Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakazvipa Nemwoyo Unoda

Vakazvipa Nemwoyo Unoda

PAKATI peZvapupu zvinoshingaira zviri kushumira munyika dzinodiwa vaparidzi veUmambo vakawanda pane hanzvadzi dzakawanda dzisina kuroorwa. Dzimwe dzava nemakumi emakore dzichishumira mhiri kwemakungwa. Chii chakadzibatsira kuti dzizotamira kune dzimwe nyika? Dzakadzidzei pakushumira mhiri kwemakungwa? Zvinhu zvakadzifambira sei muupenyu? Takakurukura nedzimwe hanzvadzi dzakanoshumira mhiri kwemakungwa. Kana uri hanzvadzi isina kuroorwa ine chido chekuita ushumiri hunogutsa chaizvo, tine chokwadi chekuti zvadzakataura zvichakubatsira. Asi chokwadi ndechekuti vanhu vaMwari vese vanogona kubatsirwa nemienzaniso yehanzvadzi idzi.

KUKUNDA DAMBUDZIKO REKUTYA

Anita

Kana uri piyona asina kuroorwa, unombofunga kuti zvingakuomera kunopayona kune imwe nyika here? Anita, uyo ava nemakore 75, aifunga kuti haazvikwanisi. Akakurira kuEngland kwaakatanga kupayona aine makore 18. Anoti: “Ndaifarira kudzidzisa vanhu nezvaJehovha, asi handina kumbobvira ndafunga kuti ndaikwanisa kunoshumira mhiri kwemakungwa. Ndainge ndisina kumbobvira ndadzidza mumwe mutauro uye ndaifunga kuti hapana mutauro wandaizombogona. Saka pandakakokwa kuChikoro cheGiriyedhi ndakashamisika chaizvo. Zvakandishamisa kuti munhuwo zvake akaita seni aizokokwawo. Asi ndakazviudza kuti ‘kana Jehovha achifunga kuti ndinokwanisa, ndichazviedza.’ Izvi zvakaitika makore anopfuura 50 adarika. Kubvira ipapo, ndiri kushumira semumishinari muJapan.” Anita anokurudzira hanzvadzi dzechidiki kuti dzinoshumira kune dzimwe nyika. Anoti: “Ndinofara kuti vakawanda ndizvo zvavari kuita.”

KUVA NEUSHINGI

Hanzvadzi dzakawanda dzakanoshumira kune dzimwe nyika dzaimbozeza kuita izvozvo. Chii chakaita kuti dzive neushingi?

Maureen

Maureen, uyo ava nemakore 64 anoti: “Pandaikura, ndaida chaizvo kurarama upenyu hune chinangwa, hwekubatsira vamwe.” Paakanga ava nemakore 20, Maureen akatamira kuQuebec, Canada, kwaidiwa mapiyona akawanda. Anoti: “Ndakazokokwa kuti ndipinde Chikoro cheGiriyedhi, asi ndaitya kuenda kunyika yandisingazivi ndisina shamwari dzangu.” Anowedzera kuti: “Ndainetsekawo nezvekusiya amai vangu avo vaichengeta baba vangu vairwara. Ndakateterera kuna Jehovha kakawanda nezvenyaya idzi ndichisvimha misodzi. Pandakataura nevabereki vangu nezvazvo, vakandikurudzira kuti ndiende. Ndakaonawo rudo rwakaratidzwa neungano ichitsigira vabereki vangu. Kubatsirwa kwakaitwa vabereki vangu naJehovha kwakaita kuti ndive nechivimbo chekuti aizondichengetawo. Panguva iyoyo, ndakanga ndagadzirira kuenda.” Maureen akatanga kushumira semumishinari kuWest Africa muna 1979, uye akashumira ikoko kwemakore anopfuura 30. Iye zvino Maureen ari kuchengeta amai vake kuCanada, asi achiri piyona chaiye. Achitarisa makore aakashumira kune imwe nyika, anoti: “Jehovha aigara achindipa zvinhu zvinokosha zvandaida panguva chaiyo yandaizvida.”

Wendy

Wendy, uyo ava nemakore 65, akatanga kupayona aine makore 14 kuAustralia. Anoti: “Ndainyara chaizvo uye zvaindiomera kuti nditaure nevanhu vandisingazivi. Asi kupayona kwakandidzidzisa kutaura nevanhu vemarudzi ose, saka ndakawedzera kuva nechivimbo. Pava paya, ndakazoona kuti zvekuzeza kutaura nevanhu zvakanga zvapera. Kupayona kwakandidzidzisa kuvimba naJehovha, uye ndakatanga kufarira kunoshumira mhiri kwemakungwa. Imwe hanzvadzi isina kuroorwa yaiva mumishinari muJapan kwemakore anopfuura 30, yakandikoka kuti timbonoparidza kuJapan kwemwedzi mitatu. Kushanda nayo kwakawedzera chido changu chekutamira mhiri kwemakungwa.” Muna 1986, Wendy akatamira kuVanuatu, chitsuwa chiri makiromita anenge 1 770 kumabvazuva kweAustralia.

