Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mazano Okuti Mhuri Ifare

Kugadzirisa Kusawirirana

Kugadzirisa Kusawirirana

Murume anoti: “Taroorana, ini naSarah * taigara kumba kwevabereki vangu. Rimwe zuva, musikana womunin’ina wangu akandikumbira kuti ndimuperekedze kumba nemotokari yedu. Ndakabvuma uye ndakaenda nomwanakomana wedu muduku. Asi pandakadzoka kumba, Sarah akanga ashatirwa. Takatanga kupopotedzana uye akanditi handibviri mumadhirezi, vomumhuri mangu varipo. Ndakati handinzarwo, ndikabva ndatanga kumuudza magaramwoyo.”

Mudzimai anoti: “Mwana wedu anorwara, uye panguva iyoyo takanga tisina mari. Saka Fernando paakaperekedza mainini nemotokari aine mwana wedu, pane zvinhu zvakandigumbura. Paakadzoka, ndakamuudza zvaiva pamwoyo. Takapopotedzana tichikandirana makobvu nematete. Asi ndakazozvidemba.”

KANA murume nomukadzi vakapopotedzana, zvinoreva here kuti havachadanani? Kwete! Fernando naSarah vakataura zviri pamusoro apo vanodanana zvokupengesana. Asi kunyange mumhuri dzinodanana, apo neapo kusawirirana kunomboitika.

Nei kusawirirana kuchimboitika, uye chii chaungaita kuti kusaparadza mhuri yako? Sezvo Mwari ari iye akatanga mhuri, zvine musoro kuti tiongorore kuti Shoko rake Bhaibheri rinoti kudii panyaya iyi.—Genesisi 2:21, 22; 2 Timoti 3:16, 17.

Kunzwisisa Zvinetso Zvacho

Varume nevakadzi vakawanda vanoda kuitirana zvinhu norudo nomutsa. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura chokwadi chokuti “vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Saka, panotanga kusawirirana, zvingasava nyore kuzvidzora. Uye panongotanga kusawirirana, zvingava zvakaoma chaizvo kuti vakawanda vadzivise maitiro akaipa, akadai sokupopota uye kukandirana magaramwoyo. (VaRoma 7:21; VaEfeso 4:31) Ndezvipi zvimwe zvingakonzera kusawirirana?

Kazhinji murume nomudzimai vane matauriro akasiyana. Mumwe mukadzi anonzi Michiko anoti, “Patakaroorana, ndakaona kuti taiva nematauriro akasiyana. Ini handingodi kutaura chete kuti chii chaitika, asiwo kuti zvafamba sei uye kuti nei. Murume wangu anoita seanongoda kuziva kuti zvapera sei.”

Michiko haasi iye oga ane dambudziko rakadai. Mumhuri dzakawanda, mumwe angada kuti mukurukure muchiita zvokudonongodza zvamunenge musina kuwirirana, asi mumwe wacho angasafarira kukakavadzana uye angasarudza kuti nyaya yacho isataurwa nezvayo. Dzimwe nguva mumwe paanoramba achiti nanga-nanga nenyaya yacho, mumwe wacho ndipo paanoramba akati zii. Wakambozviona here zvichiitika mumhuri yenyu? Mumwe pakati penyu ndiye anonyanya kuda zvokukurukura, asi mumwe asingadi here?

Chimwe chokufunga nezvacho ndechokuti marererwo omunhu ane zvaanoita pakunzwisisa kwake nzira yokukurukurirana nayo somurume nomukadzi. Justin, ave akaroora kwemakore mashanu, anoti: “Ndinobva mumhuri isingatauri-tauri uye zvinondiomera kutaura pachena manzwiro angu. Izvi zvinogumbura mudzimai wangu. Kumhuri kwake kune vanhu vanotaura manzwiro avo, uye haanetseki kundiudza manzwiro aanoita.”

Nei Tichifanira Kugadzirisa Zvinetso?

Vanotsvakurudza vakaona kuti chinonyatsoratidza kuti mhuri inofara, hakusi kugara vachiudzana kuti vanodanana. Kugutsana mune zvepabonde uye kuva nemari hazvisiwo zvinhu zvinonyanya kukosha. Panzvimbo pezvo, chinonyatsoratidza kubudirira kwemhuri ndechokuti murume nomudzimai vanogadzirisa sei kusawirirana kunomuka.

Uyezve, Jesu akati vaviri pavanoroorana, havabatanidzwi nomunhu asi naMwari. (Mateu 19:4-6) Naizvozvo, mhuri inofara inokudza Mwari. Ukuwo, kana murume akatadza kuda uye kufungawo mudzimai wake, Jehovha Mwari angasateerera minyengetero yake. (1 Petro 3:7) Kana mudzimai asingaremekedzi murume wake, chaizvoizvo anenge asingaremekedzi Jehovha, uyo akagadza murume kuti ave musoro wemhuri.—1 VaKorinde 11:3.

Mazano Okubudirira—Usava Nematauriro Akaipa

Pasinei nematauriro ako kana marererwo awakaitwa, pane kutaura kwakaipa kunofanira kudziviswa kana uchizoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri uye wogadzirisa kusawirirana. Zvibvunze mibvunzo inotevera:

‘Ndinoedza kusatsiva here?’

“Kudzvinya mhino ndiko kunobudisa ropa, uye kudzvinya kutsamwa ndiko kunobudisa kupopota,” chinodaro chimwe chirevo chouchenjeri. (Zvirevo 30:33) Izvi zvinorevei? Chimbofunga muenzaniso uyu. Kungatanga kuri kusawirirana pamari ichashandiswa nemhuri (“tinoda kungwarira kuti tisaramba tichitenga nechikwereti”) kungaita kuti vapedzisire vatukana (“haufungi”). Chokwadi, kana mudiwa wako ‘akakudzvinya mhino’ achikutsvinyira, unganzwa uchida ‘kumudzvinyawo.’ Zvisinei, kudzorera kunongomutsa hasha uye panova nemakakatanwa.

