Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dambudziko Rezvirwere Zvepfungwa Rapararira Pasi Rese

Dambudziko Rezvirwere Zvepfungwa Rapararira Pasi Rese

“Ndinogara ndichingonetseka, kunyange kana ndakangozvigarira hangu ndiri ndega mumba.”

“Pandinenge ndichifara, ndinobva ndatanga kutya nekuti ndinoziva kuti kana ndikangofara saizvozvo, ndinozongoerekana ndasuwa zvisingaiti.”

“Ndinoedza kuisa pfungwa pane zvandinenge ndichiita zuva rimwe nerimwe, asi ndinozongoona ndava kunetseka nezvimwe zvinhu zvakawanda.”

Zvinhu zvataurwa nevanhu ava vanonetseka nezvirwere zvepfungwa, zvinomboitikawo kwauri here? Une hama kana shamwari inonetsekawo nezvinhu izvi here?

Tinoda kuti uzive kuti hausi wega. Kune vanhu vakawanda vanonetseka nezvirwere zvepfungwa kana kuti vane hama kana shamwari yavo ine dambudziko iri.

Chokwadi ndechekuti tiri munguva “dzakaoma dzinonetsa kurarama madziri” uye izvozvo zviri kuita kuti vanhu vashungurudzike zvakanyanya. (2 Timoti 3:1) Imwe ongororo yakaratidza kuti munhu mumwe chete pavanhu 8 vega vega anonetseka nechirwere chepfungwa. Nemhaka yechirwere cheCOVID-19, muna 2020 nhamba yevanhu vanogara vachishushikana yakawedzera nevanhu vanenge 78 miriyoni uye nhamba yevanhu vane chirwere chedepression yakawedzerawo nevanhu vanosvika 78 miriyoni.

Kunyange zvazvo kuziva nhamba yevanhu vane dambudziko iri kuchibatsira, chinotonyanya kukosha ndechekuti iwe nehama neshamwari dzako muri kunzwa sei uye kuti muri kuraramawo sei.

Ndezvipi zvinoratidza kuti pfungwa dzemunhu dziri kushanda zvakanaka?

Kana pfungwa dzemunhu dzichishanda zvakanaka, anenge akagadzikana uye anokwanisa kuita zvinhu nenzira yakanaka. Anokwanisa kutsungirira zvinhu zvakaoma muupenyu, kushanda zvakanaka uye kugutsikana neupenyu.

Chirwere chepfungwa . . .

  • HAKUSI kuzviitisa.

  • CHITORI chirwere chinoita kuti munhu ashungurudzike uye chinokanganisa mafungiro ake, manzwiro ake, nemaitiro ake.

  • Kazhinji kacho, chinogona kuita kuti munhu aite zvinhu zvinoita kuti vamwe vatadze kuwirirana naye uye chinogonawo kuita kuti atadze kuita zvinhu zvaanotarisirwa kuita zuva nezuva.

  • Chinogona kungobata munhu wese, pasinei nezera rake, kwaanobva, rudzi, dzinza, chitendero, dzidzo kana upfumi.

Kuwana rubatsiro pazvirwere zvepfungwa

Kana ukaona kuti pane zvikuru zvachinja paunhu hwako, uri kutadza kudya kana kurara zvakanaka, uye uchigara uchishungurudzika, uchigara uchinetseka kana kuti wakasuruvara, unogona kutsvaga rubatsiro kune vakadzidza nezvazvo kuti uzive kuti zviri kukonzerwa nei uye kuti urapwe. Asi ungatsvaga kupi rubatsiro rwacho?

Munhu akachenjera kupfuura vese vakamborarama pano panyika, Jesu Kristu, akati: “Vanhu vane utano hwakanaka havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda.” (Mateu 9:12) Kana vaya vanenge vachirwara vakawana rubatsiro kubva kuna vanachiremba nemishonga yakakodzera, zvinogona kuvabatsira kuti vanzwe zviri nani uye vaenderere mberi neupenyu. Zvinokosha kuti vanhu vakadaro vasaverengera kuenda kwachiremba kunyanya kana vachinzwa kuti pane zvisina kumira zvakanaka uye kana zvava nenguva refu zvichiitika. a

Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku rezvekurapa, zvarinotaura zvinogona kubatsira pautano hwepfungwa dzedu. Tinokukumbira kuti uverenge nyaya dzinotevera dzinoratidza kuti Bhaibheri ringatibatsira sei panyaya yezvirwere zvepfungwa.

a Nharireyomurindi haina mishonga kana marapirwo ainoti ndiwo aunofanira kuitwa. Munhu mumwe nemumwe anofanira kunyatsoongorora, ozvisarudzira ega kuti orapwa sei.