Wendy achiri kuVanuatu uye ari kushumira paHofisi Yeshanduro. Anoti: “Mufaro wangu unobva pakuona mapoka neungano zvichitangwa munzvimbo dziri kure. Kuitawo kachikamu kadiki mubasa raJehovha pazvitsuwa izvi iropafadzo isingatsananguriki.”

Kumiko (ari pakati)

Kumiko, uyo ava nemakore 65, aishumira sapiyona wenguva dzose muJapan, waaipayona naye paakataura kuti vatamire kuNepal. Kumiko anoti: “Airamba achitaura nezvazvo, asi ndairamba ndichiti hazviiti. Ndaitya kudzidza mumwe mutauro uye kutanga kujairana nenzvimbo itsva. Paivawo nedambudziko rekuwana mari yaidiwa kuti titamire kune imwe nyika. Pandakanga ndichiri kupishana nepfungwa kuti ndosarudza zvipi, ndakaita tsaona nemudhudhudhu ndokupedzisira ndava muchipatara. Ndiri muchipatara ndakafunga kuti: ‘Ndiani anoziva zvingangoitika zvakare kwandiri? Ndinogona kupedzisira ndava nechirwere chisingaiti ndotadza kunopayona mhiri kwemakungwa. Ndingatadza here kunoshumira mhiri kwemakungwa kunyange kwegore rimwe chete?’ Ndakateterera kuna Jehovha kuti andibatsire kusarudza.” Paakabuda muchipatara, Kumiko akashanya kuNepal, uye iye newaaipayona naye vakazotamira ikoko.

Achifunga nezvemakore anoda kusvika gumi aange ari muNepal, Kumiko anoti matambudziko aainetseka nezvawo akaakurira zviri nyore sekuyambuka kwakaita vaIsraeri Gungwa Dzvuku. Anoti: “Ndinofara kuti ndakaenda kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Kazhinji, pandinoparidza mashoko emuBhaibheri pane imwe imba, vamwe vanhu 5 kana 6 vanobva kudzimba dzavo vachiuya kuzoteererawo. Kunyange vana vadiki vanokumbira maturakiti anotaura nezveBhaibheri. Zvinofadza chaizvo kuparidza munzvimbo iyi ine vanhu vanoteerera.”

KUKUNDA MATAMBUDZIKO

Hanzvadzi idzi dzisina kuroorwa dzatakakurukura nadzo dzakasanganawo nematambudziko. Dzakaakunda sei?

Diane

“Pakutanga, zvaindiomera kugara kure nehama dzangu,” anodaro Diane, anobva kuCanada. Iye zvino ava nemakore 62, uye akashumira semumishinari kwemakore 20 kuIvory Coast (yava kunzi Côte d’Ivoire). Anoti: “Ndakakumbira Jehovha kuti andibatsire kuda vanhu vemunyika macho. Mumwe wevadzidzisi vangu kuGiriyedhi, Hama Jack Redford, akatiudza kuti pakutanga taigona kuvhiringwa, kana kutokatyamadzwa nezvinenge zviri munyika mataizoshanda, zvikurukuru pataizoona urombo hwakanyanyisa. Asi akati: ‘Musatarisa urombo. Tarisai vanhu vacho, tarisai zviso zvavo nemaziso avo. Onai kuti vanoita sei pavanonzwa chokwadi cheBhaibheri.’ Ndizvo zvandakaita, uye chaiva chikomborero chaicho. Pandaiparidza mashoko anonyaradza eUmambo, ndaiona zviso zvevanhu zvichiratidza kufara chaizvo.” Chiizve chakabatsira Diane kuti ajairane nekushumira mhiri kwemakungwa? Anoti: “Ndakava pedyo nevadzidzi vangu veBhaibheri uye ndaifara pandaiona vachiva vashumiri vaJehovha vakatendeka. Kwandaishumira ndiko kwakava kumba kwangu. Ndakawana vanaamai navanababa, vakoma nevanin’ina uye hanzvadzi muungano yechiKristu sezvakavimbiswa naJesu.”—Mako 10:29, 30.

