiko munhu uyu anongowawata?” Vamwe vachiti: “Anenge muparidzi wavanamwari vekune imwe nyika.” Vaidaro nekuti aizivisa mashoko akanaka aJesu nezverumuko.+ 19  Saka vakamubata, vakaenda naye kuAreyopago, vachiti: “Ungatiudzawo here kuti dzidziso iyi itsva yauri kutaura nezvayo ndeyei? 20  Nekuti uri kutitaurira zvatisati tambonzwa, saka tiri kuda kuziva kuti zvinorevei.” 21  VaAtene vese nevamwe vaibva kune dzimwe nyika vaigara imomo* vaipedza nguva yavo yekuzorora vachingotaura kana kuteerera chimwe chinhu chitsva. 22  Pauro akabva amira pakati peAreyopago+ ndokuti: “Vanhu vemuAtene, ndinoona kuti pazvese zvamunoita munenge munofarira zvekunamata* kupfuura zvinoita vamwe.+ 23  Nekuti pandaipfuura ndichinyatsocherechedza zvinhu zvamunonamata, ndakaona kunyange neatari yakanyorwa kuti ‘Kuna Mwari Asingazivikanwi.’ Saka chamuri kunamata musingazivi, ndicho chandiri kukuzivisai. 24  Mwari akaita nyika nezvinhu zvese zviri mairi ndiye Ishe wedenga nenyika,+ saka haagari mutemberi dzakaitwa nemaoko;+ 25  uye haashandirwi nemaoko evanhu sekunge kuti pane chaanoshayiwa,+ nekuti ndiye anopa vanhu vese upenyu nemweya wekufema+ nezvinhu zvese. 26  Uye akaita marudzi ese evanhu kubva pamunhu mumwe chete,+ kuti agare panyika yese,+ uye akatara nguva akaisa miganhu yepaizogara vanhu,+ 27  kuti vatsvage Mwari, pamwe vachitoita zvekumutsvanzvadzira, vomuwana,+ kunyange zvazvo asiri kure nemumwe nemumwe wedu. 28  Nekuti ndiye akaita kuti tive neupenyu, tifambe uye tivepo, sezvakatotaurwa nevamwe vadetembi venyu kuti, ‘Nekuti tiri vana vakewo.’ 29  “Sezvo tiri vana vaMwari,+ hatifaniri kufunga kuti Mwari akafanana negoridhe kana nesirivha kana nedombo, sechimwe chinhu chakafungwa nemunhu akachiveza.+ 30  Ichokwadi kuti Mwari akafuratira nguva dzekusaziva kwakadaro;+ asi iye zvino ari kuzivisa vanhu vese kwese kwese kuti vanofanira kupfidza zvivi zvavo. 31  Nekuti akatara zuva raanoda kutonga+ nyika nekururama achishandisa munhu waakagadza, uye akaratidza vanhu vese kuti achazviita nekumumutsa kuvakafa.”+ 32  Pavakanzwa nezvekumutswa kwevakafa, vamwe vakatanga kuseka,+ uye vamwe vaiti: “Tozokunzwa zvakare uchitaura izvozvo.” 33  Saka Pauro akavasiya, 34  asi vamwe vanhu vakabatana naye, vakava vatendi. Vamwe vavo vaiva Dhiyonisiyo, mutongi wedare reAreyopago, nemumwe mukadzi ainzi Dhamarisi, nevamwewo.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “vainge vashanya.”
Kana kuti “munotya vanamwari.”