Munyori weBhaibheri Jakobho akanyevera kuti: “Tarirai! Zvinoda moto muduku sei kupisa sango guru kwazvo! Naizvozvo, rurimi moto.” (Jakobho 3:5, 6) Kana vakaroorana vakatadza kudzora rurimi rwavo, tunyaya tuduku tungakurumidza kuva bopoto. Mhuri dzinogara dzichikandirana makobvu nematete kudaro hadziiti kuti pave norudo.

Pane kudzorera, ungatevedzera here Jesu, uyo ‘asina kutukawo’ paaitukwa? (1 Petro 2:23) Imwe nzira yokukurumidza kupodza kupopotedzana ndeyokubvuma maonero omumwe wako uye kukumbira ruregerero.

EDZA IZVI: Pachazomuka kusawirirana, zvibvunze kuti: ‘Ndinobvei kana ndikabvuma zviri kutaurwa nomumwe wangu? Ndaitei chaita kuti pave nechinetso ichi? Pane chinonditadzisa kukumbira ruregerero here kana ndakanganisa?

‘Ndinoshora kana kuti ndinorerutsa manzwiro omudiwa wangu here?’

“Imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni,” rinodaro Shoko raMwari. (1 Petro 3:8) Chimbofunga zvikonzero zviviri zvingaita kuti utadze kushandisa zano iri. Chimwe ndechokuti ungave usinganzwisisi mafungiro kana kuti manzwiro omumwe wako. Somuenzaniso, kana mumwe wako achinetseka nezveimwe nyaya kupfuura iwe, ungaerekana wati, “Unongoshupikawo nezvinhu zvisina nebasa rose.” Vavariro yako ingave iri yokubatsira mumwe wako kuti aone zvinhu sezvazviri. Zvisinei, vashoma vanonyaradzwa nematauriro akadaro. Varume nemadzimai vanoda kuziva kuti vanhu vavanoda vanovanzwisisa uye vanovanzwira tsitsi.

Kunyanya kuzvida kungaitawo kuti mumwe arerutse manzwiro omudiwa wake. Munhu anodada anoedza kuzvikwidziridza nokugara achishora vamwe. Angazviita nokutsvinya kana kuti kuenzanisa mudiwa wake nevamwe achimuderedza. Chimbofunga muenzaniso wevaFarisi nevanyori vomuzuva raJesu. Mumwe munhu, kunyange muFarisi chaiye paaitaura pfungwa inosiyana neyeava vanodada, vaibva vamutsvinyira kana kumumhura. (Johani 7:45-52) Jesu aisadaro. Ainzwira vamwe tsitsi pavaitaura naye.—Mateu 20:29-34; Mako 5:25-34.

Chimbofunga zvaunoita mumwe wako paanotaura zviri kumunetsa. Mashoko ako, inzwi rako uye zvaunoita chiso chako zvinoratidza tsitsi here? Kana kuti unokurumidza kupira gotsi manzwiro omudiwa wako here?

EDZA IZVI: Muvhiki dzinotevera, cherechedza matauriro aunoita nomumwe wako. Kana ukashora kana kuti ukatsvinya, kumbira ruregerero ipapo.

‘Ndinowanzofunga kuti vavariro dzomudiwa wangu ndedzoudyire here?’

“Jobho anotya Mwari pasina here? Imi hamuna kumupoteredza noruzhowa, iye neimba yake nezvinhu zvose zvaainazvo kumativi ose here?” (Jobho 1:9, 10) Nemashoko iwayo, Satani akamutsa mubvunzo pamusoro pevavariro dzaJobho.

Kana vakaroorana vakasangwarira, vangaitawo zvakafanana. Somuenzaniso, kana mumwe wako akakuitira chimwe chinhu chakanaka, unofungira kuti pane chaari kuda kana kuti chaari kuvharidzira here? Kana mumwe wako akakanganisa, unoona chikanganiso ichi sechinongoratidza kuti ane undingoveni uye haana hanya here? Unokurumidza kuyeuka zvaakambokanganisa zvakafanana neizvi wobva wawedzera chimwe ichi here?

EDZA IZVI: Nyora zvinhu zvakanaka zvawakaitirwa nomumwe wako uye vavariro dzakanaka dzingave dzakaita kuti aite izvozvo.

Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rudo . . . haruchengeti mafi.” (1 VaKorinde 13:4, 5) Rudo chairwo runoziva kuti hatina kukwana. Asiwo haruzoiti chigumbu. Pauro akatiwo rudo “runotenda zvinhu zvose.” (1 VaKorinde 13:7) Hakusi kuti rudo urwu runoita kuti munhu atende zvose zvose, asi kuti rune chivimbo. Haruiti kuti munhu afungire zvakaipa. Rudo runokurudzirwa neBhaibheri rwakagadzirira kukanganwira uye runoita kuti vamwe vafunge kuti vavariro dzevamwe dzakanaka. (Pisarema 86:5; VaEfeso 4:32) Kana vakaroorana vakadanana zvakadaro, vachava nemhuri inofara.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

  • Murume nomukadzi vane mashoko ari panotangira nyaya ino vakakanganisei?

  • Ndingaita sei kuti ndisakanganisawo saizvozvo?

  • Ndedzipi pfungwa dzataurwa munyaya ino dzandinoda kunyanya kushandira?

^ ndima 3 Mazita akachinjwa.