Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuziva mararamiro akanaka kwakaita sekambasi pakuti kunobatsira mwana wenyu kuziva kuti oita zvipi

Vabereki

7: Tsika Neunhu

7: Tsika Neunhu

ZVINOREVEI?

Sevabereki, mune tsika dzamunosarudza kurarama muchitevedzera. Semuenzaniso, munoedza kuvimbika pazvinhu zvese here? Kana makavimbika, mungada kudzidzisa vana venyu kuti vavewo vanhu vakavimbika.

Mungadawo kuvadzidzisa kuti vakure vari vana vanoshanda nesimba, vasingabiridziri, uye vanofungawo zvakanakira vamwe. Mwana anofanira kudzidzira izvi kubvira achiri mudiki.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “[Dzidzisa] mukomana maererano nenzira yakamukodzera; kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.”​—Zvirevo 22:6.

NEI ZVICHIKOSHA?

Mafoni nemaTV ava kubudisa zvinhu zvisina kunaka. “Zvinhu zvakaipa zvinogona kuonekwa pamafoni chero nguva,” vakadaro vamwe amai vanonzi Karyn. “Panguva yatinenge takagara nevana, vanogona kunge vachitoona zvimwe zvinhu zvakaipa pafoni!”

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Vanhu vakuru . . . vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.”​—VaHebheru 5:14.

Kuva netsika kunokosha. Kunosanganisira kutaura mashoko akadai sekuti “ndokumbirawo,” “maita basa” uye kuratidza vamwe hanya. Izvi hazvichanyanyi kuitwa nevanhu mazuva ano nekuti pfungwa dzavo dzangova pazvinhu zvakadai semafoni.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”​—Ruka 6:31.

ZVAMUNGAITA

Dzidzisai vana unhu. Semuenzaniso, ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vana vari kuyaruka vanokwanisa kurega kuita zvepabonde vasati vapinda muwanano kana vachinge vakadzidziswa kuti kuita izvozvo kwakaipa.

ZANO: Shandisai zviri kubudiswa munhau kuti mudzidzise mwana wenyu zvinhu zvakanaka zvinofanira kuitwa uye zvisingafaniri kuitwa. Semuenzaniso, kana nhau dziri kutaura nezvekuurayiwa kwevanhu, munogona kuti, “Utsinye hunoitwa nevamwe vanhu hunotyisa. Unofunga kuti sei vachiita zvinhu zvakadaro?”

“Zvakaomera vana kuti vazive kuti chakanaka nechakaipa ndechipi kana vasina kuzvidzidziswa.”​—Brandon.

Dzidzisai vana tsika. Kunyange vana vadiki chaivo vanogona kudzidzawo kuti “ndokumbirawo,” “maita basa” uye kuitirawo vamwe zvakanaka. “Vana pavanoona kuti zvavanoita zvinobatsirawo mhuri yavo, chikoro chavo uye nharaunda yavo, vanowedzera kuita zvinhu zvakanaka kuti vabatsire vamwe panzvimbo pekungoita zvakavanakira chete,” rinodaro bhuku rinonzi Parenting Without Borders.

ZANO: Ipai vana mabasa ekuita pamba kuti vaone kukosha kwekubatsira vamwe.

“Kana vana vedu vakajaira kuita mabasa iye zvino, havazonetseki kana vava kuzogara vega. Vanenge vatozvijaira.”​—Tara.