Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 1

Unhu hwaJehovha

Unhu hwaJehovha

(Zvakazarurwa 4:11)

  1. 1. Jehovha, Mwari wesimba rese,

    Musiki weupenyu nechiedza,

    Zvakasikwa zvoti: Mune simba.

    Pasi nedenga hazvigumi.

  2. 2. Muri mutongi akarurama.

    Mitemo yenyu munotizivisa.

    Uye tikavhura Shoko renyu,

    Toona uchenjeri hwenyu.

  3. 3. Rudo rwenyu rwunopfu’ra zvese.

    Hapana chinopfu’ra zvipo zvenyu.

    Unhu hwenyu pamwewo nezita,

    Nechido tinozvizivisa.