Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zita raMwari Ndiani?

Zita raMwari Ndiani?

Kana uchida kuziva mumwe munhu, chinhu chaunotanga kubvunza izita rake. Dai waizobvunza Mwari, aizokupindura achiti kudii?

“Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.”Isaya 42:8.

Zita iri wakamborinzwa here? Kana kari kekutanga, zvimwe imhaka yekuti maBhaibheri akawanda haanyanyi kushandisa zita raMwari uye mamwe haatorina. Vanowanzoritsiva nerekuremekedza rekuti “ISHE.” Asi zita raMwari rinowanikwa kanosvika ka7 000 muzvinyorwa zveBhaibheri zvepakutanga. Zita racho rine mabhii mana echiHebheru anoenderana neekuti YHWH kana kuti JHVH, uye muchiShona rinonzi “Jehovha.”

Zita raMwari rinowanikwa kakawanda muzvinyorwa zvechiHebheru uye mumaBhaibheri akawanda

Mupumburu weMapisarema Wakawanikwa kuGungwa Rakafa 30-50 C.E., CHIHEBHERU

Shanduro yaTyndale 1530, CHIRUNGU

Shanduro inonzi Reina-Valera 1602, SPANISH

Shanduro inonzi Union Version 1919, CHINESE

NEI ZVICHIKOSHA KUZIVA ZITA RAMWARI?

Mwari pachake anokoshesa zita iri. Mwari ndiye akazvipa ega zita iri. Jehovha akati: “Iri ndiro zita rangu nokusingagumi, uye ndiro randichayeukwa naro kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa.” (Eksodho 3:15) MuBhaibheri, zita rekuti Jehovha rinowanikwa kakawanda kupfuura ekuremekedza akadai seekuti Wemasimbaose, Baba, Ishe kana kuti Mwari. Rinowanikwawo kakawanda kupfuura mazita evanhu vakadai saAbrahamu, Mosesi, Dhavhidhi kana kuti Jesu. Uyezve Jehovha pachake anotoda kuti zita rake rizivikanwe. Bhaibheri rinoti: “Vanhu vazive kuti imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.”—Pisarema 83:18.

Jesu anokoshesa zita iri. Mumunyengetero waShe wemuenzaniso, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vakumbire Mwari vachiti: “Zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Jesu pachake akatonyengetera kuna Mwari achiti: “Baba, kudzai zita renyu.” (Johani 12:28) Jesu aikoshesa chaizvo kukudzwa kwezita raMwari, zvekuti mumunyengetero wake akati: “Ndakavazivisa zita renyu uye ndicharizivisa.”—Johani 17:26.

Vaya vanoziva Mwari vanokoshesa zita iri. Vashumiri vaMwari vekare vaiziva kuti kudzivirirwa uye kuponeswa kwavo kwaibva pane zvairehwa nezita raMwari. “Zita raJehovha inhare yakasimba. Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.” (Zvirevo 18:10) “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.” (Joeri 2:32) Bhaibheri rinoratidza kuti zita raMwari raizosiyanisa vanhu vanomunamata nevasingamunamati. Rinoti: “Marudzi ose, achafamba rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu, tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.”—Mika 4:5; Mabasa 15:14.

ZITA RAMWARI RINORATIDZEI?

Zita iri rinoratidza zvakaita Mwari. Nyanzvi dzeBhaibheri dzakawanda dzinobvumirana kuti zita rekuti Jehovha rinoreva kuti “Anoita Kuti Zviitike.” Jehovha Mwari akaratidza zvinorehwa nezita rake paakaudza Mosesi kuti: “Ndichava Iye Wandichava.” (Eksodho 3:14) Zita raMwari haringogumiri pakureva kuti ndiye Musiki wezvese. Rinoratidzawo kuti iye pachake anokwanisa kuita kuti chinangwa chake chizadzike kana kuti kushandisa zvisikwa zvake kuzadzisa chinangwa ichocho. Mazita ake ekuremekedza anoratidza nzvimbo yaainayo, kana kuti simba rake. Asi zita rake rekuti Jehovha ndiro chete rinotsanangura zvese zvaari uye zvaanoita.

Zita iri rinoratidza kuti Mwari anotida. Zita raMwari rinoratidza kuti anoda zvisikwa zvake kusanganisira isu vanhu. Uyezve, kutiudza zita rake kwaakaita kunoratidza kuti anoda kuti timuzive. Ndiye akatotanga kutiudza nezvaro tisati tatombozvarwa. Izvi zvinoratidza kuti Mwari anoda kuti timuone semunhu chaiye uye tiswedere pedyo naye.—Pisarema 73:28.

Kushandisa zita raMwari kunoratidza kuti tinomuda. Semuenzaniso, unogona kuudza munhu wauri kuda kushamwaridzana naye kuti akudane nezita rako. Unonzwa sei kana akaramba kushandisa zita rako? Unogona kutanga kufunga kuti haasi kuda kuita shamwari yako. Ndizvo zvazvakaitawo naMwari. Jehovha akatiudza zita rake uye anoda kuti tirishandise. Patinorishandisa tinenge tichiratidza kuti tinoda kuva pedyo naye. Anoona ‘vaya vanofunga kana kuti vanokoshesa zita rake.’—Maraki 3:16.

Kuziva zita raMwari ndiro danho rekutanga rinokosha kana tichida kuva pedyo naye. Asi hatifaniri kungogumira pakuziva zita rake. Tinofanira kuziva zvakawanda nezvake, zvakadai seunhu hwake.

ZITA RAMWARI NDIANI?

Zita raMwari ndiJehovha. Zita iri rinoratidza kuti anokwanisa kuzadzisa zvaanoda