Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu vezvitendero zvakawanda vanoti mweya wemunhu haufi

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RINOTI CHII CHINOITIKA KANA MUNHU AFA?

Mubvunzo Wanetsa Vanhu

Mubvunzo Wanetsa Vanhu

VANHU vanotaura zvakasiyana-siyana panyaya yekuti chii chinoitika kana munhu afa. Vamwe vanoti kana munhu afa, anoramba achirarama ari kune imwe nzvimbo ava chimwe chisikwa. Vamwe vanoti anozoberekwazve otanga kurarama kune imwe nzvimbo. Asi vamwewo vanoti kana munhu afa zvatopera.

Zvimwe iwe une zvaunofungawo nezvenyaya iyi zvichibva pane zvawakadzidziswa uchiri mudiki kana kuti pane zvamunoita patsika dzenyu. Sezvo vanhu vachitaura zvakasiyana-siyana, unofunga kuti pane angatiudza chokwadi nezvenyaya iyi here?

Vatungamiriri vezvitendero vava nemazana emakore vachidzidzisa vanhu kuti mweya wemunhu haufi. Vanhu vanopinda zvitendero zvakadai sechiKristu, chiHindu, chiJudha, chiMuslim, nezvimwewo vanoti nyama ndiyo inofa asi mweya unoramba uchirarama wava kune imwe nzvimbo. VaBuddha vanoti munhu anoramba achiberekwazve kuva chimwe chisikwa kusvikira azosvika pekuti anenge asingachatamburi. Kana asvika apa vanoti anenge ava muNirvana.

Dzidziso dzese idzi dziri kuita kuti vanhu pasi rese vafunge kuti munhu paanofa anobva atanga kurarama kune imwe nzvimbo. Vakawanda vanofunga kuti rufu inzira yekuti munhu awane humwe upenyu hwakanaka. Saka vanoona sekuti ndiwo marongero akagara atoitwa naMwari. Asi Bhaibheri rinoti kudii? Verenga nyaya inotevera unzwe. Zvarinotaura zvinogona kukushamisa.