Tsamba kuvaFiripi 2:1-30

  • Kuzvininipisa kwechiKristu (1-4)

  • Kuzvininipisa kwaKristu uye kukwidziridzwa (5-11)

  • Shandirai kuponeswa kwenyu (12-18)

    • Kupenya sezviedza (15)

  • Kutuma Timoti uye Epafrodhito (19-30)

2  Saka kana paine kukurudzira kwamunogona kuita muna Kristu, kana paine kunyaradzana kwerudo, kana paine kuwadzana kwemweya, kana paine rudo rwakadzama netsitsi,  zadzisai mufaro wangu nekuva nemafungiro mamwe chete uye nekuva nerudo rumwe chete, makanyatsobatana,* muchiva nekufunga kumwe chete.+  Musaita zvinhu muchikakavadzana+ kana kuzvikudza,+ asi zvininipisei* muchiona vamwe sevakuru kwamuri,+  musingangofungi zvakakunakirai chete,+ asi zvakanakirawo vamwe.+  Ivai nemafungiro aya aivawo naKristu Jesu,+  uyo, kunyange zvazvo aiva mumufananidzo waMwari,+ haana kufunga nezvekubvuta simba, kureva kuti, kuzviita akaenzana naMwari.+  Haana kudaro, asi akazvidurura, akava semuranda,+ akava munhu.*+  Kupfuura izvozvo, paakauya semunhu,* akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu,+ rufu padanda rekutambudzirwa.*+  Nechikonzero ichi, Mwari akamukwidziridza pachinzvimbo chepamusoro,+ akamuratidza mutsa nekumupa zita rinopfuura mamwe mazita ese,+ 10  kuti muzita raJesu mabvi ese apfugame, evaya vari kudenga nevaya vari panyika nevaya vari pasi pevhu,+ 11  uye kuti rurimi rwese rubvume pachena kuti Jesu Kristu ndiShe+ kuti Mwari Baba vakudzwe. 12  Saka vadiwa vangu, rambai muchishandira kuponeswa kwenyu nekutya nekudedera, sekuteerera kwamagara muchiita, kwete pandinenge ndiripo chete asi kunyanya iye zvino pandisipo. 13  Nekuti Mwari, sezvo zvichimufadza, ndiye ari kukupai simba, achikupai chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita. 14  Rambai muchiita zvinhu zvese musinganyunyuti+ uye musingaitirani nharo,+ 15  kuti muve vasina chavanopomerwa uye vasina mhosva, vana vaMwari+ vasina kana ruvara pakati pechizvarwa chisina kururama, chakamonyana,+ chamuri kupenya pakati pacho sezviedza munyika,+ 16  muchiramba makabatisisa shoko reupenyu.+ Ndinobva ndava nechikonzero chekufara pazuva raKristu, ndichiziva kuti handina kumhanyira pasina kana kushandira zvakaoma pasina. 17  Asi kunyange ndiri kudururwa semupiro wechinwiwa+ pamusoro pechibayiro+ nepabasa dzvene, iro ramakatungamirirwa kwariri nekutenda kwenyu, ndinofara uye ndinofarisisa nemi mese. 18  Nemiwo munofanira kufara uye kufarisisa neni. 19  Iye zvino ndiri kutarisira kuti, kana Ishe Jesu achida, nditume Timoti+ kwamuri nekukurumidza, kuti ndizokurudzirwa pandichanzwa nezvenyu. 20  Nekuti handina mumwezve ane mwoyo wakaita sewake, ane hanya nemi panyaya dzinokunetsai. 21  Nekuti vamwe vese vari kutsvaga zvakangovanakira, kwete zvaJesu Kristu. 22  Asi imi munoziva kuti akaratidza kuti akatendeka, akashanda neni kufambisira mberi mashoko akanaka semwana+ ari kushanda nababa vake. 23  Saka ndiye wandiri kutarisira kutuma kana ndangoona kuti zvinhu zvichandifambira sei. 24  Ini wacho ndine chivimbo kuti kana Ishe achida, ndichauyawo nekukurumidza.+ 25  Asi iye zvino ndaona zvakanaka kuti nditume Epafrodhito, hama yangu uye mumwe wangu wandinoshanda naye uye murwi anorwa pamwe neni, ariwo nhume yenyu nemubatsiri wangu pane zvandinoda,+ 26  sezvo aine shungu dzekukuonai mese uye akasuruvara nekuti makanzwa kuti akanga achirwara. 27  Akarwara zvekuda kufa; asi Mwari akamunzwira tsitsi, kwete iye chete, asi neniwo, kuti ndirege kuwedzera kurwadziwa ini ndagara ndichitorwadziwa. 28  Ndokusaka ndiri kumutuma zvechimbichimbi, kuti pamunomuona mufare zvakare uye iniwo ndirege kunyanya kuzvidya mwoyo. 29  Saka mutambirei nemufaro mukuru sezvamagara muchiita vateveri vaShe, uye rambai muchikoshesa vanhu vakadaro,+ 30  nekuti akapotsa afira basa raKristu,* achiisa upenyu hwake* pangozi kuti andiitire mabasa achitsiva imi makanga musipo.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “makabatanidzwa mumweya.”
Kana kuti “zvirerekei.”
ChiGir., “akava mumufananidzo wemunhu.”
ChiGir., “paakawanikwa ari muchimiro chemunhu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “basa raShe.”
Kana kuti “mweya wake.”