Anne, uyo ava nemakore 46, ari kushumira kuAsia munyika inorambidzwa basa redu. Anoti: “Kwemakore, pandaishumira munzvimbo dzakasiyana-siyana mhiri kwemakungwa, ndaigara nehanzvadzi dzaibva kwakasiyana nekwandaibva uye dzaiva neunhu hwakasiyana zvikuru nehwangu. Dzimwe nguva izvozvo zvaiita kuti tisanzwisisane uye tirwadzisane. Izvi pazvaiitika, ndaiedza kuva pedyo navo kuti ndinzwisise tsika dzavo zviri nani. Ndakashandawo nesimba kuti ndiwedzere kuvaratidza rudo uye kuva munhu anonzwisisa. Ndinofara kuti zvandaiedza kuita zvakabudirira, zvakaita kuti pave neushamwari hwakasimba hunondibatsira kuti nditsungirire kwandiri kushumira.”

Ute

Muna 1993, Ute, anobva kuGermany, uyo ava nemakore 53, akanzi anoshanda semumishinari kuMadagascar. Anoti: “Pakutanga, ndaiomerwa nekudzidza mutauro weko, kujairana nemamiriro ekunze, marariya, kupindwa mumuviri nehonye netumwewo tupukanana. Asi vanhu vaindibatsira zvikuru. Hanzvadzi dzeko, vana vadzo nevandaidzidza navo Bhaibheri vaiva nemwoyo murefu pakundibatsira kudzidza mutauro wacho. Hanzvadzi yandaishanda nayo semumishinari yaindibatsira pandairwara. Asi Jehovha ndiye akandibatsira kupfuura vose. Ndaigara ndichidurura zvaindinetsa kwaari mumunyengetero. Ndaibva ndamirira kwemazuva akawanda kana mwedzi chaiyo kuti andipindure. Jehovha akagadzirisa zvose zvaindinetsa.” Ute ava nemakore 23 achishumira kuMadagascar.

VAKAKOMBORERWA ZVIKURU

Sezvinongoita vamwe vanoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda, hanzvadzi dzisina kuroorwa idzo dzakatamira kune dzimwe nyika dzinogara dzichitaura kuti kushumira mhiri kwemakungwa kwakadziunzira makomborero akawanda. Ndeapi mamwe makomborero adzakawana?

Heidi

Heidi, wekuGermany, uyo ane makore 73, ari kushumira semumishinari kuIvory Coast (yava kunzi Côte d’Ivoire). Akatanga kushumira ikoko muna 1968. Anoti: “Mufaro mukuru wandinawo ndewekuona vandakadzidza navo Bhaibheri ‘vachiramba vachifamba muchokwadi.’ Vamwe vavo vava mapiyona nevakuru muungano. Vakawanda vavo vanonditi Amai kana kuti Ambuya. Mumwe wevakuru ivava pamwe chete nemudzimai wake nevana vanondiona sehama yavo chaiyo. Saka Jehovha akandipa mwanakomana, muroora, nevazukuru vatatu.”3 Joh. 4.

Karen (ari pakati)

Karen anobva kuCanada, uyo ava nemakore 72, akashumira kuWest Africa kwemakore 20. Anoti: “Kuva mumishinari kwakandidzidzisa kuti ndiwedzere kuzvipira, kuva nerudo uye mwoyo murefu. Uyewo ndakadzidza zvakawanda kubva pakushanda nevanhu vanobva kunyika dzakasiyana-siyana. Ndakadzidza kuti kune nzira dzakawanda dzekuita nadzo zvimwe zvinhu. Uye chikomborero chaicho kuva neshamwari dzepedyo pasi rose. Kunyange zvazvo upenyu hwedu nemabasa atinoita zvachinja, ushamwari hwedu huchiripo.”

Margaret, anobva kuEngland, uyo ava nemakore 79, akashumira semumishinari kuLaos. Anoti: “Kushumira mhiri kwemakungwa kwakaita kuti ndizvionere ndega kuti Jehovha anounza sei vanhu vemarudzi akasiyana siyana musangano rake. Izvozvo zvakasimbisa kutenda kwangu. Zvinoita kuti ndive nechivimbo chakasimba chekuti Jehovha ndiye ari kutungamirira sangano rake uye kuti zvinangwa zvake zvichazadziswa.”

Chokwadi, hanzvadzi dzisina kuroorwa dziri kushumira mhiri kwemakungwa dziri kuita zvakanaka chaizvo muushumiri hwechiKristu. Dzinofanira kurumbidzwa chaizvo. (Vat. 11:40) Chinotonyanya kufadza ndechekuti hanzvadzi dziri kuita izvozvo dziri kuwanda. (Pis. 68:11) Unokwanisa here kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwako wotevedzera hanzvadzi idzi dzinoshingaira dzataurwa munyaya ino? Kana uchikwanisa hapana mubvunzo kuti ‘ucharavira woona kuti Jehovha akanaka.’Pis. 34:8.