Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 28

Kuva Shamwari yaJehovha

Kuva Shamwari yaJehovha

(Pisarema 15)

  1. 1.Ndiani angava

    M’tende renyu Mwari,

    Seshamwari yakavimbika,

    Anokuzivai?

    Ndevaya vanonzwa

    Shoko voritenda

    Uye vaya vakavimbika,

    Vari muchokwadi.

  2. 2. Ndiani anganzi

    Ishamwari yenyu,

    Anoita kuti mufare,

    Mom’ziva nezita?

    Ndevaya vanoda,

    Shoko renyu Mwari

    Uye vaya vakatendeka,

    Vanokukudzai.

  3. 3. Tokanda zvinetso,

    Todurura mwoyo,

    Tiri pedyo nemi, murudo,

    Munotipa zvese.

    Ushamwari nemi

    Huve hwakasimba.

    Ndimi mega Shamwari yedu,

    Inopfu’ra dzese.