Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Chinoita Kuti Svosve rekuSahara Desert Risatsva Nezuva

Chinoita Kuti Svosve rekuSahara Desert Risatsva Nezuva

SVOSVE rekuSahara rinonzi Silver ant (Cataglyphis bombycina) rinoshingirira kupisa kwezuva. Zuva parinenge rava kugocha, mhuka dzinodya masvosve aya dzinoenda mumumvuri. Masvosve acho anobva abuda mumwena achinotsvaga zvekudya, zvakadai setupukanana tunenge twafa nezuva.

[50] μm

Chimbofunga izvi: Svosve iri harinyanyi kutsva nezuva nekuti rine tumvere tunopenya muviri wose, kunze kwepadumbu. Kamvere kamwe nekamwe kane shepi yetriangle.  Divi repasi ndiro rakaserera, asi mamwe maviri akakwasharara. Izvi zvinobatsira svosve racho munzira mbiri. Chekutanga, kupenya kwetumvere utwu kunoita kuti risanyanya kutsva nezuva. Chechipiri, tumvere utwu tunobatsira kuti risanyanya kutsva nekudziya kunenge kuchibva pazvinhu zvinenge zviri mugwenga. Zvakaita dumbu resvosve iri zvinoita kuti risatsva nekupisa kunenge kuchibva mujecha. *

[10] μm

Kana svosve iri rikapiswa zvekupfuura 53.6°C rinofa, saka mvere dzaro dzinoribatsira kuti tembiricha yaro isasvika ipapo. Pashure pekuongorora svosve iri, vatsvakurudzi vari kuedza kugadzira pendi inogona kuita kuti zvinhu zvirambe zvichitonhorera pasina zvinhu zvakadai semafeni.

Unofungei? Mvere dzesvosve rekuSahara Desert dzakangovapo dzega here kana kuti pane akadzigadzira?

^ ndima 4 Svosve iri rinewo imwe mhando yemaproteins asingakurumidzi kutsva. Rinewo makumbo akareba anoita kuti dumbu risapiswa nejecha uye rimhanye nekukurumidza. Harikanganwi pane mwena waro uye rinokwanisa kudzoka nenzira dzekudimbudzira.