Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsvaga Shamwari Dzakasiyana-siyana

Tsvaga Shamwari Dzakasiyana-siyana

Dambudziko

Kana tikatambira kure nevanhu vatinotarisira pasi, tichawedzera kuva nerusarura. Kana tikashamwaridzana nevanhu vakangofanana nesu tinopedzisira tava kufunga kuti mafungiro, maonero, nemaitiro edu ndizvo chete zvakanaka.

Zvinotaurwa neBhaibheri

“Zarurai mwoyo yenyu.”—2 VAKORINDE 6:13.

Zvinorevei? “Mwoyo” uri kutaurwa unogona kureva mafungiro edu uye zvatinofarira. Kana tichingofarira vanhu verudzi rwedu kana kuti vane upenyu hwakafanana nehwedu, tichatadza kushamwaridzana nevamwe. Kuti tisava nedambudziko iri tinofanira kuva nechido chekushamwaridzanawo nevamwe vanhu.

Zvakanakira Kuva Neshamwari Dzakasiyana-siyana

Kana ukanyatsoziva munhu unotanga kuona kuti sei maitiro ake akasiyana neako. Patinotanga kumufarira tinobva taona kuti akangofanana nesu. Tinobva tawedzera kumuda, zvekuti paanofara tinofarawo uye paanochema tinochemawo.

Inzwa zvakaitika kuna Nazaré. Aisarura vanhu vekune dzimwe nyika. Chii chakamubatsira kubvisa rusarura? Anoti: “Ndaimbowana nguva yekutandara navo uye ndaishanda pamwe chete navo. Ndakaona kuti zvaitaurwa nevanhu nezvavo, zvakanga zvisiri izvo. Kana ukashamwaridzana nevanhu vane tsika dzakasiyana nedzako, hauzovafungiri zvisizvo uye uchatanga kuvada nekuvakoshesa.”

Zvaunogona Kuita

Edza kutaura nevanhu vanobva kune dzimwe nyika, verumwe rudzi kana kuti vanotaura mutauro wakasiyana newako.

  • Vakumbire kuti vakuudze nezveupenyu hwavo.

  • Vakoke kuti muzodya pamwe chete.

  • Teerera zvavanokuudza nezveupenyu hwavo uye ona kuti zvii zvavanokoshesa.

Paunoona kuti zvavakasangana nazvo muupenyu zvakavabatsira sei, unogona kutanga kuvafarira.