Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 57

Jesu Anoporesa Musikana Ane Dhimoni Uye Murume Matsi

Jesu Anoporesa Musikana Ane Dhimoni Uye Murume Matsi

MATEU 15:21-31 MAKO 7:24-37

  • JESU ANOPORESA MWANASIKANA WOMUMWE MUKADZI WOKUFENIKIYA

  • ANOPORESA MURUME MATSI UYE MBEVEVE

Afumura tsika dzevaFarisi dzaingoita kuti zvinhu zviende nepavanoda ivo, Jesu anobva muKapenaume nevadzidzi vake. Anonanga kunharaunda yeTire neSidhoni iri kuFenikiya, makiromita akawanda kuchamhembe kwakadziva kumadokero.

Jesu anowana imba yokugara asi haadi kuti vanhu vazive kuti ndipo paari. Asi hazvitori nguva zvisati zvazivikanwa. Mumwe mukadzi werudzi rwechiGiriki akazvarirwa munzvimbo ino anowana Jesu otanga kumuteterera achiti: “Ndinzwirei ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi. Mwanasikana wangu akabatwa kwazvo nedhimoni.”—Mateu 15:22; Mako 7:26.

Papera kanguva, vadzidzi vake vanomukurudzira kuti: “Mudzingei; nokuti anoramba achishevedzera ari shure kwedu.” Achivapindura, Jesu anotsanangura chikonzero nei aramba akanyarara achiti: “Handina kutumwa kuna ani naani kunze kwokumakwai akarasika eimba yaIsraeri.” Kunyange zvakadaro mukadzi uyu haanyarari. Anofamba achienda kuna Jesu opfugama achiteterera achiti: “Ishe, ndibatsirei!”—Mateu 15:23-25.

Zvimwe achida kuona kutenda kune mukadzi uyu, Jesu anoshandisa matauriro anoita vaJudha vachishora mamwe marudzi achiti: “Hazvina kunaka kutora chingwa chevana wochikandira imbwa duku.” (Mateu 15:26) Kunyange zvazvo vaJudha vaiona vanhu veMamwe Marudzi sembwa, Jesu anoshandisa shoko rokuti “imbwa duku,” kana kuti mbwanana, kuti asabva aita seari kuvashora sezvinoita vaJudha. Chiso chake uye inzwi rake zvinofanira kunge zvichiratidzawo madiro aanoita vanhu vasiri vaJudha.

Pane kuti agumbuke, mukadzi uyu anozvininipisa ovakira mhinduro yake pamaonerwo iwayo avanoitwa nevaJudha achiti: “Hungu, Ishe; asi chokwadi imbwa duku dzinodya mafufu anowa patafura ravanatenzi vadzo.” Jesu anoona kuti mukadzi uyu ane mwoyo wakanaka oti: “Haiwa iwe mukadzi, kutenda kwako kukuru; ngazviitike kwauri sezvaunoda.” (Mateu 15:27, 28) Uye izvi ndizvo zvinobva zvaitika kunyange musikana wacho asiri ipapo! Mukadzi uyu paanodzokera kumba, anowana mwanasikana wake akarara pamubhedha, apora, “dhimoni rabuda”!—Mako 7:30.

Jesu nevadzidzi vake vanobva munharaunda yeFenikiya voyambuka Rwizi rwaJodhani, zvichida nechekumusoro kwarwo kuchamhembe kweGungwa reGarireya. Vanobva vapinda munharaunda yeDhekaporisi. Vari ikoko, vanokwira gomo asi mhomho yevanhu inovawana. Vanomuunzira vanhu vakaremara, mapofu, uye zvimumumu. Vanoisa varwere ava pedyo netsoka dzaJesu, uye anovaporesa. Vanhu vanoshamiswa neizvi zvokuti vanorumbidza Mwari waIsraeri.

Pane mumwe murume matsi uye anonetseka kutaura anoporeswa naJesu zvakasiyana nemaporesero aari kuita vamwe. Unogona kufungidzira kuti murume uyu ari kunzwa sei pavanhu vakawanda kudai. Zvichida achiona kutya kuri kuita murume uyu, Jesu anomutora omubvisa pane vanhu. Pavanenge vava voga, Jesu anomuratidza zvaava kuda kumuitira. Anoisa minwe yake munzeve dzemurume uyu uye pashure pekupfira anobata rurimi rwake. Achitarira kudenga, Jesu anotaura shoko rechiHebheru rinoreva kuti “Vhurika.” Nzeve dzemurume uyu dzinobva dzavhurika, uye anokwanisa kutaura zvakanaka. Jesu haadi kuti izvi zvizivikanwe, achida kuti vanhu vatende maari nekuda kwezvavanenge vazvionera voga uye vazvinzwira.—Mako 7:32-36.

Simba raJesu rokuita zvishamiso rinoita kuti vanhu vari kuona zvaari kuita ‘vashamiswe zvokushamiswa zviya.’ Vanoti: “Aita zvinhu zvose zvakanaka. Anoita kuti kunyange matsi dzinzwe uye vasingatauri vataure.”—Mako 7:37.