Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVINHU ZVINOITA KUTI TIZVIDYE MWOYO

Zvinhu Zvinoita Kuti Tizvidye Mwoyo Zviri Kwose Kwose!

Zvinhu Zvinoita Kuti Tizvidye Mwoyo Zviri Kwose Kwose!

“Ndaida kutenga zvokudya zvinogutsa asi ndakangowana kuine mabhisikiti chete, achitengeswa nemari yakapetwa ka10 000 kupfuura mutengo waaifanira kutengeswa nawo! Mangwana acho, zvitoro zvakanga zvisisina kana zvekudya.”—Paul, Zimbabwe.

“Murume wangu akandishevedza tikagara pasi, ndokundiudza kuti akanga ava kusiya mhuri. Ndaizoita sei ndarambwa seizvi? Ko vana vangu ndaizovarera sei?”—Janet, United States.

“Masairini paanotanga kurira, ndinomhanya ndichitsvaga pekuhwanda, uye ndinorara pasi uku mabhomba achiputika mudenga. Pashure pemaawa akati kuti, maoko angu anenge achiri kudedera.”—Alona, Israel.

Tiri kurarama mumazuva ane zvinhu zvinoita kuti tizvidye mwoyo, “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Vakawanda vari kuoneswa chitsvuku nematambudziko ekushaya mari, kuparara kwemhuri, hondo, zvirwere zvinouraya, uye njodzi dzinongoitika dzoga kana kuti dzinokonzerwa nevanhu. Chimwewo ndechekuti vanhu vanonetseka pavanofunga zvinhu zvakaita seizvi: ‘Ko bundu randiinaro ikenza here?’ ‘Ko zvinhu zvichange zvamira sei munyika pachakura vazukuru vangu?’

Hakusi kuzvidya mwoyo kwose kwakaipa. Tinowanzozvidya mwoyo patinenge tichida kunyora bvunzo, kumira pamberi peruzhinji kana kuti patinobvunzwa neari kuda kutipa basa. Uye kutya zvinhu zvakaipa kunoita kuti tisapinda munjodzi. Asi kugara tichizvidya mwoyo kana kuti kunyanya kuzvidya mwoyo kunokuvadza. Tsvakurudzo dzichangobva kuitwa pavanhu vakuru vanopfuura 68 000 dzakaratidza kuti kunyange kuzvidya mwoyo kuri pakati nepakati, kunogona kuita kuti munhu akurumidze kufa. Ndosaka Jesu akabvunza kuti: “Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti rimwe chete paurefu hwoupenyu hwake nokuzvidya mwoyo?” Chokwadi kuzvidya mwoyo kunoita kuti munhu asararame kwenguva refu. Ndosaka Jesu akati: “Regai kuzvidya mwoyo.” (Mateu 6:25, 27) Asi izvi zvinokwanisika sei?

Zvinokwanisika kana tikashandisa uchenjeri hunobatsira, tikava nekutenda kwechokwadi muna Mwari, uye kana tikasimbisa tariro yechokwadi yeramangwana. Regai tione kuti izvi zvakabatsira sei Paul, Janet, naAlona kuti vakunde kuzvidya mwoyo. Kunyange kana zvinhu zvisina kutiomera iye zvino, zvinogona kuzotiomera mune ramangwana.