Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

2 Bhaibheri Rinokubatsira Kugadzirisa Matambudziko

2 Bhaibheri Rinokubatsira Kugadzirisa Matambudziko

Mamwe matambudziko atinosangana nawo muupenyu anogona kutoramba aripo kwemakore. Bhaibheri rinogona kutibatsira kugadzirisa matambudziko akadaro here? Inzwa zvakaitika kune vamwe.

KUNYANYA KUZVIDYA MWOYO

Rosie anoti, “Ndaigara ndichizvidya mwoyo ndichiedza kufunga kuti ko chakati nechakati chikaitika ndichadii.” Mavhesi api emuBhaibheri akamubatsira? Imwe yacho ndiMateu 6:34 iyo inoti: “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nouipi hwaro.” Rosie anoti zvakataurwa naJesu izvi zvakamubatsira kuti asazvidya mwoyo nezvezvingaitika mangwana. Anowedzera kuti, “Nhamo dzandiinadzo dzakandikwanira, handidi kuzviremedza nekuzvidya mwoyo nezvimwe zvinhu zvisati zvaitika kana kuti zvinogona kutadza kuitika.”

Yasmine ainzwa sekuti haana chaachagona kuita nekuzvidya mwoyo. “Ndaiwanzoita mazuva ndichichema, uye pamwe pacho ndaitadza kurara. Ndainyatsonzwa kuti kuzvidya mwoyo kuri kundikanganisa.” Ivhesi ipi yakamubatsira? Anoti ndi1 Petro 5:7 iyo inoti: “Muchikanda kuzvidya mwoyo kwenyu kwose [pana Mwari], nokuti iye ane hanya nemi.” Yasmine anoti: “Ndakaramba ndichinyengetera kuna Jehovha uye akandipindura. Ndakanzwa sekuti ndabvisirwa mutoro wanga uchindiremera. Dzimwe nguva dambudziko rangu rinombodzoka, asi ndava kuziva zvekuita.”

KUVERENGERA

Mumwe musikana anonzi Isabella anoti: “Ndofunga zvekuverengera ndezvedzinza nekuti baba vangu ndozvavanoitawo. Ndinorega kuita zvinhu zvinokosha ndichida hangu kuona TV kana kuti kungogara pasina zvandiri kuita. Izvi hazvina kunaka nekuti zvinoita kuti uwedzere kunetseka uye basa raunoita harinyatsobudi zvakanaka.” Vhesi yakamubatsira ndi2 Timoti 2:15 iyo inoti: “Ita zvose zvaunogona kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, somushandi asina chokunyara nacho.” Isabella anoti, “Ndakanga ndisingadi kuti Jehovha anyare nebasa rangu pamusana pekuti ndaverengera.” Iye zvino Isabella haachanyanyi kuverengera.

Mumwe musikana anonzi Kelsey anoti: “Ndaiita homework yangu nguva yapera. Ndaiwanzochema, ndaisakwanisa kurara uye ndainetseka. Zvakanga zvava kutondikanganisa.” Kelsey akabatsirwa nezvinotaurwa pana Zvirevo 13:16 iyo inoti: “Munhu wose ane njere achaita nezivo, asi benzi richaparadzira upenzi kwose kwose.” Anotaura kubatsirwa kwaakaitwa nevhesi iyi. Anoti: “Zvakanaka kuti uronge zvinhu pachine nguva. Iye zvino ndava nekabhuku kandinonyora zvandinofanira kuzoita. Izvi zviri kundibatsira kuronga zvinhu zvangu uye handizozviiti ndava kumhanya-mhanya.”

KUSURUKIRWA

“Ndakasiyiwa nemurume wangu, ndikasara ndichirera vana 4,” anodaro Kirsten. Ivhesi ipi yemuBhaibheri yakamubatsira? NdiZvirevo 17:17 iyo inoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” Kirsten akatsvaga rubatsiro kune vaanonamata navo. Akabatsirwa here? “Vandinonamata navo vakandibatsira chaizvo! Vamwe vakandipa zvekudya uye vamwe vakandipa maruva. Katatu kese katakatama pane vakawanda vaiuya kuzotibatsira. Mumwe akanditsvagira basa. Vaindibatsira nguva dzese.”

Delphine, ambotaurwa, aivawo nedambudziko rekusurukirwa. Anoti: “Ndaigara ndakasuruvara, asi ndichitarisa vamwe ndaiona vachinakidzwa neupenyu.” Vhesi yakamubatsira ndiPisarema 68:6 iyo inoti: “Mwari ari kuita kuti vaya vari voga vagare muimba.” Anoti: “Ndaiziva kuti imba iri kutaurwa ine zvimwe zvayaireva. Yairevawo kuva musangano raMwari, maunonzwa wakachengeteka uye maunokwanisa kuwana shamwari dzechokwadi dzinoda Jehovha. Asi kuti ndizokwanisa kuvawo pedyo nevamwe, ndaifanira kutanga ndava pedyo naJehovha. Saka Pisarema 37:4 yakandibatsira kuita izvozvo. Inoti: ‘Farirawo Jehovha kwazvo, iye achakupa zvinokumbirwa nomwoyo wako.’ ”

Delphine anopedzisa achiti: “Ndakazoona kuti ndinofanira kunyatsova pedyo naJehovha. Ndiye shamwari yakanakisisa kupfuura dzese. Ndakanyorawo pasi zvinhu zvandaigona kuita nevamwe kuti ndiwane shamwari dzinodawo Jehovha. Ndakadzidza kutarisa zvakanaka zvinoitwa nevamwe ndosiyana nezvavanokanganisa.”

Vashumiri vaMwari vanotadzawo. Zvapupu zvaJehovha zvinosanganawo nematambudziko anosangana nevamwe. Asi Bhaibheri rinokurudzira vanhu kuti vabatsirane. Zvakanaka kuva neshamwari dzakadaro. Bhaibheri rinogona kubatsira here pamatambudziko asingakwanisi kupera mazuva ano, akadai seurwere kana kuti kufirwa?

Kushandisa mazano ari muBhaibheri kunogona kukubatsira kuwana shamwari dzechokwadi