Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 95

Chiedza Chiri Kuramba Chichijeka

Chiedza Chiri Kuramba Chichijeka

(Zvirevo 4:18)

  1. 1. Vaprofita vakaona zvaKristu,

    Tariro yezvisikwa zvese.

    Mweya wakazivisa nezvaKristu

    Muponesi aizotumwa.

    Nguva yakwana, Mesiya otonga;

    Uchapupu hwakajeka.

    Chikomborero kudzidza nezvazvo;

    Ngirozi dzinotozvidawo!

    (KORASI)

    Zvino nzira yedu yojeka;

    Tinofamba muchiedza.

    Onai Mwari ojekesa;

    Anotitungamirira.

  2. 2. Ishe wedu akatipa muranda,

    Towana zvekudya panguva.

    Chokwadi choramba chichingojeka,

    Chichifadza mwoyo nepfungwa.

    Nzira yojeka hatidzadzariki,

    Tinofamba muchiedza.

    Totenda Mwari, Tsime rechokwadi,

    Tinofamba munzira yake.

    (KORASI)

    Zvino nzira yedu yojeka;

    Tinofamba muchiedza.

    Onai Mwari ojekesa;

    Anotitungamirira.