Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzira Dzekuverenga Bhaibheri

Nzira Dzekuverenga Bhaibheri

 Bhaibheri rine mazano anobatsira pakurarama. Kana ukariverenga nekufungisisa zuva nezuva uye ukashandisa zvaunodzidza, ‘nzira yako ichabudirira.’ (Joshua 1:8; Pisarema 1:1-3) Uchaziva Mwari neMwanakomana wake, Jesu, uye zivo iyoyo ichaita kuti uponeswe.​—Johani 17:3.

 Unofanira kuverenga sei Bhaibheri? Pane nzira dzakawanda. Purogiramu ino yekuverenga Bhaibheri inokubatsira kuti uverenge Bhaibheri kubvira kwarinotangira kana kuti uverenge zvichienderana nenyaya dzaunenge uchida. Semuenzaniso, unogona kuverenga zvikamu zvinotaura nezvenhoroondo yaMwari nevaIsraeri. Unogonawo kuverenga zvikamu zvinotaura nezvekuti ungano yekutanga yechiKristu yakatanga sei kuzosvikira ikure. Kana ukaverenga zvitsauko zvakati kuti zuva rega rega, panozopera gore unenge waverenga Bhaibheri rese.

 Ungave uri kuda kuverenga Bhaibheri zuva rega rega, kuronga kuriverenga kwegore rese kana kuti uchidawo kuverenga Bhaibheri kekutanga, purogiramu ino ichakubatsira. Dhaunirodha purogiramu ino yekuverenga Bhaibheri, ubve watanga kuriverenga nhasi chaiye.