Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Zvinhu Zvawamboverenga​—iOS

Zvinhu Zvawamboverenga​—iOS

JW Library inochengeta nyaya uye zvitsauko zveBhaibheri zvaunenge waverenga. Izvi zvinogona kukubatsira, sepaya paunenge uchida kudzoka pavhesi yawamboverenga.

Ita zviri pasi apa kuti ukwanise kuona zvaunenge wamboverenga:

 Kuenda Pawamboverenga

Ramba wakabaya bhatani rakanzi Bible kuti uone mavhesi awamboverenga. Baya vhesi yauri kuda kuti ibude zvekare.

Kana uchida kuvhura nyaya dzawamboverenga, ramba wakabaya pakanzi Publications. Baya nyaya yawamboverenga kuti uione zvakare.

 Kushandisa Bhatani Rakanzi Clear

Kuti uone zvawambovhura, ramba wakabaya pakanzi Bible kana kuti Publications. Baya Clear kana uchida kudzima zvawambovhura zvacho.

Izvi zvakatanga kushanda muna May 2014 paJW Library 1.2, inoshanda neiOS 6.0 zvichikwira. Kana usiri kuona kuti zvinoshanda sei, ona mirayiridzo iri munyaya inoti “Tanga Kushandisa JW Library​—iOS,” pasi pemusoro unoti Wana Zvitsva Zviripo.