Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Tsika Dzakaendepi?

Tsika Dzakaendepi?

Mumakumi emakore achangopfuura, upenyu hwemhuri hwakachinja chaizvo munyika dzekuMadokero. Kare vabereki ndivo vaitungamirira mhuri uye vana vaizviisa pasi. Asi iye zvino zvinhu zvapidiguka. Mienzaniso inotevera inoratidza zvinhu zviri kuitika muupenyu.

  • Kamukomana kane makore 4 kaiva naamai vako muchitoro kachibva kaona toyi ndokubva kaitora. Amai vake vakamurambidza vachiti, “Ingawani une matoyi akawanda kumba?” Kamwana kacho kakanga kava kuda kuchema kachibva kati, “Asi ndiri kuida!” Amai vacho vakabva vaona kuti vaipisira, dai vangomuti asiye toyi yacho vasina kumubvunza. Asi nokutya kuzochemerwa, vakabva vangomusiya ane toyi yacho.

  • Kamusikana kane makore 5 kanodimburira baba vako pavari kutaura nemunhu mukuru kachiti, “Ndava kuda kuenda kumba ini!” Baba vacho vanobva vamira kutaura, vobva vakotama vomukumbira nenzwi riri pasi pasi vachiti: “Mwanangu chingoti mirei zvishoma toenda manje-manje handiti?”

  • James ane makore 12 akapopotera mudzidzisi wake. Baba vacho pavakazvinzwa, panzvimbo pokuti vatsiure mwana wavo vakabva vagumbukira mudzidzisi wacho vachibva vati, “Sei achigara achingoti nangananga newe, ndoda kunomumhan’arira kuvakuru vechikoro!”

Mienzaniso yataurwa inoratidza matambudziko ari kuitika mumhuri. Vamwe vabereki vari kutunhidza vana vavo, uye vamwe vanovharidzira mhosva dzevana. Bhuku rinonzi The Narcissism Epidemic rinoti, “Vabereki vava kunyanya kutunhidza vana vavo vachingovasiya vachiita zvavanoda. Kare vana vaiziva kuti vabereki ndivo vane kodzero yokuvaudza zvokuita, chavo kuzviisa pasi.”

Vabereki vakawanda vanoedza chaizvo kudzidzisa vana vavo tsika dzakanaka, asiwo kana vana vakaita misikanzwa havangovasiyi vakadaro, vanovatsiura asi vachizviita norudo. Bhuku rambotaurwa rinoti kudzidzisa vana seizvi “hakusi nyore.”

Zvakafamba sei kuti zvisvike pakudai? Tsika dzakaendepi?

Vabereki Vakaregeredza Basa Ravo

Vamwe vanoti kusateerera kwevana kwakatanga kuma1960, nyanzvi dzekurera mhuri padzaikurudzira vabereki kuti vasaomesera vana vavo. Nyanzvi idzi dzaiudza vabereki kuti: ‘Ivai shamwari kwete kungoita basa rokuudza vana zvokuita. Kurumbidza kuri nani pane kutsiura. Mwana wenyu paanoita zvakanaka murumbidzei asi paanoita zvakaipa musamutsiura ingosiyai zvakadaro.’ Panzvimbo pokuti pave nomusiyano wokuti mwana orumbidzwa here kana kuti otsiurwa, nyanzvi idzi dzinopa pfungwa yokuti kutsiura mwana kunoita kuti agumbuke uye anozokura achivenga vabereki vake.

Nokufamba kwenguva nyanzvi idzi dzakanga dzava kutaura chazvakanakira kuti munhu asazvitarisira pasi. Zvaiita sokuti ndiyo nzira itsva yakanakisisa pakurera vana. Chavaitaura ndechokuti: Itai kuti vana venyu vasazvitarisira pasi. Zvinokosha kuita kuti vana vave nechivimbo. Pfungwa yaiva nenyanzvi idzi padzaiti mwana ngaasazvitarisira pasi yaiva yakanaka asi vakazonyanya nokuti vakaudza vabereki kuti: ‘Musataura mashoko okutsiura akadai seokuti usadaro, kana kuti zvauri kuita zvakaipa. Rambai muchiudza vana venyu kuti vanokosha uye kuti vanogona kuita chero chavada chinoita kuti vafare.’ Izvi zvaipa pfungwa yokuti kuva munhu akanaka hakunyanyi kukosha, chinokosha ndechokuti iwe uri kufara here nezvauri kuita.

Kunyanya kurumbidza mwana kunoita kuti azvione seanonyanya kukosha

Vamwe vanhu vakapedzisira vati kunyanya kurumbidza mwana kunoita kuti azvione seanonyanya kukosha. Bhuku rinonzi Generation Me rinoti izvi zvakaita kuti vechidiki vakawanda “vatadze kuziva kuti muupenyu unototi ushorwe nevamwe uye une zvimwe zvinhu zvaunogona kukanganisawo.” Mubhuku iroro vamwe baba vakati, ‘Kana wava pabasa vanhu havanei nokuti ndiwe ani. Ukatadza kuita basa nemazvo, shefu wako haazombokunyari achitsvakiridza zvakanaka. Kana watadza anokubudira pachena. Kurera vana nenzira iyi usingavatsiuri kunenge kuri kuvakuvadza chaiko.’

Kuchinja Kwemagariro Evanhu

Chimwe chezvinhu zviri kuchinja pamagariro evanhu, marererwo ari kuitwa vana. Mumwe mudzidzisi anonzi Ronald G. Morrish akanyora kuti, “Nzira dzokutsiura nadzo vana dziri kuramba dzichichinja. Izvi zvinoratidza kuchinja kwemagariro evanhu.” * Bhaibheri rinoti kuita izvi kunoita kuti vabereki vapedzisire vava kuita sokunge vava ‘kukandwa nemafungu vachitakurirwa kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa.’—VaEfeso 4:14.

Zviri pachena kuti kuregeredza nyaya yokutsiura vana kwavakanganisa. Kwaita kuti vana vasateerera vabereki uye vashaye chinovabatsira pakusarudza zvinhu zvakanaka muupenyu uyewo vazvitarisire pasi.

Pane zvinogona kuitwa here?

^ ndima 15 Mashoko aya akatorwa mubhuku rinonzi Secrets of Discipline: 12 Keys for Raising Responsible Children, asi tisu tatsveyamisa mabhii.