Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unombonzwa Sokuti Mwari Haana Basa Newe Here?

Unombonzwa Sokuti Mwari Haana Basa Newe Here?

“SEI ZVAITIKA kwandiri? Ko sei Mwari asiya zvichiitika kwandiri?” Mibvunzo iyi yakanetsa Sidnei wekuBrazil aine makore 24. Akanga abva kuita tsaona paaitserendenda achinopinda mumvura akasara aremara zvekutadza kufamba.

Vanhu vanogona kunzwa sokuti Mwari haana basa navo pavanotambura nezvinhu zvakadai setsaona, urwere, kufirwa nemunhu wavanoda, njodzi dzinongoitika dzoga, kana kuti hondo. Izvi hazvisi zvitsva. Jobho, uyo aiva musoro wemhuri uye akararama kare, akawirwa nematambudziko akatevedzana. Nekusaziva akapomera Mwari achiti: “Ndinokuchemerai kuti ndibatsirwe, asi imi hamundipinduri. Ndamira, kuti munditeerere. Munozvichinja kuti mundiitire utsinye. Munoramba muchindiitira utsinye nesimba rizere roruoko rwenyu.”—Jobho 30:20, 21.

Jobho aisaziva kuti matambudziko ake aibva kupi uye kuti sei akamuwira. Asi isu takakomborerwa nekuti Bhaibheri rinotiratidza kuti chii chinoita kuti matambudziko avepo, uye zvatinofanira kuita kana auya.

MWARI AIDA KUTI VANHU VATAMBURE HERE?

Bhaibheri rinoti nezvaMwari: “Basa rake rakakwana, nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina kusaruramisira. Iye akarurama uye akatendeseka.” (Dheuteronomio 32:4) Saka zvingava nemusoro here kuti Mwari “akarurama uye akatendeseka” aite kuti vanhu vatambure kana kuti ashandise matambudziko pakuranga vanhu kana kuti pakuvachenesa kuti vave vatsvene?

Kwete, nekuti Bhaibheri rinotiudza kuti: “Paanenge achiedzwa, munhu ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nokuti hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.” (Jakobho 1:13) Bhaibheri rinototidzidzisa kuti pakutanga Mwari akaita kuti vanhu vave neupenyu hwakanaka chaizvo. Akapa vanhu vekutanga Adhamu naEvha, musha wakanaka, une zvese zvinodiwa pakurarama, nebasa rinogutsa ravaifanira kuita. Mwari akavaudza kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire.” Adhamu naEvha vakanga vasina kana chikonzero chokuona sokuti Mwari haana basa navo.—Genesisi 1:28.

Asi iye zvino upenyu hwaipa chaizvo. Kubvira kare vanhu vange vachingoona ndondo. Izvi zvinonyatsoenderana nemashoko anoti: “Zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.” (VaRoma 8:22) Zvakambotanga sei?

SEI VANHU VACHITAMBURA?

Kuti tinzwisise kuti sei paine kutambura, tinofanira kuziva kuti kwakatanga sei? Adhamu naEvha vakafurirwa neimwe ngirozi yakanga yapanduka yakazoguma yava kunzi Satani Dhiyabhorosi. Vakabva varamba mitemo yaMwari yezvaanoti zvakanaka uye zvakaipa, zvinova ndizvo zvaimiririrwa nemutemo wokusadya muti “wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” Dhiyabhorosi akaudza Evha kuti vaisazofa kana vakasateerera Mwari. Nemashoko aya Satani aitopa Mwari mhosva yekuti anonyepa. Satani akapomerawo Mwari kuti ainyima vanhu kodzero yekuti vazvisarudzire zvakanaka uye zvakaipa. (Genesisi 2:17; 3:1-6) Satani aireva kuti vanhu vanogona kutorarama zvakanaka pasina utongi hwaMwari. Izvi zvakamutsa mubvunzo unokosha wekuti, Mwari ane kodzero yekutonga here?

