Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RAMBAI MAKAMUKA!

Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekuparadzwa Kuri Kuitwa Nyika?

Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekuparadzwa Kuri Kuitwa Nyika?

 “Zvinhu zviri kuitwa nevanhu zviri kuita kuti mamiriro ekunze awedzere kuipa. Munzvimbo dzakawanda muchaitika mafashamo. Kupisa kuchawedzera zvakanyanya. Kuchaitikawo mhepo dzine simba dzinotyisa. Nzvimbo dzakawanda dzichashaya mvura. Mhuka dzakawanda nezvirimwa zvakawanda zvichatsakatika. Hatisi kunyepa kana kuti kuwedzeredza. Izvi ndizvo zvichaitika kana hurumende dzikasachinja nzira dzavari kushandisa kuwana magetsi.”—Mashoko aya akataurwa nemukuru mukuru weSangano Renyika Dzepasi Rese (United Nations) anonzi António Guterres pamusangano wekukurukura zviri kuitika kumamiriro ekunze unonzi Intergovernmental Panel on Climate Change wakaitwa musi wa4 April 2022.

 “Vanoongorora vanoti mumakore ari kutevera nzvimbo dzese dzinochengeterwa mhuka dzemusango dzinosvika 423 muUnited States, dzichange dzaparara zvichikonzerwa nekuwedzera kupisa zvakanyanya kuri kuita kunze. Matambudziko aya ari kuita senge njodzi dzinotaurwa muBhaibheri dzakadai semoto nemafashamo, kunyunguduka kwechando, kuwedzera kwemvura iri mumakungwa uye kupisa zvakanyanya.”—Mashoko aya akabuda mupepanhau reThe New York Times, remusi wa15 June 2022 panyaya yaiva nemusoro wekuti, “Mafashamo Akaitika kuYellowstone Chiratidzo Chekuti Kune Zvikuru Zviri Mberi.”

 Dambudziko rekuparadzwa kwenharaunda richazombogadzirisika here? Kana richizogadzirisika, ndiani achazvigadzirisa? Inzwa zvinotaurwa neBhaibheri.

Kuparadzwa kwenharaunda kwakagara kwataurwa

 Bhaibheri rinoti Mwari ‘achaparadza vari kuparadza nyika.’ (Zvakazarurwa 11:18) Vhesi iyi inotidzidzisa zvinhu zvitatu:

  1.  1. Vanhu vachaita zvinhu zvinokanganisa nyika.

  2.  2. Kuparadzwa kuri kuitwa nyika kuchaguma.

  3.  3. Mwari, kwete vanhu, ndiye achagadzirisa dambudziko rekuparadzwa kuri kuitwa nyika.

Nyika yedu ichanaka

 Bhaibheri rinoti: “nyika inoramba iripo nekusingaperi.” (Muparidzi 1:4) Icharamba ichigarwa.

  •   “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, uye vachagara mairi nekusingaperi.”—Pisarema 37:29.

 Zvese zvakakanganisika panyika zvichagadziriswa.

  •   “Renje nenyika yakaoma zvichapembera nemufaro, renje richafara rotumbuka seruva rinonzi safuroni.”—Isaya 35:1.