Enda pane zvauri kuda

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Krisimasi?

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Krisimasi?

Nhema dzinowanzotaurwa nevanhu

Nhema: Zvapupu zvaJehovha hazvitendi muna Jesu ndokusaka zvisingapembereri Krisimasi.

 Chokwadi: Tiri vaKristu. Tinotenda kuti Jesu Kristu chete ndiye achaita kuti vanhu vaponeswe.—Mabasa 4:12.

 Nhema: Munopesanisa mhuri nokudzidzisa vanhu kuti vasapemberera Krisimasi.

 Chokwadi: Tine hanya chaizvo nemhuri dzevanhu, uye tinoshandisa Bhaibheri kuti tivabatsire kuva nemhuri dzakabatana.

 Nhema: Munoruzirira zvakawanda zvinoitwa paKrisimasi zvakadai sekupanana zvipo, kubatana kunoita vanhu panyika panguva iyoyo, uye kuitira vamwe zvakanaka.

 Chokwadi: Tinoedza kuva vanhu vane rupo uye vane rugare nevamwe zuva rimwe nerimwe. (Zvirevo 11:25; VaRoma 12:18) Somuenzaniso, patinoita misangano yedu uye patinoparidza tinenge tichiita zvinoenderana nemurayiro waJesu wokuti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mateu 10:8) Uyezve, tinoita kuti vanhu vazive kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo huchaita kuti pasi pano pave nerugare.—Mateu 10:7.

Sei Zvapupu zvaJehovha zvisingapembereri Krisimasi?

  •   Jesu akatirayira kuti tiyeuke zuva rekufa kwake, kwete rekuberekwa kwake.—Ruka 22:19, 20.

  •   Vaapostora vaJesu uye vadzidzi vepakutanga-tanga vakanga vasingapembereri Krisimasi. Bhuku rinonzi New Catholic Encyclopedia rinotaura kuti “mutambo wokupemberera kuberekwa kwaJesu wakazotanga gore ra243 [C.E.] rapfuura,” patova nemakore anopfuura 100 muapostora wekupedzisira afa.

  •   Hapana uchapupu hunoratidza kuti Jesu akaberekwa musi wa25 December; zuva rekuberekwa kwake harina kunyorwa muBhaibheri.

  •   Chinoita kuti titi Mwari haafariri Krisimasi imhaka yekuti yakatanga mutsika dzechihedheni.—2 VaKorinde 6:17.

Hamuoni here kuti kusapemberera Krisimasi kunoita kuti musafarirwa nevamwe?

 Vakawanda vachiri kupemberera Krisimasi kunyange zvazvo vachiziva kuti yakatangira muchihedheni uye kuti haitsigirwi neBhaibheri. Vanhu vakadaro vanogona kubvunza kuti: Sei vaKristu vachifanira kuita zvinhu zvakadaro zvinoita kuti vasafarirwa nevamwe? Havaoni here kuti zvavanoita zvinoita kuti vasafarirwa nevamwe?

 Bhaibheri rinotikurudzira kuti tishandise ‘simba redu rokufunga’ kwete kungoita vanagundamusaira. (VaRoma 12:1, 2) Rinotidzidzisa kuti tikoshese chokwadi. (Johani 4:23, 24) Saka, kunyange zvazvo tiine hanya nemaonero atinoitwa nevamwe, tinoita zvinotaurwa neBhaibheri kunyange kana zvichireva kuti tichavengwa.

 Kunyange zvazvo tisingapembereri Krisimasi, tinoremekedza kodzero yemumwe nemumwe yekusarudza zvaanoda panyaya iyi. Hativhiringidzi vanhu vanenge vachipemberera Krisimasi.