Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAURIRANO | FAN YU

Nyanzvi Yekugadzira Masoftware Inotsanangura Kutenda Kwayo

Nyanzvi Yekugadzira Masoftware Inotsanangura Kutenda Kwayo

DR. FAN YU vakatanga kuongorora zvinhu zvine chekuita nemaths paChina Institute of Atomic Energy, pedyo neBeijing, vakazopedzisira vava kugadzira masoftware. Panguva iyoyo vakanga vasingabvumi kuti Mwari ariko asi vaibvuma dzidziso yeevolution. Asi iye zvino vava kubvuma kuti Mwari ndiye akasika zvinhu zvese zvipenyu. Vabudisi vemagazini yeMukai! vakavabvunza kuti chii chakaita kuti vazochinja.

Tiudzeiwo nezveupenyu hwenyu.

Ndakazvarwa muna 1959 muguta reFuzhou, mupurovhinzi yeJiangxi, kuChina. Pandakanga ndava nemakore 8, nyika yedu yakanga yava pasi peboka revezvematongerwo enyika rava kunzi Cultural Revolution. Baba vangu vaiva injiniya uye vakanzi vanoshandira kune rimwe sango raiva kure vachigadzira njanji. Vaingouya kamwe chete pagore uye izvi zvakaitika kwemakore akawanda. Ndaigara naamai uye vakanga vari mudzidzisi pane chimwe chikoro chepuraimari. Taigara pachikoro chavaidzidzisa. Muna 1970, takazotama tikaenda kuLiufang, iri munharaunda yeLinchuan, uye munzvimbo iyi maiva nenzara.

Vanhu vekumba kwenyu vaiita zvechitendero here?

Baba vangu vakanga vasingafariri zvechitendero kana zvematongerwo enyika. Amai ndivo vaiva muBhudha. Pandaiva kuchikoro, taidzidziswa kuti zvinhu zvese zvakavapo neevolution uye ndaizvibvuma.

Chii chakaita kuti mufarire maths?

Chakaita kuti ndide maths ndechekuti dzinoita kuti munhu ashandise pfungwa. Ndakaenda kuyunivhesiti mutungamiriri weCultural Revolution ainzi Mao Tse-tung paakafa muna 1976. Pazvinhu zvandakanodzidza, maths ndidzo dzandainyanya kuita. Pandakapiwa dhigirii rangu remasters, basa randakatanga kuita raiva rekubatsira kuita ongororo yekugadzirwa kwemanuclear reactor.

Pamakatanga kunzwa nezveBhaibheri, makaita sei?

Ndakauya kuno kuUnited States muna 1987 kuti ndizoenderera mberi nedzidzo yangu paTexas A&M University. Ndaiziva kuti muAmerica, vanhu vakawanda vanoverenga Bhaibheri uye vanobvuma kuti Mwari ariko. Uyewo, ndakanga ndanzwa kuti muBhaibheri mune mazano akanaka anobatsira, saka ndakabva ndatanga kuriverenga.

Ndaiona kuti zvandaiverenga muBhaibheri zvine musoro. Asi pane zvimwe zvandakatadza kunzwisisa, saka ndakabva ndazorega kuriverenga.

Chii chakazoita kuti mutangezve kufarira Bhaibheri?

Ndakanga ndisingabvumi kuti kune Musiki, saka ndakabva ndatanga kuongorora nezvazvo

Muna 1990, pane mumwe mukadzi Chapupu chaJehovha akauya kumba kwangu achibva andiratidza zvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana rakanaka. Akatumira mumwe murume nemukadzi kuti vazondibatsira kunzwisisa Bhaibheri. Mudzimai wangu Liping, aidzidzisa physics pane chimwe chikoro kuChina uye akanga asingatendiwo kuti Mwari ariko. Asi nekufamba kwenguva, akatangawo kudzidza Bhaibheri. Takadzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvematangiro akaita upenyu. Ndakanga ndisingabvumi kuti kune Musiki, saka ndakabva ndatanga kuongorora nezvazvo.

Ongororo yacho makaiita sei?

Semunhu aiita zvemaths, ndakadzidziswa kuti ungaziva sei kuti chimwe chinhu chinogona kuitika kana kusaitika. Ndakadzidzawo kuti paifanira kutanga pava nemaprotein kuti pazova neupenyu. Saka ndakaedza kuona kuti zvinoita here kuti maprotein angoerekana avapo. Maprotein akaoma kunzwisisa, uye pane mhando dzinosvika zviuru dzemaprotein anowanika mumacell. Maprotein acho anonyatsoshanda zvinopindirana. Ndakaona kuti hazviiti kuti maprotein angoerekana avapo uye dzimwe nyanzvi ndizvo zvadzinotaurawo! Handisati ndamboverenga mabhuku eevolution anopa tsanangudzo inogutsa yekuti maprotein anogona kungozvigadzira ega. Zvese zvandaiona zvaindiratidza kuti kune Musiki.

Chii chakaita kuti mubvume kuti Bhaibheri rinobva kuna Mwari?

Kudzidza kwandakaita neZvapupu zvaJehovha kwakandibatsira kuona kuti Bhaibheri rine uprofita hwakawanda hwakazadzika. Ndakatangawo kuona kuti kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kunobatsira. Zvaindishamisa kuti Bhaibheri rakanyorwa kare kare asi zvinhu zvirimo zvichiri kushanda nanhasi. Izvi zvakaita kuti ndibvume kuti Bhaibheri iShoko raMwari.

Chii chinoita kuti muwedzere kutenda kuti Musiki ariko?

Pandinoona zvinhu zvakatipoteredza, ndinobva ndanyatsoona kuti zvechokwadi Musiki ariko. Iye zvino ndinogadzira masoftware emakombiyuta, uye ndinoshamiswa nezvinoitwa nepfungwa dzedu kana ndichienzanisa nezvinoitwa nekombiyuta. Tinokwanisa kunzwa zviri kutaurwa kunyange tisina kunzwa mashoko ose anenge ataurwa uye kunyange munhu wacho akataura achikosora, achiseka, achindandama, kana kuti paine ruzha. Unogona kufunga kuti hapana chinoshamisa. Asi vanhu vanogadzira masoftware vanoziva kuti hazvisi nyore. Hakuna masoftware anogona kuita zvinoitwa nepfungwa dzemunhu pakunzwa mashoko anenge ataurwa.

Pfungwa dzedu dzakasiyana nemakombiyuta pakuti dzinokwanisa kuziva kuti munhu ari kutaura ari kufara here kana kuti akagumbuka, uye kuti munhu wacho ndewekupi. Vanogadzira masoftware vari kuedzawo kugadzira makombiyuta anokwanisa kuita zvinoitwa nepfungwa dzemunhu. Ndinoziva kuti pavanenge vachiita izvozvo, vari kutoongorora zvakaitwa naMwari.