Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Johani Mubhabhatidzi Aivako Zvechokwadi Here?

Johani Mubhabhatidzi Aivako Zvechokwadi Here?

Nhoroondo dzeEvhangeri dzinotaura nezvemurume ainzi Johani Mubhabhatidzi, uyo akaparidza muJudhiya nezveUmambo hwaMwari. Zvinotaurwa neBhaibheri nezvemurume uyu ndezvechokwadi here? Chimbofunga izvi:

  • Bhaibheri rinoti: “Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhiya, achiti: ‘Pfidzai zvivi zvenyu, nekuti Umambo hwekudenga hwaswedera pedyo.’” (Mateu 3:1, 2) Kune vamwe vanhu here vanobvuma kuti mashoko aya ndeechokwadi? Ehe.

    Munyori wenhoroondo wekare ainzi Flavius Josephus akarondedzera mumwe murume ainzi “Johani aiva nezita rechipiri rakanga rava kunzi Mubhabhatidzi,” uyo “akakurudzira vaJudha kuva vanhu vakarurama,” voratidza kuti vanhu “vanonamata Mwari zvechokwadi,” uye “vouya kuzobhabhatidzwa.”—Jewish Antiquities, Book XVIII.

  • Bhaibheri rinotsanangura kuti Johani akatsiura Herodhi Andipasi, uyo aiva mutongi weruwa rweGarireya nePereya. Herodhi aiva muJudha zvezita uye aiti aiteerera Mutemo waMozisi. Johani akatsiura Herodhi nekuroora kwaakaita Herodhiyasi, mudzimai wemukoma wake. (Mako 6:18) Mashoko aya anotsigirwawo nemamwe mabhuku asiri Bhaibheri.

    Munyori wenhoroondo Josephus akataura kuti Andipasi “akadanana naHerodhiyasi” ndokubva “amuudza asingatombonyari kuti aida kumuroora.” Herodhiyasi akabvuma akasiya murume wake akanoroorwa naAndipasi.

  • Bhaibheri rinoti “vanhu vemuJerusarema neJudhiya yese nenyika yese yakapoteredza Jodhani vaibuda, vachienda [kuna Johani], uye vaibhabhatidzwa naye muRwizi rwaJodhani.”—Mateu 3:5, 6.

    Josephus anotsigirawo mashoko aya, achinyora kuti vanhu vakauya vari “mapoka” kuti vaone Johani uye kuti “vakanakidzwa zvisingaiti nemharidzo dzake.”

Zviri pachena kuti, munyori wenhoroondo Josephus aiona Johani Mubhabhatidzi semunhu chaiye, uye nesuwo ndozvatinoita.