Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NZIRA YEKUWANA MUFARO

Rudo

Rudo

VANHU VANODA KUDIWA. Pasina rudo hapana wanano, mhuri, kana ushamwari hunobudirira. Ndosaka rudo rwuchikosha pakuita kuti vanhu vafare uye vave neutano hwakanaka. Asi chii chinombonzi “rudo”?

Rudo rwuri kutaurwa pano harwusi rwekudanana kwemurume nemukadzi. Asi nderwuya rwunoita kuti munhu aratidze kuti ane hanya nevamwe, zvekusvika pakuisa zvido zvavo pamberi pezvake. Rudo irworwo rwunotungamirirwa nemitemo yaMwari.

Bhaibheri rinotsanangura chinonzi rudo richiti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. Rudo haruna godo, haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi. Haruchengeti mafi. Harufariri zvisina kururama, asi runofara nechokwadi. Runoshivirira zvinhu zvose, . . rune tariro pazvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.”—1 VaKorinde 13:4-8.

Rudo rwakadaro harumboperi. Runotowedzera kusimba nekufamba kunoita nguva. Rudo urwu “chisungo chakakwana chokubatana” nekuti rwune mwoyo murefu, mutsa uye rwunoregerera. (VaKorose 3:14) Wanano, mhuri, kana shamwari dzine rudo rwakadaro dzinonzwa dzakachengeteka uye dzichifara, pasinei nekuti mumwe nemumwe ane zvaanokanganisa. Semuenzaniso, ngatimbokurukurai nezverudo muwanano.

INOBATANIDZWA ‘NECHISUNGO CHAKAKWANA CHOKUBATANA’

Jesu Kristu akataura zvinhu zvinodiwa kuti wanano isimbe. Semuenzaniso, akati: “‘Murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe’ . . . Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mateu 19:5, 6) Pano pane zvinhu zviviri zvinokosha.

“VAVIRI VACHO VACHAVA NYAMA IMWE.” Wanano mubatanidzwa wakasimba kupfuura yese, uye rudo runoita kuti vari muwanano vasazviita “nyama imwe” nemunhu wavasina kuroorana naye. (1 VaKorinde 6:16; VaHebheru 13:4) Kusavimbika kunoita kuti vanhu vasavimbana uye kunogona kuparadza wanano. Vana vanosara vachishungurudzika, vakagumbuka, uye vachinzwa sevasingadiwi.

“ZVASUNGWA PAMWE CHETE PAJOKO NAMWARI.” Wanano mubatanidzwa wakatangwa naMwari. Murume nemudzimai vanoremekedza mubatanidzwa uyu vanoedza nepavanogona napo kusimbisa wanano yavo. Chero zvinhu zvikaoma sei, havafungi zvekurambana. Rudo rwavo rwunoramba rwakasimba uye “runotsungirira zvinhu zvose.” Vanoedza kugadzirisa matambudziko avo nechinangwa chekuti varambe vari pamwe chete.

Kana vabereki vachidanana zvechokwadi, zvichabatsirawo vana vavo. Mumwe musikana anonzi Jessica akati: “Baba naamai vangu vanodanana uye vanoremekedzana. Pandinoona amai vachiremekedza baba, ndinonzwa ndichida kuzovatevedzerawo.”

Paunhu huna Mwari, rudo ndirwo rwuri pamberi. Bhaibheri rinototi: “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Ndosaka Jehovha achinziwo ‘ndiMwari anofara.’ (1 Timoti 1:11) Kana tikaedza kutevedzera unhu hweMusiki wedu, kunyanya rudo, tichavawo vanhu vanofara. VaEfeso 5:1, 2 inoti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa, uye rambai muchifamba murudo.”