Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Njodzi Dzinongoitika Dzega—Dzinoratidza Kuti Mwari Ane Utsinye Here?

Njodzi Dzinongoitika Dzega—Dzinoratidza Kuti Mwari Ane Utsinye Here?

ZVINOTAURWA NEVAMWE: “Mwari ndiye ari kutonga nyika saka ndiye ari kukonzera njodzi dzinongoitika dzega, zvichireva kuti ane utsinye.”

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) “Akaipa” uyu ndiani? Bhaibheri rinoti ndiSatani. (Mateu 13:19; Mako 4:15) Izvozvo hazvina musoro here? Funga izvi: Kana Satani ari iye mutongi wenyika, saka ndiye ari kunyengera vanhu kuti vangozvifunga ivo chete, vave nemakaro uye vave nemafungiro akaipa. Izvi hazvitibatsiri here kunzwisisa kuti nei vanhu vachitadza kutarisira pasi rino zvakanaka? Nyanzvi dzakawanda dzinonyevera kuti, kutadza kutarisira pasi kuri kuitwa nevanhu kunogona kukonzera njodzi dzinongoitika dzega, kana kudziwedzera uye kungaitawo kuti zvive nyore kuti vanhu vakuvadzwe padzinoitika.

Saka nei Mwari achirega Satani achinyengera vanhu saizvozvo? Tinowana mhinduro yacho pane zvakaitika kuvabereki vedu vokutanga avo vakapandukira Mutongi wavo Mwari. Kubva ipapo vakawanda vari kurambawo kutongwa naMwari. Kuramba kutongwa naMwari uku kwakaita kuti vanhu vari munyika vave pasi peutongi hwemuvengi waMwari, Satani. Ndokusaka Jesu akadana Satani kuti “mutongi wenyika.” (Johani 14:30) Satani acharamba achitonga nokusingaperi here? Kwete!

Jehovha * haana kupira gotsi kutambura kuri kukonzerwa naSatani. Chokwadi ndechokuti, Mwari anorwadziwa nokutambura kwevanhu. Somuenzaniso, Bhaibheri parinotaura nezvematambudziko aisangana nevaIsraeri rinoti nezvaMwari: “Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika.” (Isaya 63:9) Nemhaka yengoni dzake, Mwari akaronga kuti abvise utongi hweutsinye hwaSatani munguva pfupi iri kuuya! Akagadza Mwanakomana wake Jesu Kristu kuti ave Mambo akanaka anoita zvakarurama nokusingaperi.

KUBATSIRWA KWAUNOITWA: Kunyange zvazvo utongi hwaSatani hwatadza kudzivirira vanhu panjodzi dzinongoitika dzega, utongi hwaJesu huchavadzivirira. Jesu akambodzivirira vadzidzi vake padutu rine simba. Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Akatuka mhepo yacho, akati kugungwa: ‘Shii! Nyarara!’ Zvino mhepo yacho yakadzikama, kudzikama kukuru kukavapo.” Vadzidzi vakabva vati: “Iyeyu anombova ani, nokuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?” (Mako 4:37-41) Nyaya iyi inotipa chivimbo chokuti Jesu achadzivirira vanhu vose vanoteerera paanenge ava kutonga saMambo.—Dhanieri 7:13, 14.

^ ndima 5 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.