Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungavimba Nechitendero Chako Here Panyaya Dzehondo?

Ungavimba Nechitendero Chako Here Panyaya Dzehondo?

Alberto uyo akashanda muchiuto kwemakore anoda kusvika 10 anoti: “Mufundisi wedu akatikomborera achiti, ‘Mwari anemi.’ Asi ndakazvitongesa ndichiti, ‘Ini ndiri kuenda kunouraya, asi Bhaibheri rinotaura kuti, “usauraya.”’”

Ray aiva mumwe wemauto aishandira mumvura muHondo Yenyika II. Akambobvunza mufundisi wavo kuti: “Munokwira mungarava, monyengeterera masoja kuti akunde. Ko vavengi vedu havasi kuitawo izvozvo here?” Mufundisi wacho akapindura kuti Ishe anoshanda nenzira dzinoshamisa.

Kana usingagutsikane nemhinduro iyi, hausi wega wakadaro.

BHAIBHERI RINODZIDZISA KUTI CHII?

Jesu akati mumwe wemirayiro yaMwari mikuru pane yose ndewokuti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mako 12:31) Jesu akati tinofanira kuda muvakidzani wedu zvichienderana nokuti anogara kupi kana kuti anobva kunyika ipi here? Aiwa. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:34, 35) Kudanana kwavo kwaizova kwakakura zvokuti vanhu vaizovaziva nerudo irworwo. Pane kuti vauraye vamwe, ivo ndivo vaizozvipira kuti vafire vamwe.

VaKristu vokutanga vairarama maererano nemashoko aJesu. Bhuku rinonzi The Encyclopedia of Religion rinoti: “Vanyori vechechi vokutanga, vaisanganisira Tertullian naOrigen, vakasimbisa kuti vaKristu vakanga vasingabvumidzwi kuuraya vanhu, uye chokwadi ichi chaivaita kuti vasapinda muuto reRoma.”

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA ZVINOITAWO SEI?

Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvichiwanika munenge munyika dzose, chero nyika dzinotanga kurwisana dzinenge dziine Zvapupu. Asi vanoita zvose zvavanogona kuti varambe vaine rudo urwo runoita kuti vazivikanwe.

Vatungamiriri vezvitendero vanombodzidzisa nezverudo rwechokwadi rwechiKristu here?

Somuenzaniso, pahondo yemarudzi yaiva pakati pevaHutu nevaTutsi kuRwanda muna 1994, Zvapupu zvaJehovha hazvina rutivi rwazvaitsigira. Zvapupu zvechiHutu zvaihwandisa zvechiTutsi, zvichiwanzoita kuti upenyu hwazvo huve pangozi. Zvapupu zviviri zvechiHutu pazvakabatwa kuti zvakanga zvahwandisa hama dzazvo dzechiTutsi, uto revaHutu reInterahamwe rakati, “Munofanira kufa nokuti mabatsira vaTutsi kuti vapukunyuke.” Zvinosuruvarisa kuti Zvapupu zviviri izvi zvechiHutu zvakabva zvaurayiwa.—Johani 15:13.

Unofungei: Maitiro eZvapupu zvaJehovha anoenderana nemashoko aJesu panyaya yokuva nerudo rwokuzvipira here?