Enda pane zvauri kuda

Hama Joseph F. Rutherford vachitaura nehama dzaitungamirira paParthenon pavakashanya kuGreece muna 1920. Zvivako zvakasiyana-siyana zvakashandiswa semahofisi ebazi muGreece, hofisi yekutanga yaiva muAthens (nechepamusoro), imwe yaiva muMaroussi (nechepakati), uye iye zvino iri muDrapetsona

29 SEPTEMBER 2022
GREECE

Hofisi yeBazi yekuGreece Yava Nemakore 100 Ichishanda

Hofisi yeBazi yekuGreece Yava Nemakore 100 Ichishanda

Panosvika musi wa6 October 2022, hofisi yebazi muGreece inenge yava nemakore 100 ichishanda.

Tsamba yakanyorwa nahama Rutherford musi wa6 October 1922, nezvekutanga kushanda kwehofisi yebazi muGreece

Basa rekuparidza muGreece rakatanga muna 1905. Mashoko akanaka akaparidzwa munyika yacho uye muna 1922 hama Joseph F. Rutherford vakavhura hofisi yebazi yekutanga muAthens. Hama Athanassios Karanassios ndivo vakatanga kugadzwa semumiririri wemahofisi. Muna 1936 pakatanga kuprindwa mabhuku mumutauro weGreek. Pashure pemakore maviri, hurumende yakaisa mutemo wairambidza vanhu kuudza vamwe nezvechitendero chavo. Izvi zvakaita kuti hama Karanassios vasungwe muna 1939. Basa rekuprinda rakabva ramira uye zvivako zvesangano zvakabva zvatorwa nehurumende kwemwedzi mishoma. Pava paya, Greece payakapindira muHondo Yenyika Yechipiri, pakaiswa mutemo waitaura kuti mabhuku edu ese akanga abhanwa uye mahofisi edu ebazi akanga avharwa.

Pashure pekunge hondo yapera muna 1945, takabva tabvumirwa kunamata takasununguka uye hama dzaitungamirira dzakatangazve kuronga basa rekuparidza. Pashure pemakore maviri, hama Nathan H. Knorr vakashanya kuGreece vachibva varonga kuti pave nemahofisi ebazi matsva mumugwagwa unonzi Tenedou Street muAthens. Pakazosvika 1951, muGreece makanga mava nevaparidzi 3 368. Nhamba yevaparidzi yakanga yawedzera ne26% mugore rimwe chete. Zviri pachena kuti Jehovha akakomborera basa iri.

Muna October 1954, hama dzakatsaurira mahofisi matsva aiva mumugwagwa unonzi Kartali Street muAthens. Basa rekuparidza rakaramba richifambira mberi pasinei nekutambudzwa. Muna 1967, rimwe bato remauto rakatanga kutonga muGreece, uye misangano yeungano nebasa rekuparidza zvakabva zvabhanwa zvakare.

Hama Michalis Kaminaris nemudzimai wavo, Eleftheria, vakashanda paBheteri panguva yainge yakabhanwa basa redu. Hama Kaminaris vanoti: “Pakabhanwa basa redu basa rekuprinda paBheteri rakabva ramirawo, saka pamba pataigara muAthens ndipo patakanga tava kuprindira. Eleftheria aitaipa nyaya dzaiva muNharireyomurindi achishandisa typewriter. Aiisa mapepa 10 panguva imwe chete obaya mabhatani etypewriter zvine simba kuitira kuti mashoko adhindikire pamapepa acho ese. Ndaibva ndatora mapepa acho ndomasonanidza. Ndizvo zvataiita manheru ega ega, kusvika pakati peusiku. Imba yataigara yaiva nenhurikidzwa uye isu taigara pamusoro uye pazasi paigara mumwe mupurisa. Hatiziviwo kuti sei asina kumbonyumwa kuti pane zvataiita mumba usiku.”

Kunyange zvazvo basa redu rakanga rakabhanwa, nhamba yevaparidzi yakaramba ichiwedzera. Muna 1974, basa redu rakatanga kubvumidzwa, uye pakanga pava kudiwa hofisi yebazi yakakura kupfuura yataiva nayo. Mumakore akatevera, nhamba yevaparidzi yakaramba ichiwedzera uye hofisi yebazi yakarambawo ichikura. Hofisi yebazi iri kuGreece iye zvino iri muguta rinonzi Drapetsona, muPiraeus uye yakatsaurirwa musi wa18 November 2018. Iye zvino muGreece mune vaparidzi 27 752.

Kuwedzera kwaiita nhamba yevaparidzi muGreece mumakore 100 apfuura, pasinei nekubhanwa, hondo, uye kutambudzwa, kunoratidza kuti hapana chinotadzisa Jehovha ‘kuita kuti zvikurumidze panguva yazvo.’—Isaya 60:22.