Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hove Inonzi Clown Fish

Hove Inonzi Clown Fish

Orange clown fish

CLOWN FISH ndeimwe yehove dzinoshamisa. Vanhu vanoifarira zvimwe nemhaka yemavara ayo anoyevedza. Kana kuti vanoshamiswa nekuti inogara pachipuka chemumvura chinoruma chinonzi sea anemone. Ndosaka ichinziwo anemonefish.

Hove idzi hadzitizi vanhu vanotora mapikicha. Sezvo dzichitambira pedyo nepadzinogara, zviri nyore kudzitora mapikicha.

Panogara hove idzi panoshamisa. Kugara kwadzinoita pasea anemone ine uturu hakuna kumbosiyana nekugara mumwena wenyoka. Kunyange zvakadaro, zvipuka izvi hazvisiyani. Chii chinoita kuti zvikwanise kugarisana?

CHIMWE HACHIGONI KURARAMA CHIMWE CHISIPO

Two-banded clown fish

Clown fish neanemone zvinobatsirana sezvinongoita shamwari neshamwari. Kubatsirana kwacho ndiko kunotoita kuti hove idzi dzirarame. Vanoongorora zvisikwa zvemumvura vanoti hazviiti kuti hove idzi dzirarame dzega pasina anemone. Hadzigoni kushambira zvakanyanya saka dzinotambira pedyo neanemone kuti dzisadyiwa nedzimwe. Saka kugara kwadzinoita paanemone kunoita kuti dzidzivirirwe uye dzinogona kutorarama kwemakore anosvika 10.

Kugara kunoita hove idzi paanemone kunoita kuti dzichengeteke. Dzinokandira mazai adzo nechepasi peanemone, uye dzinogara dzichiachengetedza. Paanozochochonywa, vana vacho vanokura vachigarawo paanemone iyoyo.

Ko anemone inowanei pakugarisana kwainoita nehove idzi? Dzinoita semapurisa nekuti dzinodzinga hove dzinonzi butterfly fish dzinenge dzichida kudya maanemone. Pane rudzi rwemaanemone rwusingagoni kurarama pasina clown fish. Vaongorori pavakabvisa hove iyi vakawana maanemone ese atsvairwa pasati patombopera maawa 24. Ainge adyiwa nemabutterfly fish.

Kunenge kuti clown fish dzinotopawo anemone chikafu. Hove idzi dzinobudisa ammonium iyo inobatsira anemone kukura. Padzinoshambira dzichipinda nemuanemone dzinobatsira kuti mhepo yakachena ipinde.

INOGARA PANOTYIWA NEDZIMWE HOVE

Pink skunk clown fish

Ganda reclown fish ndiro rinodzichengetedza. Rinotsvedza uye ndizvo zvinoita kuti dzisarumwa. Saka anemone inobva yaona sekunge kuti ndeumwe wedu. Mumwe anoongorora zvisikwa zvemumvura akatoti clown fish inobva yaita senge “yakapfeka muviri weanemone.”

Dzimwe ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti clown fish isati yasarudza pekugara inotanga yaona kana pachiita. Painosvika paanemone kekutanga, inoigumha uye yoramba ichidaro kwemaawa akawanda. Izvi zvinoita kuti ganda rehove iyi ripedzisire risingachakuvadzwi neuturu huri muanemone. Asi painenge ichiita izvi inotomborumwa. Asi zvinopedzisira zvava kugarisana zvakanaka.

Kubatsirana kunoita zvisikwa izvi kunotidzidzisa kuti kushanda takabatana kwakakosha. Vanhu pavanoisa misoro pamwe chete vanowanzobudirira, pasinei nekusiyana kwetsika dzavo kana kuti kwavakakurira. Sezvinongoitwawo neclown fish, tinogona kutora kanguva kuti tijaire kushanda nevamwe, asi tikazviedza tichaona kuti zvine zvazvinobatsira.