Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvidhindo Zvekare Zvaiva Zvakaita Sei?

Zvidhindo Zvekare Zvaiva Zvakaita Sei?

Zvidhindo zvaiva chinhu chidiki chine mabhii kana zviratidzo zvakaita zvekutemererwa chaishandiswa kuisa mucherechedzo paivhu rekuumbisa kana kuti panamo. Zvimwe zvaiva zveraundi, zvetubhokisi, uye zvimwe zvichibudisa tumifananidzo twemisoro yemhuka. Chidhindo chaigona kuratidza muridzi wechinhu, kana kuratidza kuti gwaro nderechokwadi, uye chaigona kushandiswa kuti mabhegi kana zvinhu zvakadai semadhoo kana kuti paipindwa napo muguva pasangovhurwa zvisina mvumo.

Chidhindo chinoratidza mutongi wePezhiya ainzi Dhariyasi I achivhima uye mufananidzo wachaibudisa chadhindirwa paivhu

Zvidhindo zvaigadzirwa nezvinhu zvakasiyana-siyana kusanganisira mabhonzo, matombo akapfava, simbi kana miti. Dzimwe nguva zita rakazara remuridzi raitemerwa pachidhindo chacho. Zvimwe zvidhindo zvairatidza zita rekuremekedza remuridzi wacho.

Kuratidza kuti gwaro rakanyorwa nderechokwadi, muridzi wechidhindo aidhinda paivhu rekuumbisa kana kuti panamo kana chimwe chinhu chaiiswa pagwaro racho. (Jobho 38:14) Ivhu racho kana kuti namo yaibva yaoma uye zvaigona kudzivirira kuti mumwe munhu asachinja gwaro iri.

Zvidhindo Zvaigona Kushandiswa Kupa Masimba

Chidhindo chaigona kupiwa mumwe munhu, zvomupa simba kungofanana neremuridzi wacho. Izvi zvakaitika pana Farao wekuIjipiti nemurume wechiHebheru ainzi Josefa, mwanakomana waJakobho. Josefa akambova muranda muIjipiti. Akazokandwa mujeri asina mhosva. Nekufamba kwenguva, Farao akamubudisa mujeri ndokumukwidziridza kusvika pachinzvimbo chaprime minister. Bhaibheri rinoti: “Farao akabva abvisa rin’i yake ine chidhindo muruoko rwake, akaipfekedza Josefa muruoko.” (Genesisi 41:42) Sezvo rin’i iyi yaiva nechidhindo chepamutemo, Josefa akanga ava nemasimba ekuita basa rake rinokosha.

Panguva yevaIsraeri Mambokadzi Jezebheri akashandisa chidhindo chemurume wake paurongwa hwekuurayisa murume ainzi Nabhoti. Akanyora tsamba kune vamwe vakuru muzita raMambo Ahabhi, achivaudza kuti vapomere Nabhoti mhosva yekutuka Mwari. Akaisa chidhindo chamambo patsamba dzacho uye akabudirira neurongwa hwake hwakaipa.—1 Madzimambo 21:5-14.

Mambo wePezhiya ainzi Ahashivheroshi aishandisa rin’i yake yaiva nechidhindo kuti asimbise mirayiro yaaipa.—Esteri 3:10, 12.

Munyori weBhaibheri ainzi Nehemiya anoti machinda eIsraeri, vaRevhi, uye vapristi vakaratidza kubvuma chimwe chibvumirano chakanga chanyorwa nekuisa zvidhindo zvavo pachiri.—Nehemiya 1:1; 9:38.

Bhaibheri rinotaura nezvenzvimbo mbiri pakashandiswa chidhindo kuvhara pekupinda napo. Muprofita Dhanieri paakakandwa mugomba reshumba, “pakabva patorwa dombo rikaiswa pamuromo wegomba racho.” Zvadaro, Mambo Dhariyasi, uyo aitonga Medhiya nePezhiya, akabva “aridhinda nerin’i yake ine chidhindo uye nerin’i ine chidhindo yemakurukota ake, kuti parege kuva nechinochinjwa pamusoro paDhanieri.”—Dhanieri 6:17.

Mutumbi waJesu pawakaiswa muguva, vavengi vake “vakaita kuti guva racho richengetedzwe nekunama dombo” rainge raiswa kuti rivhare muromo weguva racho. (Mateu 27:66) Kana ichi chaiva chisimbiso chehurumende yeRoma, “chisimbiso chacho chaigona kuva ivhu rekuumbisa kana kuti namo yakaiswa pakati . . . pedombo nemuromo weguva,” akanyora kudaro mumwe murume anonzi David L. Turner, mubhuku rake rinotsanangura bhuku raMateu.

Sezvo zvidhindo zvekare zvichitidzidzisa zvakawanda nezvezvaiitika kare, vanoita zvekuchera matongo nevanonyora nhoroondo vanoda chaizvo kuziva nezvazvo. Iye zvino, kudzidza nezvezvidhindo, uko kunonzi sigillography, kwava kukosheswa chaizvo.