Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Vanhu vepanguva inotaurwa muBhaibheri vaiziva sei paitanga gore uye mwedzi?

VAHEBHERU vaiva muNyika Yakapikirwa vaiziva kuti gore revamwe vanhu vese raitangira panguva yekurima nekudyara iyo inoenderana naSeptember/October.

Vanhu vaiziva kureba kwemwedzi vachizvitorera pakufamba kwemwedzi mudenga uko kwainge kwakareba mazuva 29 kana 30. Vaikwanisa kuziva kureba kwegore nekutarisa zuva. Asi gore rinotorerwa pakugara kwemwedzi ipfupi pane gore rinotorerwa pakutarisa zuva. Saka vaifanira kutsvaga nzira yekuita kuti nzira mbiri idzi dzekuverenga nguva dzienderane. Vaiita izvi nekuwedzera mazuva kana kupota vachiwedzera mumwe mwedzi panguva yakadai sepaipera gore. Izvi zvinoita kuti karenda yacho ienderane nemwaka wekudyara uye wekukohwa.

Asi panguva yaMozisi, Mwari akaudza vanhu vake kuti gore ravo raifanira kutanga mumwedzi waAbhibhi, kana kuti Nisani, uyo unoenderana naMarch/April. (Eks. 12:2; 13:4) Mutambo waiitwa mumwedzi uyu waiva nechekuita nekukohwa bhari.—Eks. 23:15, 16.

Imwe nyanzvi yakati: “Zvaiva nyore kuziva pekuisa mwedzi wekuwedzera pakarenda yacho.” Yakatiwo: “Paseka iyo inofanira kupembererwa pajenaguru remwedzi waNisani (14 Nisani), nguva dzese inofanira kuitwa pashure pezuva remumwaka wematsutso rinenge riine maawa emasikati akaenzana nemaawa eusiku . . . Saka kana zvaizoonekwa gore rava kuda kunopera kuti musi wePaseka waizosvika zuva riya rine maawa emasikati akaenzana neeusiku risati rasvika, vaJudha vaiwedzera mwedzi wechi13, Nisani asati atanga.”

Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa zvichangotaurwa izvi pazvinosarudza musi wakakodzera weKudya kwaShe Kwemanheru, uyo unovapo mumatsutso uye unoenderana naNisani 14 pakarenda yechiHebheru. Ungano dzese pasi rese dzinoudzwa nezvemusi uyu pachine nguva. *

Asi vaHebheru vaiziva sei paipera mumwe mwedzi uye paitanga mumwe? Mazuva ano unongotarisa pakarenda yakaprindwa kana kuti yepafoni. Asi munguva inotaurwa muBhaibheri zvaisava nyore saizvozvo.

Panguva yeMafashamo aNoa, mwedzi yaionekwa seine mazuva 30. (Gen. 7:11, 24; 8:3, 4) Pava paya, vaHebheru vakanga vasingachati mwedzi wese wepakarenda une mazuva 30. Pakarenda yevaHebheru, mwedzi waitanga paitanga kuoneka mwedzi mudenga. Izvi zvaitora mazuva 29 kana kuti 30 kubva paitanga mwedzi.

Pane imwe nguva, Dhavhidhi naJonatani vakataura nezvekutanga kwemwedzi vachiti: “Mangwana kugara kwemwedzi.” (1 Sam. 20:5, 18) Saka zvinoita sekuti pakazosvika nguva iyoyo, zvakanga zvava kutogara zvazivikanwa kuti mwedzi yaitangira papi uye yaiperera papi. Asi vamwewo vaIsraeri vaiziva sei paitanga mwedzi uye pawaipera? Bhuku remitemo uye tsika dzechiJudha rinonzi Mishnah rinotipa mamwe mashoko. Rinoratidza kuti vaJudha pavakadzoka kunyika yavo vachibva kuutapwa kuBhabhironi, Sanihedrini (dare repamusoro rechiJudha) rine zvaraiitawo panyaya iyi. Mumwedzi 7 yaiitwa mitambo, dare racho raiungana pazuva rechi30 remwedzi. Varume ivavo ndivo vaisarudza kuti mwedzi unotevera waizotanga riini. Vaisarudza sei izvi?

Pane varume vainzi vamire panzvimbo dzakakwirira muJerusarema vachitarisa mudenga usiku kuti vaone paitanga kugara mwedzi. Vaibva vakurumidza kuzivisa Sanihedrini. Varume vemudare iri pavaingoona kuti vava neuchapupu hwakakwana hwekuti mwedzi wakanga wagara, vaibva vazivisa kutanga kwemwedzi mutsva. Asi vaiita sei kana makore kana mhute zvikatadzisa varindi kuona kugara kwemwedzi? Mwedzi wavaiva waibva wanzi une mazuva 30, uye mwedzi unotevera waibva watanga mangwana acho.

Kuti vazivise kutanga kwemwedzi mutsva, vaibatidza moto pamusoro peGomo Remiorivhi, riri pedyo neJerusarema. Pane dzimwe nzvimbo dzakakwirira muIsraeri, moto waishandiswa pakuzivisa vanhu nezvekutanga kwemwedzi. Mumakore akazotevera, nhume ndidzo dzakanga dzava kutumwa. Saka vaJudha vaiva muJerusarema, muIsraeri yese, uye mune dzimwe nzvimbo vaiziviswa nezvekutanga kwemwedzi mutsva. Vese vaigona kuchengeta panguva imwe chete mitambo yaiitwa mumwaka yegore.

Chati iri pasi apa inogona kukubatsira kunzwisisa kuti mwedzi, mitambo, uye mwaka yechiHebheru zvainge zvakabatana sei.

^ Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1990, peji 25.