Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Chii chingaita kuti vari muwanano vafare?

Mazano eBhaibheri panyaya yokuva newanano inofadza anobatsira nokuti rinobva kuna Jehovha Mwari anova ndiye akatanga wanano. Rinotidzidzisa kuva neunhu hunoita kuti wanano inakidze uye rinotinyevera nezveunhu hunoparadza wanano. Rinotidzidzisawo kuti tigone kukurukurirana zvakanaka zvoita kuti tiwedzere kufara muwanano.—Verenga VaKorose 3:8-10, 12-14.

Varume nemadzimai vanofanira kukudzana uye kuremekedzana. Vanogona kufara kana vakabvuma zvavanonzi naMwari vaite muwanano.—Verenga VaKorose 3:18, 19.

Chii chinoita kuti vari muwanano vachembedzane?

Vari muwanano vanogona kugara vose kana vachidanana. Mwari anotidzidzisa maratidzire atingaita rudo. Jehovha neMwanakomana wake Jesu, mienzaniso yakanaka yerudo rwokuzvipira.—Verenga 1 Johani 4:7, 8, 19.

Kana varume nemadzimai vakaremekedza urongwa uhwu hwewanano, vanogarisana zvakanaka. Mwari akaita kuti wanano ive mubatanidzwa unogara zvachose pakati pemurume nemukadzi kuitira kuti mhuri dzive dzakachengeteka. Izvi zvinokwanisika nokuti Mwari akasika murume nomudzimai kuti vagarisane uye vabatsirane. Akavasikawo nomufananidzo wake, vachikwanisa kutevedzera rudo rwake.—Verenga Genesisi 1:27; 2:18, 24.