Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YOUPENYU

Ndakatsunga Kuramba Ndiri Musoja waKristu

Ndakatsunga Kuramba Ndiri Musoja waKristu

Mabara epfuti zvaaivhiririka pedyo neni, ndakasimudza hengechepfu chena zvishoma nezvishoma. Masoja airidza pfuti akashevedzera kuti ndibude pandakanga ndakahwanda. Ndakaenda kwaaiva ndichitya ndisingazivi kuti ndaizorarama here kana kuti ndaizofa. Zvakafamba sei kuti ndive munyatwa yakadai?

NDAKABEREKWA muna 1926 mumusha mudiki uri muGreece unonzi Karítsa. Ndiri wechi7 pavana 8. Vabereki vangu vaishanda nesimba zvikuru.

Muna 1925, vabereki vangu vakasangana nemumwe Mudzidzi weBhaibheri aishingaira uye aitaurisa ainzi John Papparizos. Panguva iyoyo Zvapupu zvaJehovha zvainzi Vadzidzi veBhaibheri. Vabereki vangu vakayemura madzidzisiro aiita John achishandisa Magwaro vachibva vatanga kupinda misangano yeVadzidzi veBhaibheri mumusha mataigara. Amai vangu vaiva nekutenda kwakasimba muna Jehovha Mwari. Kunyange zvazvo vakanga vasingagoni kuverenga, vaishandisa mikana yese yavaiwana kuti vaudze vamwe zvavaitenda. Zvinosuwisa kuti baba vangu vaiti nanga-nanga nezvaikanganiswa nevamwe uye zvishoma nezvishoma vakarega kupinda misangano yechiKristu.

Ini nevamwe vana vemumba medu tairemekedza Bhaibheri asi taivhiringidzwa nekuda kutamba. Hondo yeNyika II payaipararira muEurope, pane chimwe chinhu chakaitika mumusha medu muna 1939 chakativhundutsa. Mukoma wangu wekwababamukuru ainzi Nicolas Psarras, uyo aiva muvakidzani wedu akanga achangobva kubhabhatidzwa. Hurumende yeGreece yakabva yamudana kuti apinde muchiuto. Nicolas, uyo aiva nemakore 20, akaudza vakuru vakuru vemasoja neushingi kuti, “Hazviite kuti ndirwe nekuti ndiri musoja waKristu.” Akamiswa pamberi pedare rinotonga mauto uye akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi. Zvakativhundutsa chaizvo!

Sezvineiwo, gore ra1941 richangotanga, masoja eBritain needzimwe nyika akapinda muGreece uye Nicolas akabva abudiswa mujeri. Akadzoka kuKarítsa uye mukoma wangu Ilias akamunaya nemibvunzo ine chekuita neBhaibheri. Ndainyatsoteerera pavaitaura. Zvadaro, ini naIlias nehanzvadzi yedu Efmorfia takatanga kudzidza Bhaibheri uye kugara tichipinda misangano neZvapupu. Gore rakatevera, tose tiri vatatu takazvitsaurira kuna Jehovha tikabhabhatidzwa. Pava paya, vamwe vakoma vangu vaviri nehanzvadzi dzangu mbiri vakavawo Zvapupu zvakatendeka.

Muna 1942, ungano yeKarítsa yaiva nehama nehanzvadzi dzechidiki 9 dzaiva nemakore aiva pakati pe15 ne25. Tose taiziva kuti taizosangana nematambudziko akakura. Saka kuti tirambe takasimba pakunamata, taiungana pese pataikwanisa kuti tidzidze Bhaibheri, tiimbe nziyo uye tinyengetere. Izvi zvakasimbisa kutenda kwedu.

Demetrius neshamwari dzake kuKarítsa

HONDO YEVAGARI VEMUGREECE

Hondo yeNyika II payakanga yava kunopera, makomonisiti emuGreece akapandukira hurumende zvikaita kuti pave nehondo inotyisa. Varwi vechikomonisiti vaienda kumamisha vachimanikidza vanhu kuti vabatane navo. Pavakasvika mumusha medu, vakatora Zvapupu zvitatu zvechidiki zvaiti, Antonio Tsoukaris, Ilias, neni. Takateterera tichivaudza kuti taiva vaKristu vasingapindiri mune zvematongerwo enyika asi vakatimanikidza kufamba kwemaawa anenge 12 tichienda kuMount Olympus.

Tichangosvika, mumwe wevatungamiriri vemakomonisiti akatirayira kuti tibatane nechikwata chevarwi vaienda mumisha yevanhu. Patakatsanangura kuti vaKristu vechokwadi havarwisi vanhu, akagumbuka ndokubva atiendesa kune mumwe mukuru mukuru wavo. Patakamuudza maonero edu, mukuru mukuru wacho akabva ati: “Saka torai nyurusi munotakura vanenge vakuvara muhondo muchivaendesa kuchipatara.”

