Bhuku raZvakazarurwa 20:1-15

  • Satani anosungwa kwemakore 1 000 (1-3)

  • Vaya vachatonga naKristu kwemakore 1 000 (4-6)

  • Satani anosunungurwa, ozoparadzwa (7-10)

  • Vakafa vanotongwa pamberi pechigaro cheumambo chichena (11-15)

20  Ndakabva ndaona ngirozi ichiburuka kubva kudenga iine kiyi yegomba rakadzikadzika,+ yakabata cheni huru muruoko rwayo.  Yakabata dhiragoni,+ nyoka yepakutanga,+ iye Dhiyabhorosi+ uye Satani,+ ikamusunga kwemakore 1 000.  Yakamukanda mugomba rakadzikadzika,+ ikarivhara, ikariisa chisimbiso* iye ari mukati, kuti arege kutsausa marudzi zvakare kusvikira makore 1 000 apera. Pashure peizvi anofanira kusunungurwa kwenguva pfupi.+  Uye ndakaona zvigaro zveumambo, uye vaya vakanga vakagara pazviri vakapiwa simba rekutonga. Chokwadi, ndakaona mweya* yevaya vakaurayirwa* kupupura nezvaJesu uye kutaura pamusoro paMwari, vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho kana kuiswa chiratidzo pahuma dzavo nepamaoko avo.+ Vakava vapenyu, vakatonga semadzimambo naKristu+ kwemakore 1 000.  (Vamwe vese vakafa+ havana kuva vapenyu kusvikira makore acho 1 000 apera.) Uku ndiko kumuka kwekutanga.+  Munhu wese anomuka pakumuka kwekutanga+ anofara uye mutsvene; rufu rwechipiri+ haruna simba pana ivava,+ asi vachava vapristi+ vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho 1 000.+  Makore acho 1 000 paanenge angopera, Satani achasunungurwa mujeri rake,  uye achabuda kuti anotsausa marudzi iwayo ari kumativi* mana enyika, kureva Gogi naMagogi, kuti avaunganidze kuhondo. Ivava vakawanda sejecha regungwa.  Vakapararira panyika pese vakakomba musasa wevatsvene neguta rinodiwa. Asi moto wakaburuka kubva kudenga ukavaparadza.+ 10  Dhiyabhorosi uyo akanga achivatsausa akakandwa mugungwa remoto nesarufa, makanga muchitova nechikara+ nemuprofita wenhema;+ uye vacharwadziswa* siku nesikati nariini nariini. 11  Ndakaona chigaro cheumambo chikuru chichena naiye* ainge agere pachiri.+ Denga nenyika zvakatiza pamberi pake,+ uye hazvina kuwanirwa nzvimbo. 12  Uye ndakaona vakafa, vakuru nevadiki, vamire pamberi pechigaro cheumambo, uye magwaro* akavhurwa. Asi pane rimwe gwaro rakavhurwa; iro gwaro reupenyu.+ Vakafa vakatongwa pachishandiswa zviya zvakanga zvakanyorwa mumagwaro acho maererano nemabasa avo.+ 13  Gungwa rakabudisa vakafa vaiva mariri, uye rufu neGuva* zvakabudisa vakafa vaiva mazviri, uye mumwe nemumwe akatongwa maererano nemabasa ake.+ 14  Rufu neGuva* zvakakandwa mugungwa remoto.+ Gungwa remoto+ rinomiririra rufu rwechipiri.+ 15  Uyezve, munhu wese akawanikwa asina kunyorwa mubhuku reupenyu+ akakandwa mugungwa remoto.+

Mashoko Emuzasi

Ona Tsanangudzo Yemashoko uye mashoko emuzasi pana Zva 6:9.
ChiGir., “vakaurayiwa nedemo.”
Kana kuti “kumakona.”
Kana kuti “vachava vasungwa.”
Kureva, Mwari.
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gwaro.”
Kana kuti “neHadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “neHadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.