Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

Bhaisikopo Raisimbisa Kutenda Rava Nemakore 100

Bhaisikopo Raisimbisa Kutenda Rava Nemakore 100

‘Hama Russell vari kunyatsobuda sokunge ndivo chaivo vari kutaura!’—Mumwe akaona “Photo-Drama” muna 1914.

IYE zvino pava nemakore 100 kubvira pakatanga kuratidzwa bhaisikopo rinonzi “Photo-Drama of Creation,” iro raiva rakagadzirirwa kubatsira vanhu kuti vatende kuti Bhaibheri iShoko raMwari. Panguva iyoyo kutenda kwevanhu kwaikanganiswa nedzidziso yokushanduka-shanduka, kutsoropodza kwakanyanya uye kusava nechokwadi kuti kune Musiki. Asi “Photo-Drama” rakatsigira kuti Jehovha ndiye Musiki.

Charles T. Russell, uyo aitungamirira Vadzidzi veBhaibheri, aigara achitsvaka nzira inonyatsobudirira uye inokurumidza yokuti vanhu vazive chokwadi cheBhaibheri. Vadzidzi veBhaibheri vainge vagara vachishandisa mabhuku kwemakore anopfuura 30. Asi iye zvino vakaona chimwe chinhu chitsva chavaigona kushandisa. Chinhu ichocho raiva bhaisikopo.

KUPARIDZA EVHANGERI PACHISHANDISWA BHAISIKOPO

Bhaisikopo rainge risina mashoko rakatanga kubudiswa kuma 1890. Muna 1903, firimu rechitendero rakaratidzwa vanhu mune imwe chechi muNew York City. Saka Hama Russell pavakatanga kugadzirira “Photo-Drama” muna 1912, zvemabhaisikopo zvakanga zvichangotanga. Vakaona kuti kushandisa nzira iyi kwaizoita kuti chokwadi cheBhaibheri chisvitswe kuvanhu nenzira yakanga isingakwaniswi nemabhuku chete.

“Photo-Drama” raiva rakareba maawa masere uye raiwanzoratidzwa muzvikamu zvina, raiva nehurukuro dzeBhaibheri pfupi 96 dzakarekodhwa, dzaitaurwa nemunhu aiva akakurumbira uye aiva neinzwi rainyanya kuzivikanwa panguva iyoyo. Mumadariro akawanda maiva nemimhanzi. Hama dzaiva nounyanzvi dzaishandisa magiramufomu kuridza nziyo uye manzwi evanhu ainge akarekodhwa, dzichiita kuti zvienderane nemasiraidhi uye mabhaisikopo enyaya dzomuBhaibheri dzainyanya kuzivikanwa nevanhu.

“Rairatidza zvose kubvira pakusikwa kwenyeredzi kusvikira panguva yoKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru.”—F. Stuart Barnes, aiva nemakore 14 muna 1914

Zvikamu zvakawanda zvemafirimu nemasiraidhi egirazi zvakatengwa kumakambani anoita zvemafirimu. Nyanzvi dzokudhirowa dzokuPhiladelphia, New York, Paris, uye London dzakaita zvokupenda nemaoko furemu rimwe nerimwe remagirazi nemafirimu zvaizoshandiswa semasiraidhi. Basa rakawanda rokupenda  rakaitwawo nevamwe paBheteri muimba yaidhirowerwa mifananidzo, uye vaiwanzogadzira masiraidhi ainge apwanyika. Kuwedzera pamafirimu akaita zvokutengwa, nhengo dzemhuri yeBheteri dzakatorwawo vhidhiyo muYonkers, New York, dzichiedzesera kuva Abrahamu, Isaka uye ngirozi yakarambidza Abrahamu kupa mwanakomana wake sechibayiro.—Gen. 22:9-12.