“Ko kana tikabatwa nemasoja ehurumende?” takamubvunza kudaro. “Haazotioni sevarwi here?” Akabva ati: “Saka endesai chingwa kune vari kurwa.” Takabva tati: “Ko kana mumwe wevakuru variko akationa tiine nyurusi obva ati tiendese zvombo kune vari kurwa?” Mukuru mukuru wacho akamboita chinguva achifunga. Pava paya akazoti: “Asi hamungazotadzi kuchengeta makwai! Garai mugomo muno muchifudza makwai.”

Hondo zvayaitsviriridza munzvimbo dzakapoteredza, isu tiri vatatu taiona hana dzedu dzichitibvumira kufudza makwai. Papera gore, Ilias akabvumirwa kudzokera kumba kunochengeta amai vedu avo vakanga vava chirikadzi nekuti ndiye aiva mukomana mukuru. Antonio akarwara akabva anzi aende. Asi ini ndakasara ndiri nhapwa.

Paiitika zvese izvi, masoja eGreece aikomba makomonisiti zvishoma nezvishoma. Chikwata chainge chanditora chakatiza nemumakomo chakananga kuAlbania. Patakanga tava kusvika pamuganhu weGreece neAlbania, takangoerekana takombwa nemasoja eGreece. Vapanduki vacho vakavhunduka ndokutiza. Ndakahwanda paseri pemuti wainge wakadonha, izvo zvakazoita kuti ndibatwe nemasoja sezvandambotaura pakutanga.

Pandakaudza masoja eGreece kuti ndakanga ndatorwa nemakomonisiti, masoja acho akandiendesa kuti ndinoongororwa pane imwe kamba yemasoja yaiva pedyo neguta reVéroia, iro rinonzi Bheriya muBhaibheri. Pandakasvika ikoko, ndakanzi ndicherere masoja migero yekuhwanda vavengi. Pandakaramba, mukuru mukuru weko akarayira kuti ndiendeswe kune chimwe chitsuwa chaiendeswa vanhu vainge vapara mhosva chinonzi Makrónisos (Makronisi). Vanhu vaitya chaizvo kuendeswa ikoko.

CHITSUWA CHINOTYISA

Chitsuwa cheMakrónisos chiri nechekunze kweAttica, anenge makiromita 50 kubva kuAthens. Chitsuwa ichi rinongova dombo rega rega uye hachina kana mvura. Chakareba makiromita 13 chete uye pachakanyanya kufara pane makiromita 2,5. Asi kubvira muna 1947 kusvika muna 1958, vasungwa vanopfuura 100 000 vakagara ipapo. Vasungwa vacho vaisanganisira makomonisiti, vanhu vaifungirwa kuti makomonisiti, vanhu vaimborwisana nehurumende uyewo Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakatendeka.

Pandakasvika pachitsuwa ichi muna 1949, vasungwa vakanga vakaiswa mumisasa yakasiyana-siyana. Ndakaiswa mune mumwe musasa wainge usina kunyanyochengetedzwa pamwe chete nemazana evamwe varume. Tairara pasi tiri 40 mutende rakagadzirirwa vanhu 10. Mvura yatainwa yainhuwa uye tainyanya kudya nyemba nemaeggplant. Mhepo neguruva zvepachitsuwa ichi zvaiita kuti upenyu hurwadze. Asi izvi zvaitova nani nekuti vamwe vaitakuriswa matombo anorema vonzi vafambe nawo, vachiti vakaenda uku vodzoka, voenda uku vodzoka. Izvi zvakakanganisa utano nepfungwa dzevakawanda vavo.

Ari pachitsuwa cheMakrónisos nezvimwe Zvapupu zvakanga zvasungwa

Rimwe zuva pandaifamba pamhenderekedzo ndakasangana neZvapupu zvaigara kune mimwe misasa. Takafara chaizvo kuva pamwe chete. Taisangana pese pataiwana mukana asi taiedza kuita kuti tisaonekwe takaungana. Taiparidzirawo vamwe vasungwa takangwarira uye vamwe vacho vakazova Zvapupu zvaJehovha. Kuita izvi uye kunyengetera nemwoyo wese zvakatibatsira kuti tirambe takasimba pakunamata.

KUKANDWA MUVIRA REMOTO

Pashure pemwedzi gumi vachiti vari kundipinza mugwara, masoja akafunga kuti ndakanga ndava kufanira kupfeka yunifomu yechisoja. Pandakaramba, vakandiendesa kumukuru mukuru wemusasa wandaigara. Ndakamutambidza bepa randainge ndakanyora kuti: “Ndinoda kuva musoja waKristu chete.” Murume wacho akandityisidzira achibva andiendesa kumutevedzeri wake uyo aiva bhishopu wechechi yeGreek Orthodox uye akanga akapfeka yunifomu yechechi. Pandakapindura mibvunzo yake neushingi ndichishandisa Magwaro, akashevedzera nehasha achiti: “Mubvisei pano. Akaoma musoro!”