Dhiyabhorosi akamutsa imwe nyaya zvakare. Akapomera vanhu kuti vanoshumira Mwari kana paine zvavanowana kwaari. Achitaura nezvaJobho akatendeka, Dhiyabhorosi akaudza Mwari kuti: “Imi hamuna kumupoteredza noruzhowa, iye neimba yake nezvinhu zvose zvaainazvo kumativi ose here? . . . Asi ndapota, chimbochinjai, mutambanudze ruoko rwenyu, mugunzve [muparadze] zvinhu zvose zvaainazvo muone kana asingazokutukii pamberi penyu chaipo.” (Jobho 1:10, 11) Kunyange zvazvo Satani akataura mashoko aya pamusoro paJobho, iye aitorevawo kuti vanhu vose vanoshumira Mwari kana paine zvaanovaitira.

KUGADZIRISA KUNOITA MWARI NYAYA IDZI

Ndeipi yaiva nzira yakanaka yokugadzirisa zvachose nyaya idzodzo dzinokosha? Mwari asina waakaenzana naye pauchenjeri ndiye aiziva nzira yokugadzirisa nayo zvinhu yakanaka kupfuura dzose, inotisiya tisinganzwe sokuti haana basa nesu. (VaRoma 11:33) Akabvumira vanhu kuti vazvitonge kwenguva yakati, kuitira kuti zvibude pachena kuti ndiani anotonga zvakanaka.

Kuipa kwaita zvinhu panyika mazuva ano kunoratidza pachena kuti kutonga kwevanhu kwakundikana zvachose. Hurumende dzevanhu dzatadza kuita kuti vanhu vagare vasina chokutya, vachifara, vari murunyararo uye dzasakadza nyika. Izvi zvinobva zvasimbisa chokwadi chakataurwa muBhaibheri chokuti: “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:23) Kutonga kwaMwari chete ndiko kunogona kuita kuti vanhu vagare murunyararo, vachifara, uye vabudirire muupenyu, nokuti ndicho chinotova chinangwa chaMwari.—Isaya 45:18.

Mwari aizozadzisa sei chinangwa chake chaakasikira vanhu? Yeuka kuti Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:10) Mwari achashandisa Umambo hwake kubvisa zvose zvinokonzera kutambura uye achazviita panguva yakakodzera. (Dhanieri 2:44) Urombo, zvirwere uye rufu zvichange zvisisipo. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari “achanunura murombo anochemera kubatsirwa.” (Pisarema 72:12-14) Kana vari vanorwara, Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Isaya 33:24) Achitaura nezvevakafa vanoyeukwa naMwari, Jesu akati: “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake, vobuda.” (Johani 5:28, 29) Aya mashoko anofadza zvikuru atakavimbiswa!

Kutenda kuti zvakavimbiswa naMwari zvichaitika kunotibatsira kuti tisafunga kuti Mwari haana basa nesu

ZVAUNGAITA KUTI USANZWA SOKUTI MWARI HAANA BASA NEWE

Pashure pemakore anenge 17 kubva paakaita tsaona, Sidnei, ambotaurwa nezvake patangira nyaya ino akati: “Handina kumbobvira ndapomera Jehovha Mwari kuti ndiye akandipinza mutsaona, asi ndinobvuma hangu kuti pakutanga ndakambofunga kuti andirasa. Dzimwe nguva ndinombosuruvara chaizvo, uye pandinofunga nezvekuremara kwangu ndinotombochema. Asi Bhaibheri rakandibatsira kunzwisisa kuti tsaona iyoyo yakanga isiri shamhu yaMwari. Asi sezvinotaurwa neBhaibheri, tose tinowirwa “nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” Kunyengetera kuna Jehovha uye kuverenga mavhesi aibatsira padambudziko rangu kwakaita kuti ndisimbe pakunamata uye kwakaita kuti ndigare ndichifara.”—Muparidzi 9:11; Pisarema 145:18; 2 VaKorinde 4:8, 9, 16.

Kugara tichifunga zvikonzero zvekuti sei Mwari akabvumira kutambura uye kuti kuchapera sei nekukurumidza kunotibatsira kuti tisaona sokuti Mwari haana basa nesu. Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari “anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” Hapana anotenda maari uye muMwanakomana wake achaodzwa mwoyo.—VaHebheru 11:6; VaRoma 10:11.