Enda pane zvauri kuda

21 OCTOBER 2022
UNITED KINGDOM

Bhuku raMateu Rakabudiswa Mumutauro wePunjabi (Shahmukhi)

Bhuku raMateu Rakabudiswa Mumutauro wePunjabi (Shahmukhi)

Musi wa9 October 2022, Hama Paul Norton, vari muDare Rebazi reBritain, vakabudisa Bhaibheri—Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu mumutauro wePunjabi (Shahmukhi). Purogiramu yacho yakaita zvekutepfenyurwa uye vaparidzi vanopfuura 1 300, kusanganisira vaionera paDzimba dzeUmambo mundima yebazi reBritain, vakapinda purogiramu yacho. Vanhu vakabva vatokwanisa kuwana bhuku racho rakaprindwa, repafoni uye rakarekodhwa.

Mutauro wePunjabi unotaurwa nemamiriyoni evanhu vari muIndia, Pakistan nedzimwewo nyika. Bhaibheri rakazara reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene remutauro wePunjabi wakanyorwa nemavara eGurmukhi rakabudiswa muna October 2020. Asi Bhaibheri iri richangobva kubudiswa richanyanya kushandiswa nevanhu vanoverenga mutauro wePunjabi unonyorwa nemavara eShahmukhi, avo vasingagoni kuverenga mavara eGurmukhi kana kuti vasinganyatsonzwisisi mamwe mashoko acho. Kusvika pari zvino, vaverengi vePunjabi (Shahmukhi) vanga vachishandisa maBhaibheri emimwe mitauro yakadai seUrdu.

Mumakore apfuura, mamwe mabhuku eBhaibheri emutauro wePunjabi (Shahmukhi) akabudiswa. Asi shanduro iyi yebhuku raMateu iri nyore kuverenga uye kunzwisisa. Uye chinonyanya kukosha ndechekuti shanduro iyi ine zita raJehovha.

Mumwe mushanduri akashanda pabasa iri akati: “Vanhu vanogona kunge vakambonzwa zita raJehovha munziyo dzichitendero. Asi nemhaka yekuti vashanduri vakabvisa zita raMwari mumavhesi akawanda eBhaibheri, vanhu vanoona sekuti hazviiti kuti vaswedere pedyo naMwari. Iye zvino vachaona zita raMwari mubhuku iri reBhaibheri pese parinofanira kunge riri.”

Tine chokwadi chekuti bhuku iri idzva richabatsira hama nehanzvadzi dzedu kuramba dzichiswedera pedyo naJehovha uye kurumbidza zita rake.—Mateu 6:9.