Mangwanani ezuva rakatevera, masoja akandirayirazve kuti ndipfeke yunifomu yechisoja. Pandakaramba, vakandirova nezvibhakera nemboma. Vakabva vandiendesa kwairapwa vanhu kuti vaone kuti mabhonzo angu akanga asina kutyoka here ndokundizvuzvurudza vachindidzosera kutende randaigara. Izvi zvakaramba zvichiitika zuva nezuva kwemwedzi miviri.

Nemhaka yekuti ndakaramba ndiine kutenda kwakasimba, masoja aya akanga akagumbuka akazofunga rimwe zano. Akasunga maoko angu ari kumusana, ndokundirova chaizvo netambo pasi petsoka. Ndichirwadziwa chaizvo, ndakayeuka mashoko aJesu ekuti: “Munofara imi kana vanhu vachikuzvidzai nokukutambudzai . . . Farai musvetuke nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kumatenga; nokuti vakatambudza vaprofita vakakutangirai saizvozvo.” (Mat. 5:11, 12) Pakupedzisira, pashure pekundirova kwenguva refu, ndakabva ndafenda.

Ndakazomukira muchitokisi chaitonhora mainge musina chingwa, mvura kana gumbeze. Kunyange zvakadaro, ndakaramba ndakadzikama. Sezvinovimbiswa neBhaibheri, “rugare rwaMwari” rwakanga ‘ruchirinda mwoyo wangu nepfungwa dzangu.’ (VaF. 4:7) Mangwana acho, mumwe musoja aiva netsitsi akandipa chingwa, mvura nejasi. Mumwewo musoja akabva andipa chikafu chaaifanira kudya. Izvi nezvimwewo zvakawanda zvakaitika, zvakandiratidza kuti Jehovha aiva nehanya neni.

Vakuru vakuru vemusasa wataigara vakanga vava kundiona semupanduki asingachinji saka vakandiendesa kuAthens kuti ndinomira pamberi pedare rinotonga mauto. Dare racho rakanditongera kugara mujeri kwemakore matatu pachitsuwa cheYíaros (Gyaros), icho chiri makiromita anenge 50 nechekumabvazuva kweMakrónisos.

“TINOGONA KUVIMBA NEMI”

Jeri reYíaros rakanga rakakura uye rakanga rakavakwa nezvidhinha zvitsvuku. Raiva nevanhu vanopfuura 5 000 vakanga vasungirwa zvematongerwo enyika. Raivawo neZvapupu zvaJehovha 7 zvakanga zvakasungwa nemhaka yekuti zvakaramba kuenda kuhondo. Taisangana pachivande tiri 7 kuti tidzidze Bhaibheri kunyange zvazvo zvakanga zvisingatombobvumirwi. Taitogara tichiwana magazini eNharireyomurindi aipinzwa pachivande mujeri iri uye taiakopa kuti tizoashandisa pazvidzidzo zvedu.

Rimwe zuva pataidzidza Bhaibheri takahwanda, mumwe mugadhijeri akangoerekana asvika achibva atitorera mabhuku edu. Takashevedzwa kuhofisi yemutevedzeri wemukuru wejeri uye takaenda ikoko tichitarisira kuti nguva yedu yekugara mujeri yaizowedzerwa. Asi akabva ati: “Tinokuzivai uye tinoremekedza zvamunotenda. Tinoziva kuti tinogona kuvimba nemi. Dzokerai munoshanda.” Akatopa vamwe vedu mabasa akati rerukei. Mwoyo yedu yakazara nekuonga. Kunyange pataiva mujeri, kuramba kwedu takavimbika kwaiita kuti Jehovha arumbidzwe.

Kuvimbika kwedu kune zvimwe zvakwakabatsirawo. Pashure pekunyatsocherechedza unhu hwedu hwakanaka, mumwe musungwa aiva purofesa wemasvomhu akazopedzisira abvunza zvatinotenda. Akazobudiswawo mujeri iri pakabudiswa Zvapupu kutanga kwegore ra1951. Pava paya, akazova Chapupu uye akazova piyona wenguva dzose.

NDICHIRI MUSOJA

Ndiine mudzimai wangu, Janette

Pandakabudiswa mujeri, ndakadzokera kuKarítsa kwaiva nehama dzangu. Pava paya, ini nevamwe vakawanda vekumusha kwedu takatamira kuMelbourne, Australia. Ikoko, ndakasangana naJanette, hanzvadzi yechiKristu yakanaka, tikazochata. Takarera mwanakomana mumwe chete nevanasikana vatatu nenzira inodiwa naJehovha.

Kunyange zvazvo ndava nemakore anopfuura 90, ndichiri kushumira semukuru muungano. Nemhaka yekukuvara kwandakamboita, muviri wangu uye tsoka dzangu zvinomborwadza kunyanya pashure pekunge ndaenda muushumiri. Zvisinei, ndakatsunga kuramba ndiri ‘musoja waKristu.’​—2 Tim. 2:3.