Dzichinyatsongwaririra kuti zvienderane, hama dzaiva nounyanzvi dzaishanda pamwe chete dzichiratidza firimu raiva neribhoni yakareba makiromita anenge matatu, masiraidhi 500 uye dzichiridza marekodzi 26 pamagiramufomu

Imwe shamwari yaHama Russell yakaudza vanobudisa nhau kuti nzira iyi yokuparidza yaizoita “kuti zviuru zvevanhu zvifarire Magwaro, kupfuura chero ipi zvayo yakamboshandiswa pakuparadzira mashoko echitendero.” Vafundisi vaizorumbidza here nzira itsva iyi yokubatsira vanhu vakawanda vaiva nenzara yokuziva nezvaMwari? Vafundisi vose vechiKristudhomu vakashora zvakasimba “Photo-Drama” uye vamwe vakatoshandisa nzira dziri pachena nedzisiri pachena kuti vatadzise vanhu kuriona. Mune imwe nzvimbo yaionekwa bhaisikopo racho, boka revafundisi rakaita kuti magetsi adzimwe.

Varindiri vechikadzi vaibva muungano dzaiva pedyo vakapa vanhu tumabhuku twemahara twunosvika mamiriyoni twaiva nemifananidzo yaiva mu“Photo-Drama”

Vose vaiuya kuzoona vaipiwawo pini rainge rakanyorwa kuti “Pax” riine mufananidzo waJesu achiri mukomana. Pini racho raiyeuchidza munhu ainge akaripfeka kuti aiva “mwanakomana worugare”

Kunyange zvakadaro, vanhu vaizara munzvimbo dzemitambo vachiona “Photo-Drama” vasingabhadhari. MuUnited States “Photo-Drama” raionekwa mumaguta 80 zuva roga roga. Vakawanda vaishamisika nokuti aka ndiko kaiva kokutanga kuona firimu rine mashoko. Pane imwe mifananidzo yaibudiswa, vaiona nhiyo ichitsotsonywa uye ruva richitumbuka. Zvimwe zvikamu zvacho zvairatidza sayenzi yepanguva iyoyo yaitsigira kuti Jehovha ane uchenjeri hunoshamisa. Sezvataurwa kwokutanga, mumwe akaona Hama Russell mubhaisikopo racho vachisuma “Photo-Drama,” akataura kuti ‘Hama Russell vari kunyatsobuda sokunge ndivo chaivo vari kutaura.’

CHINHU CHINOKOSHA PAKUDZIDZISA BHAIBHERI

“Photo-Drama” rakatanga kuratidzwa musi wa11 January, 1914 muchivako ichi chakanaka muNew York City chaiva cheInternational Bible Students Association

Mumwe munyori uye muongorori wemafirimu Tim Dirks akatsanangura “Photo-Drama” achiti “ndiro firimu rokutanga rakakura raiva nemashoko anenge achienderana nemifananidzo inofamba uye masiraidhi.” Mafirimu akanga agadzirwa “Photo-Drama” risati rabudiswa akanga ashandisa zvimwe zvinhu izvi asi hapana rainge razvishandisa zvose panguva imwe chete, uye richitaura nezveBhaibheri. Uye hapana firimu rakaonekwa nevanhu vakawanda sezvakaitwa “Photo-Drama.” Mugore rokutanga chete, rakaonekwa nevanhu vanosvika mamiriyoni mapfumbamwe muNorth America, Europe, Australia, uye New Zealand!

“Photo-Drama” rakatanga kuratidzwa musi wa11 January, 1914 muNew York City. Papera mwedzi minomwe, Hondo Yenyika I yakatanga. Asi vanhu vakawanda vakaramba vachiungana kuti vaone “Photo-Drama,” vachinyaradzwa nezvavaiona zvine chokuita nemakomborero achaunzwa noUmambo. Chokwadi, “Photo-Drama” raiva firimu rakanaka chaizvo raipfuura mamwe ose mugore ra1914.

Ma“Photo-Drama” 20 aishandiswa nezvikwata zvakasiyana-siyana muNorth America yose