Enda pane zvauri kuda

Habtemichael Tesfamariam asati asungwa, aine mudzimai wake Leterberhan Bezabih

25 APRIL, 2018
ERITREA

Zvapupu Zviviri Zvechikuru Zvakafira Mujeri kuEritrea

Zvapupu Zviviri Zvechikuru Zvakafira Mujeri kuEritrea

Zvapupu zvaJehovha zviviri, Habtemichael Tesfamariam naHabtemichael Mekonen, vakafira mujeri rinonzi Mai Serwa Prison riri pedyo neAsmara gore ra2018 richangotanga. Vese vakasungwa vachibva vapinzwa mujeri muna 2008. Vakasungirwa zvavanotenda panyaya dzechitendero uye vakaitirwa utsinye kwemakore anosvika 10 vari mujeri.

VaTesfamariam vakangoerekana vashaya vaine makore 76 mujeri reMai Serwa Prison musi wa3 January, 2018. Vamwe vasungwa vavaiva navo vanoti vanenge vakaita stroke. VaTesfamariam vakazvarwa muna 1942 muAdi Yakulu, Mendefera, kuEritrea. Vakava mumwe weZvapupu zvaJehovha muna 1970 uye vakaramba kusiya zvavaitenda pasinei nekusungwa uye utsinye hwavaiitirwa. Vakasiya mudzimai anonzi Leterberhan Bezabih nevana 7, vakomana 4 nevasikana 3.

VaMekonen vakashaya vaine makore 77 mujeri reMai Serwa Prison musi wa6 March 2018. Vamwe vasungwa vavaiva navo vanofungidzira kuti kusashanda zvakanaka kweitsvo ndiko kwakavauraya. VaMekonen vakazvarwa muna 1940 munzvimbo inonzi Kudo Felasi nechekumaodzanyemba kweEritrea. Vakava mumwe weZvapupu zvaJehovha makore anopfuura 55  apfuura. Sezvaingoitwawo navaTesfamariam, vaMekonen vakaramba kusiya zvavaitenda kunyange zvazvo vakasungwa uye vaiitirwa utsinye. Vasiya mudzimai wavo anonzi Mihret Ellias, nevana vaviri, mukomana nemusikana.

Kusungwa Vasina Mhosva Uye Kubatwa Zveutsinye

VaMekonen vakanga vari pamba musi wavakasungwa muna July 2008 asi havana kuudzwa mhosva yavakasungirwa. VaTesfamariam vakasungwawo vari pamba muna August 2008. Vese vakabva vanoiswa mujeri rinonzi Meitir Prison Camp, riri mugwenga nechekuchamhembe kweAsmara uko kwavaiitirwa utsinye husingaiti. Zvagara zvinotozivikanwa kuti vanhu vanobatwa semhuka chaidzo mujeri iri. Kubvira muna October 2011 kusvika muna August 2012 vakuru vekujeri ikoko vakapa Zvapupu mutongo wekugara mune chimwe chivakwa. Hafu yechivakwa ichi iri pasi pevhu uye imwe hafu yacho ndiyo inobudikira pamusoro. Chivakwa ichi chinopisa zvisingaiti uye vasungwa vakanga vasingapiwi zvekudya zvakakwana kana mvura. Izvi zvakaita kuti vamwe vapedzisire vabatwa zvimwe zvirwere zvavachitori nazvo iye zvino.

Muna 2017, vakuru vakuru vejeri vakazobvisa Zvapupu kuMeitir Camp vachizviendesa kuMai Serwa Prison, uko kwavaibvumidzwa kupiwa zvekudya nehama dzavo uye kuendeswa kuchipatara kana varwara zvakanyanya. Vasungwa vakafara chaizvo nekuchinjwa kwavakaitwa asi utano hwavaTesfamariam navaMekonen hahuna kuzomboita nani kubvira pavakarwara nemhaka yemabatirwo avaiitwa kuMeitir Camp.

Habtemichael Mekonen asati asungwa, aine mudzimai wake Mihret Ellias

VaTesfamariam navaMekonen havasi ivo Zvapupu zvekutanga kufira mujeri kuEritrea kana kuti vachangosunungurwa. Nemhaka yeutsinye hunoitirwa vasungwa, zvimwe Zvapupu zviviri zvakafira mujeri uye vamwe vatatu vakafa vachangobudiswa. Zvapupu zvinenge 7 zvakabudiswa mujeri makore apfuura, zvichiri kunetseka neutano zvichikonzerwa nemabatirwo avaiitwa pavaiva mujeri. Zvapupu 53 zvichiri mujeri nanhasi kuEritrea nemhaka yezvavanotenda, kusanganisira munin’ina wavaTesfamariam anonzi, Tareke.

Kutambudza Vanhu “Imhosva Yekutyora Kodzero Dzevanhu”

Musi wa8 June 2016, sangano reUnited Nation’s Human Rights Council rakabudisa ongororo yakaitwa neCommission of Inquiry on Human Rights in Eritrea (COIE), iyo yayakagadza kuti iongorore kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuEritrea. Commission of Inquiry on Human Rights in Eritrea yakakurudzira hurumende yeEritrea kuti “iremekedze rusununguko rwevanhu panyaya dzekunamata kana kuti zvavanotenda” uye “isiyane netsika yekusungira vanhu zvavanotenda, kunyanya vaya vari mumasangano akadai seZvapupu zvaJehovha, . . . uye kuti vakurumidze kusunungura vanhu vese vakasungwa pasina mhosva yavapara.” Commission of Inquiry on Human Rights in Eritrea yakagumisa nekutaura kuti kutambudzwa kuri kuitwa vanhu kuEritrea nemhaka yechitendero chavanopinda “imhosva yekutyora kodzero dzevanhu.”

Zvapupu zvaJehovha zvinoshuva kuti dai nyika yese ikanzwa nezvekufa kwavaTesfamariam navaMekonen, zvoita kuti vamwe vakuru vakuru vemuEritrea vanoda zvinhu zvakarurama vaone zvekuita nevamwe vese vachakasungirwa zvavanotenda.