Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Pakudzidza

Zvaungaita Pakudzidza

Dzidzira Kubata Nemusoro “Nziyo Dzemweya”

“Pandinenge ndichinzwa ndakaora mwoyo, Jehovha anondikurudzira achishandisa nziyo dziri paJW Broadcasting.”—Lorraine, U.S.A.

“Nziyo dzemweya” dzagara dzichishandiswa pakunamata kwevaKristu. (VaK. 3:16) Kana ukadzidzira kubata nemusoro nziyo idzi, zvinogona kukubatsira paunenge usina bhuku renziyo kana foni. Edza kushandisa mazano anotevera kuti ubate nemusoro nziyo dzacho.

  • Nyatsoverenga mashoko acho kuti unzwisise zvaari kureva. Kana uchinzwisisa zvinorehwa nemashoko, zviri nyore kuayeuka. Mashoko enziyo dzedu dzese kusanganisira enziyo dzinobuda paJW Broadcasting uye enziyo dzevana, anowanika pajw.org. Pachikamu chakanzi Raibhurari, enda pakanzi Mimhanzi.

  • Nyora mashoko acho papepa. Kana ukadaro, unogona kuramba uchiyeuka mashoko acho.—Dheut. 17:18.

  • Dzidzira uchibudisa inzwi. Ramba uchidzokorora kuverenga kana kuimba rwiyo rwacho.

  • Ona kuti wabata kusvika papi. Edza kuyeuka mashoko acho usingaatarisi, uye ona kuti wagona zvakadii.