Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RAIBHURARI yeWATCHTOWER

Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa—Raibhurari yeWatchtower

Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa—Raibhurari yeWatchtower

Kuti ukwanise kushandisa Raibhurari yeWatchtower unofanira kunge uine kombiyuta kana kuti laptop inoshandisa Pentium processor kana kuti inopfuura ipapo, ine Microsoft Windows 7 kana kupfuura, ine 48 MB dzeRAM uye nzvimbo inokwana 3 GB paC: drive.

Kana kombiyuta yako ichishandisa Microsoft Windows 7, unofanira kutanga wadhaunirodha uye woisa pakombiyuta yako software inovhura faira rinonzi ISO. Unogona kuwana software yakadai kana ukaenda pawebsite yeMicrosoft.

 

Kana Raibhurari yeWatchtower ichiramba kuisa zvinhu zvitsva, ita zvinhu zvinotevera:

  1. Enda pajw.org pakanzi Kuisa Zvinhu Zvitsva paRaibhurari yeWatchtower

  2. Dhaunirodha Faira Rezvitsva reRaibhurari yeWatchtower remutauro wako.

  3. Tevedzera mirayiridzo iri pakanzi “Kuisa Zvinhu Zvitsva Uchishandisa Faira Rawadhaunirodha.”

Kana ikaramba kuisa zvinhu zvitsva, ita zvinotevera:

  1. Enda paFile Explorer, pakombiyuta yako wovhura apa: “C:\ProgramData\Watchtower\WTLibrary.”

  2. Bvisa mafaira maviri anotevera:

    • a. ca-bundle.zip

    • b. cert.pem

Kana uri kuomerwa nekutevedzera mirayiridzo iri pamusoro apa, kumbira shamwari inoziva nezveRaibhurari yeWatchtower kuti ikubatsire, kana kuti fonera kana kunyorera hofisi yebazi iri pedyo newe.

 

Unogona kubatsirwa neshamwari inoziva nezveRaibhurari yeWatchtower, kana kuti unogona kufonera kana kunyorera hofisi yebazi iri pedyo newe.