Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Ndivanaani vanonzi “veimba yaKesari” vakaudza Pauro kuti akwazise vaKristu vokuFiripi?

Muapostora Pauro akanyorera ungano yeFiripi tsamba ari muRoma munenge mugore ra60 kana kuti 61 C.E., uye Kesari waakataura nezvake akanga ari Mambo Nero. Asi ndivanaani vaiva veimba yaNero vakatumira kwaziso kuvaKristu vokuFiripi?—VaFiripi 4:22.

Tinenge tarasika kana tikafungidzira kuti vari kunzi “veimba yaKesari” vaiva hama dzepedyo dzamambo chete. Asi vaiva vanhu vose vaisanganisira varanda uye vaya vakanga vasunungurwa avo vaiva muRoma kana kuti maguta aiva pasi pamambo weRoma. Saka “veimba yaKesari” vaisanganisira zviuru zvevaranda. Ndivo vaitarisira mabasa akasiyana-siyana mumuzinda wamambo uyewo muminda nezvimwewo. Vamwe vacho vaitungamirira muhurumende.

Vamwe varanda vamambo vaiva muRoma vangangodaro vakazova vaKristu. Hatizivi kuti izvi zvakakonzerwa nokuparidza kwaPauro muRoma here kana kuti kwete. Chero zvazviri, chatinongoziva ndechokuti vanhu ava vaida chaizvo ungano yeFiripi. Guta reFiripi rakanga richitongwa noumambo hweRoma uye vakawanda vaigarako vakanga vari vashandi vehurumende uye masoja vaiva pamudyandigere. Saka kunenge kuti vaKristu vaivako vakanga vachizivana nehama dzakatumira kwaziso.

Tsika yokugara nhaka inotaurwa muMutemo waMosesi yakanga yakamira sei?

Kare muIsraeri, murume paaifa asina mwana mukomana, zvainzi munun’una wacho ndiye aifanira kunogara nhaka maiguru kuitira kuti aberekere mukoma wake vana, dzinza risafa. (Genesisi 38:8) Tsika iyi yakatozoiswa muMutemo waMosesi. (Dheuteronomio 25:5, 6) Zvakaitwa naBhoazi zvinotaurwa muna Rute, zvinoratidza kuti murume paaifa asina vanun’una, dzimwe hama dzake dzechirume ndidzo dzaifanira kugara nhaka chirikadzi inenge yasara.—Rute 1:3, 4; 2:19, 20; 4:1-6.

Chimwe chinoratidza kuti tsika iyi yakanga ichiri kuitwa mumazuva aJesu mashoko akataurwa nevaSadhusi ari pana Mako 12:20-22. Muongorori wezvakaitika kare womuzana remakore rokutanga anonzi Flavius Josephus akati, tsika iyi yaisaitirwa kungochengetedza zita redzinza asi yaibatsirawo kuti pfuma yemhuri irambe iripo uye chirikadzi yacho iwane chinoiraramisa. Kare ikako mukadzi akanga asina kodzero dzokuti agare nhaka pfuma yomurume wake. Asi mwana aizozvarwa kana chirikadzi yagarwa nhaka ndiye aizoita kuti pfuma yomushakabvu irambe iri mumhuri.

Mutemo waibvumira hama dzemurume anenge afa kuti dzirambe kugara nhaka chirikadzi inenge yasara. Asi kana murume akaramba ‘kuvaka imba yomukoma wake’ zvaishoresa.—Dheuteronomio 25:7-10; Rute 4:7, 8.