NHARIREYOMURINDI January 2013 | Unofanira Kutya Kuguma Kwenyika Here?

Maererano neBhaibheri, chii chinonzi “kuguma kwenyika”?

Kuvaverengi Vedu

Kutanga nemagazini ino, dzimwe nyaya dzemumagazini ino dzichangobuda paindaneti chete. Verenga zvakawanda uone kuti nei zvachinja.

NYAYA IRI PAKAVHA

Kuguma Kwenyika—Unokutya, Unokutarisira Kana Kuti Waneta Nokukumirira Here?

Ungashamisika paunonzwa zvinonyatsotaurwa neBhaibheri nezvekuguma kwenyika.

SWEDERA PEDYO NAJEHOVHA

‘Makazvizarurira Vacheche’

Ona kuti ungaziva sei chokwadi chiri muBhaibheri nezvaMwari.

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Ndakazowana Rusununguko Chairwo.”

Ona kuti Bhaibheri rakabatsira sei mumwe mukomana kuti arege fodya, kushandisa madhiragi uye kudhakwa.

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO

“Kunyange Zvazvo Iye Akafa, Achiri Kutaura”

Ona zvinhu zvitatu zvakaita kuti Abheri ave nokutenda muMusiki ane rudo.

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Zita raMwari ndiani uye nei tichifanira kurishandisa?

Zvimwe Zviri paIndaneti

Ngwarira Kuti Usaita Godo!

Verenga unzwe kuti Mosesi akaita sei paakaitirwa godo nomukoma wake uye nehanzvadzi yake.

Iti “Maita Basa”

Vabereki batsirai vana venyu kubvira vachiri vaduku kuti vazive kuti nei zvakakosha kutaura kuti maita basa.