Enda pane zvauri kuda

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingadani Nzvimbo Yazvinonamatira Kuti Chechi?

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingadani Nzvimbo Yazvinonamatira Kuti Chechi?

 MuBhaibheri, shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “chechi” rinoreva boka revanamati, kwete chivako chinonamatirwa.

 Ona muenzaniso uyu: Muapostora Pauro paakanyorera vaKristu vokuRoma, akatumira kwaziso kune murume nemudzimai vaainamata navo Akwira naPrisira, uye akawedzera kuti: “Ndikwazisireiwo chechi inonamatira pamba pavo.” (VaRoma 16:5, Contemporary English Version) Pauro akanga asiri kukwazisa chivako. Asi aikwazisa vanhu, vainamatira pamba pavo. a

 Saka panzvimbo pokudana nzvimbo dzatinonamatira tichidziti chechi, tinoti “Imba yoUmambo.”

Sei Ichinzi “Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha”?

 Mashoko aya akakodzera nokuda kwezvikonzero zvakati kuti:

  •   Chivako ichi imba, kana kuti inzvimbo yokunamatira.

  •   Tinoungana kuti tinamate Jehovha, Mwari anotaurwa muBhaibheri, uye kuti tipupurire nezvake.​—Pisarema 83:18; Isaya 43:12.

  •   Tinounganawo kuti tidzidze nezveUmambo hwaMwari, uhwo Jesu aigara achitaura nezvahwo.​—Mateu 6:9, 10; 24:14; Ruka 4:43.

 Wakasununguka kuenda paImba yoUmambo iri pedyo newe kuti uzvionere kuti Zvapupu zvaJehovha zvinonamata sei.

a Kwaziso dzakadaro dzinowanikwawo pana 1 VaKorinde 16:19; VaKorose 4:15; uye Firimoni 2.